Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JOBHO

“Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”

“Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”

 Akagara pasi, apa muviri wake wese wakazara nemamota ari kurwadza. Ita seuri kumuona, akatsikitsira musoro, mapendekete akarembedzwa, ari ega, haana kana nesimba rekudzinga nhunzi. Akagara mumadota, achiratidza kushungurudzika, uye ari kungokwenya muviri wake nechidimbu chemudziyo wevhu wakapwanyika. Aimbova munhu akapfuma, asi iye zvino haasisina kana chinhu! Shamwari dzake, vavakidzani, neveukama, vamurasa. Vanhu vese kunyange nevana vadiki vari kumutsvinyira. Ari kufunga kuti Mwari wake Jehovha amusiyawo, asi handizvo.—Jobho 2:8; 19:18, 22.

 Munhu watiri kutaura nezvake ndiJobho. Mwari akati nezvake: “Hakuna akafanana naye panyika.” (Jobho 1:8) Papera mazana emakore, Jehovha akanga achiri kuona Jobho semunhu akarurama.—Ezekieri 14:14, 20.

 Pane dambudziko rauri kusangana naro here? Nyaya yaJobho inogona kukunyaradza. Inogona kukubatsirawo kuti uve neunhu hunofanira kuva nemushumiri wese waJehovha, kuvimbika. Munhu anogona kuratidza kuti akavimbika kuna Mwari kana akaramba akatendeka kunyange paanoomerwa. Ngatimbodzidza zvakawanda kuna Jobho.

Zvakanga Zvisingazivikanwi naJobho

 Nyaya yaJobho inofanira kunge yakanyorwa naMozisi, Jobho atofa. Mozisi akatungamirirwa nemweya mutsvene waMwari kutaura zvakaitika kuna Jobho uye zvakaitikawo kudenga.

 Panotanga nyaya yacho, tinonzwa kuti Jobho airarama upenyu hwakanaka. Akanga akapfuma, aizivikanwa uye airemekedzwa chaizvo munyika yeUzi yaaigara, zvimwe nechekuchamhembe kweArabia. Aibatsira varombo uye aimiririra nherera nechirikadzi. Jobho nemudzimai wake vakakomborerwa nevana 10. Jobho aida Jehovha uye aida kumufadza, sezvakanga zvaitwa nehama dzake dzakadai saAbrahamu, Isaka, Jakobho naJosefa. Sezvakaitwa nevarume ava, Jobho akanga ari mupristi wemhuri yake, achigara achipa zvibayiro achimiririra vana vake.—Jobho 1:1-5; 31:16-22.

 Asi munyori anobva atanga kutsanangura zvaiitika kudenga, zvaisazivikanwa naJobho. Ngirozi dzakatendeka dzakanga dzakamira pamberi paMwari, uye ngirozi yakapanduka Satani yakabva yauyawo. Jehovha aiziva kuti Satani aivenga Jobho, saka paakataura naSatani akataura nezvekuvimbika kwaJobho. Satani akapindura asingambonyari kuti: “Jobho anotya Mwari pasina here? Handiti makamupoteredza neruzhowa pamwe chete nemba yake nezvinhu zvese zvaainazvo?” Satani anovenga vanhu vanoramba vakavimbika. Pavanoramba vakavimbika kuna Jehovha Mwari, vanenge vachitoratidza kuti Satani mucheri asina kana munhu waanoda. Saka Satani akaramba achisimbirira kuti Jobho aingoshumira Mwari nekuti pane zvaaida kuwana. Aiti kudai Jobho aizorasikirwa nezvinhu zvake zvese, aizotuka Jehovha pamberi pake chaipo!—Jobho 1:6-11.

 Jobho haana kana kumbozviziva, asi Jehovha ainge amupa chikomborero chakakura chekuratidza kuti Satani aireva nhema. Mwari akabvumira Satani kuti atorere Jobho zvese zvaaiva nazvo asi kwete upenyu hwake. Saka Satani akabva atanga kuruka mazano ekuti angarwadzisa sei Jobho. Musi mumwe chete, zvinhu zvinorwadza zvakaita kunaya pana Jobho. Akaudzwa kuti mombe dzake nemadhongi, makwai, uye ngamera zvainge zvaparara. Vafudzi vaizvichengeta vakafawo. Akaudzwa kuti zvimwe zvipfuwo zvacho zvakanga zvaparadzwa ‘nemoto waMwari.’ Moto wacho unogona kunge yaiva mheni. Paakanga achiri pakati pekufunga nezvekufa kwaita vanhu uye urombo hwaainge atarisana nahwo, Jobho akabva arohwa nemumwe muedzo wakasimba. Vana vake 10 vakanga vakaungana pamba pemwana wake mukuru, pachibva pangouya zichamupupuri rikarova imba yacho rikaiparadza nekuvauraya vese!—Jobho 1:12-19.

