Enda pane zvauri kuda

Vaudze Kuti Unovada

Vaudze Kuti Unovada

 Ong-li ndemumwe weZvapupu zvaJehovha uye anogara kuBulgaria. Aidzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi anonzi Zlatka, asi murume wemukadzi uyu akanga asingadi zvekudzidza Bhaibheri. Ong-li anoti: “Pataikurukura nyaya ine chekuita nemhuri, ndakamuudza kuti zvakakosha kuudza varume vedu uye vana kuti tinovada. Zlatka akanditarisa achiratidza kushushikana. Akati akanga asati amboudza murume wake kana mwanasikana wake ane makore 9 kuti ndinokuda!”

 Zlatka akati, “Ndinokwanisa kuvaitira zvese zvavanoda asi handikwanisi kuvaudza kuti ndinovada.” Akabva ati zvekare, “Amai vangu havasati vambondiudza kuti vanondida, kunyange ambuya vangu havana kumbobvira vaudza amai kuti vanovada.” Ong-li akaratidza Zlatka kubva muBhaibheri kuti Jehovha akatotaura zvinonzwika kuti aida Jesu. (Mateu 3:17) Akamukurudzira kuti anyengetere kuna Jehovha nezvazvo uye kuti aedzewo kuudza murume wake nemwana kuti anovada.

 Ong-li anoti: “Papera mazuva maviri, Zlatka akandiudza achifara kuti akanga anyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire. Akaudza murume wake kuti akanga adzidza muBhaibheri kuti zvakakosha kuti mudzimai aremekedze uye ade murume wake. Akabva azomuudza kuti anomuda chaizvo. Mwana wake paakazosvikawo, akabva amumbundira akamuudza kuti anomuda. Zlatka akati: ‘Iye zvino ndava kunzwa kurerukirwa. Makore ese aya ndaishaya kuti ndozvitaura sei, asi ndichibatsirwa naJehovha, ndava kukwanisa kuudza mhuri yangu kuti ndinoida.’”

Ong-li anogara achidzidzisa vavakidzani vake Bhaibheri

 Ong-li anoti, “Papera vhiki, ndakaona murume waZlatka achibva anditi: ‘Vanhu vakawanda vaindiudza kuti Zlatka asadzidza Bhaibheri nemi, asi ndava kuona kuti kudzidza kwaari kuita Bhaibheri kuri kutobatsira mhuri yedu, iye zvino tava kufara chaizvo.’”