 Zvakaoma, kana kuti tingatoti hatikwanisi kufungidzira kuti Jobho akanzwa sei. Akabvarura hembe dzake, akagera musoro, akabva azviwisira pasi. Jobho akabva angofunga kuti sezvo Mwari akanga ari iye akamupa, akanga atora zvaakamupa. Satani akaita kuti zviite sekuti Jehovha Mwari ndiye akanga akonzera matambudziko iwayo. Asi Jobho haana kumbotuka Mwari sezvakanga zvataurwa naSatani. Jobho akatoti: “Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.”—Jobho 1:20-22.

Jobho haana kuziva kuti Satani aimuchera pamberi paMwari

“Achakutukai”

 Aguta nehasha, Satani haana kukanda mapfumo pasi. Akaendazve kuna Jehovha, ngirozi padzainge dzakaungana pamberi pake. Jehovha akarumbidza Jobho zvakare, nekuti airamba akavimbika pasinei nekurwisa kwese kwaiita Satani. Satani akabva apindura nehasha achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda. Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake. Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, murove pfupa rake nenyama yake, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.” Satani akazviudza kuti kana Jobho akanyatsorwara, aizotuka Mwari chete. Achinyatsovimba naJobho, Jehovha akabvumira kuti Satani amurwarise, chero bedzi akanga asingazomuurayi.—Jobho 2:1-6.

 Pasina nguva, Jobho akabva arohwa nechirwere charondedzerwa patangira nyaya ino. Fungidzira kuti mudzimai wake akanzwa sei. Aiti uku ari kuchema vana vake vese 10, panguva imwe chete achiona murume wake achiyaura nemarwadzo! Ashungurudzika, akati: “Uchakabata zvakasimba kuvimbika kwako here? Tuka Mwari, ufe!” Jobho aiziva kuti haasiriwo matauriro aisiita mudzimai wake. Akangoonawo kuti kwaiva kutaura kwemunhu akanga avhiringika. Asi akaramba kutuka Mwari wake. Haana kumbotaura mashoko akaipa.—Jobho 2:7-10.

 Nyaya iyi inopisa tsitsi, asi waona here kuti Satani haana kungopomera Jobho chete, asi vanhu vese zvavo. Akati: “Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.” Nemamwe mashoko, Satani anoti hapana munhu anokwanisa kuramba akavimbika! Anosimbirira nerekuti iwewe haudi Mwari, uchamurasa kana ukanyatsorwadziwa. Anoti unongozvifunga sezvaanoita iye! Unoda here kumuratidza kuti anonyepa? Mumwe nemumwe wedu ane mukana wekuita izvozvo. (Zvirevo 27:11) Ngatichionai mumwe muedzo wakazotarisana naJobho.

Vanyaradzi Vakatadza Basa

 Varume vatatu vaizivana naJobho, avo vanorondedzerwa seshamwari dzake vakanzwa nezvematambudziko ake vakabva vamushanyira kuti vamunyaradze. Pavakamuona nechekure, vakamushaya. Aiti kuyuwira nekurwadziwa, apa ganda rake rati tsvaa nekurwara, waisambofungira kuti ndiye. Varume vacho vatatu avo vainzi Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari vakaridza mhere vachizvidira mavhu mumusoro. Vakabva vazogara pasi pedyo naJobho. Vakaita vhiki rese vakagara ipapo, vasina kana chavaitaura. Kunyarara kwavo kwakanga kusiri kwevanhu vanoda kunyaradza mumwe wavo, nekuti havana kana chavakabvunzawo, vakanga vakangotarisa vachiona Jobho achitambura nekurwadziwa.—Jobho 2:11-13; 30:30.

 Jobho ndiye akatozopedzisira avatanga. Achiratidza kurwadziwa kwaaiita, akatuka zuva raakazvarwa. Akabva ataura kuti chii chainyanya kumurwadza. Aifunga kuti Mwari ndiye akanga ari kukonzera kurwadziwa kwake! (Jobho 3:1, 2, 23) Kunyange zvazvo aiva nekutenda, Jobho aida kunyaradzwa. Asi shamwari dzake padzakavhura muromo, Jobho akatozodemba kuti kudai vakanga vagara vakanyarara havo.—Jobho 13:5.

 Erifazi ndiye akatanga kutaura, uye anogona kunge ari iye aiva mukuru pavari vese. Dzimwe shamwari dzake mbiri dzakazotangawo kutaura. Vakataura vachingotsigira zvakataurwa naErifazi. Zvimwe zvakataurwa nevarume vacho zvaiita sekuti hazvina kuipa pavaitaura nezveukuru hwaMwari, kuranga vanhu vakaipa, uye kukomborera vanhu vakanaka. Asi kubvira pavakatanga kutaura, havana kana kumbotaura mashoko ainyaradza. Erifazi aitaura achiratidza kuti kana Mwari akanaka uye achiranga vanhu vakaipa, sei Jobho akanga arangwa kana ari munhu akanaka? Akanga asina zvakaipa zvaakanga aita here?—Jobho 4:1, 7, 8; 5:3-6.

 Jobho haana kumbobvuma mafungiro iwayo. Akaaramba zvakasimba. (Jobho 6:25) Asi shamwari dzake nhatu idzi dzakabva dzatoti saka Jobho anofanira kunge aine zvaakaita zvaasiri kutaura; anofanira kunge ari kukohwa zvaakadyara. Erifazi akapa Jobho mhosva yekuzvikudza, achimuti munhu akaipa, asingatyi Mwari. (Jobho 15:4, 7-9, 20-24; 22:6-11) Zofari akaudza Jobho kuti arege zvakaipa zvaari kuita uye kuti asanakidzwa nekuita chivi. (Jobho 11:2, 3, 14; 20:5, 12, 13) Bhiridhadhi akazotaura mashoko aicheka sebanga. Akati vana vaJobho vanofanira kunge vaine chivi chavakaita, saka vakanga vakakodzera kufa sezvavakaita!—Jobho 8:4, 13.

Shamwari nhatu dzaJobho hadzina kana kumbomunyaradza, dzakatowedzera kumurwadzisa

Jobho Anonzi Haana Kuvimbika!

 Varume ivavo vakatozowedzera kurasika. Havana kungogumira pakutaura kuti Jobho akanga asina kuvimbika, asi vakatoti hazvitombobatsiri kuedza kuva munhu akavimbika! Mumashoko ake ekutanga, Erifazi anotaura nezvemweya wakaipa wakauya kwaari. Zvaakazotaura mushure mekunge mweya iwoyo wauya kwaari zvakanga zviri muchetura chaiwo. Akati: Mwari “haatendi muvashumiri vake, uye anowanira ngirozi dzake mhosva.” Kudai ichocho chaiva chokwadi, zvaizoreva kuti hazvikwanisiki kuti munhuwo zvake afadze Mwari! Bhiridhadhi akatozoti Mwari haana kana basa nekuvimbika kwaJobho, achiti munhu ihonyewo zvayo!—Jobho 4:12-18; 15:15; 22:2, 3; 25:4-6.

 Wakamboedza kunyaradza munhu anenge achirwadziwa zvakanyanya here? Hazvisi nyore. Asi tinogona kudzidza zvakawanda kubva pane zvakaitwa neshamwari dzaJobho, kunyanya panyaya yezvatisingafaniri kutaura. Varume vatatu ava vakataura zvinhu zvekunyepa zvakawanda, zvaiita sezvine musoro, uye havana kumbonzwira Jobho tsitsi kana kumbotaura naye nezita! Havana kumbofungawo kuti Jobho aishungurudzika uye vaifanira kutaura naye neunyoro. a Saka paunenge uchibatsira mumwe munhu anenge achinetseka, edza kuramba uchiratidza kuti une hanya naye. Edza kumubatsira kuti awedzere kuva nekutenda uye mukurudzire, uchimubatsira kuti avimbe naMwari uyo ane mutsa uye anoda zvakarurama. Ndizvo chaizvo zvaizoitwa naJobho kudai vakanga vari ivo vaida kunyaradzwa. (Jobho 16:4, 5) Asi akaita sei nekupomera kwavairamba vachimuita?

Jobho Akaramba Akashinga

 Jobho akanga agara achitoshungurudzika kare pakazotanga kutaura shamwari dzake idzi. Kubvira pekutanga akabvuma kuti mashoko ake akanga ari “ekuvhurumuka” uye “emunhu akaora mwoyo.” (Jobho 6:3, 26) Tinogona kunzwisisa kuti sei akadaro. Mashoko ake aibudisa kurwadziwa kwaaiita mumwoyo. Airatidza kuti akanga asiri kuziva zvainge zvichiitika. Matambudziko aakasangana nawo akangoerekana aitika uye akanga asina kujairika zvekuti Jobho akafunga kuti ndiMwari chete aiakonzera. Pane zvinhu zvinokosha zvaiitika zvakanga zvisingazivikanwi naJobho, saka akapedzisira ava kufungira zvisiri izvo.

 Asi, Jobho aiva murume aiva nekutenda kwakasimba. Kutenda kwake kwakanyatsobuda pachena pamashoko aakataura paaipindura shamwari dzake. Zvakawanda zvaakataura zvaiva zvechokwadi uye zvinotikurudzira mazuva ano. Akataura nezvezvinhu zvakasikwa, uye akakudza Mwari achitsanangura zvinhu zvaaisakwanisa kuziva kudai akanga asina kuzviziviswa naMwari. Semuenzaniso, akataura kuti Jehovha ‘akarembedza nyika pasina chinhu,’ izvo zvakanga zvisati zvava kutombozivikanwa panguva yaakararama. b (Jobho 26:7) Uye Jobho paakataura nezvetariro yake yeramangwana, akaratidza chivimbo chaiva nevarume vaiva nekutenda kwakasimba. Jobho aitenda kuti chero kana akafa, Mwari aizomuyeuka, aizomusuwa, uye aizomumutsa.—Jobho 14:13-15; VaHebheru 11:17-19, 35.

 Ko panyaya yekuvimbika? Erifazi neshamwari dzake mbiri vaiti kuvimbika kwemunhu hakuna basa kuna Mwari. Jobho akatambira dzidziso iyoyo yakaora kudaro here? Kana! Jobho akaratidza kuti Mwari anokoshesa kuvimbika. Akataura nezvaJehovha nechivimbo achiti: “Mwari achaziva kuperera kwangu.” (Jobho 31:6) Jobho akaonawo kuti mafungiro asiri iwo eshamwari dzake aitoshora kuvimbika kwake. Ndizvo zvakaita kuti Jobho azotaura mashoko akawanda akabva aita kuti varume ava vatatu vabva vati mwiroo.

 Jobho akaona kuti kuvimbika kwake kwaibata-bata kurarama kwaaiita zuva rega rega. Saka akapindura zvakasimba achiti mararamiro ake uye zvaaiita zvakanga zvakanaka. Semuenzaniso, akanga asinganamati zvidhori; aibata vamwe zvakanaka uye achivaremekedza; akaramba akachena, achikoshesa imba yake; asi kupfuura zvese akaramba akavimbika kuna Mwari wechokwadi Jehovha. Saka Jobho akakwanisa kunyatsotaura nemwoyo wake wese kuti: “Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!”—Jobho 27:5; 31:1, 2, 9-11, 16-18, 26-28.

Jobho haana kurasa kuvimbika kwake

Tevedzera Kutenda kwaJobho

 Une maonero seaiva naJobho here panyaya yekuvimbika? Zviri nyore kutaura kuti ndakavimbika, asi Jobho aiziva kuti kuvimbika hakufaniri kungogumira pamuromo. Tinoratidza kuti takavimbika kuna Mwari nekumuteerera uye kuita zvinhu zvakarurama mazuva ese, kunyange pazvinenge zvakaoma. Kana tikadaro tichafadza Jehovha uye tichatsamwisa muvengi wake Satani, sezvakangoitwawo naJobho. Ndiyo nzira yakanakisisa yekutevedzera kutenda kwaJobho!

 Asi nyaya yaJobho haina kuperera ipapo. Akanga ava kungofunga nezvekuzvichenura achiratidza kuti akarurama, zvekuti akakanganwa nezvaMwari wake. Aida kugadziridzwa uye kubatsirwa. Akanga achiri kurwadziwa uye kushungurudzika chaizvo, saka aida kunyaradzwa. Jehovha aizobatsira sei murume uyu ainge akavimbika uye aiva nekutenda? Imwe nyaya ichazobuda ichapindura mubvunzo iwoyo.

a Zvinoshamisa kuti Erifazi aifunga kuti iye neshamwari dzake vaitaura mashoko eunyoro kuna Jobho, zvimwe nekuti vakanga vasina kumukwidzira manzwi avo. (Jobho 15:11) Asi kunyange mashoko anotaurwa zvinyoro-nyoro anogona kunge achirwadza uye achibaya.

b Nyanzvi dzesainzi dzakazoziva kuti nyika haina payakagara patopera makore 3 000 kubva pakataurwa pamashoko aya naJobho. Vanhu vakawanda vakazotanga kubvuma zvakataurwa naJobho pavakazoona mapikicha ezvakaita nyika ainge atorwa nevanhu vanoenda muchadenga.