Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Mako 11:24—“Zvose Zvamunokumbira Mukunyengetera, Tendai Kuti Mazvigamuchira”

Mako 11:24—“Zvose Zvamunokumbira Mukunyengetera, Tendai Kuti Mazvigamuchira”

 “Ndokusaka ndichikuudzai kuti, zvinhu zvese zvamunonyengeterera muchikumbira, ivai nekutenda kwekuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.”—Mako 11:24, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.”—Mako 11:24, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naMako 11:24

 Nemashoko aya, Jesu anoratidza vateveri vake kuti zvinokosha kuti vave nekutenda kwakasimba kwekuti munyengetero une simba. Anoita kuti vave nechokwadi chekuti Mwari anoteerera minyengetero yavo uye anoipindurawo. Munhu anonyengeterera zvinhu zvinoenderana nezvinodiwa naMwari anogona kuva nechokwadi chekuti zvaari kunyengeterera zvichaitika. Zvinoita sekuti munyengetero wake watopindurwa.

 Jesu akasimbisa kukosha kwekunyengetera tiine kutenda. Akati munhu anenge achinyengetera anofanira ‘kuva nechokwadi nazvo mumwoyo make achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika.’ (Mako 11:23) Akataura kudaro nekuti vaya vanonyengetera vasina chivimbo ‘havafaniri kutarisira kuti vane chavachapiwa naJehovha.’ aJakobho 1:5-8.

 Munhu ane kutenda anonyengetera mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. (Ruka 11:9, 10; VaRoma 12:12) Paanodaro, anoratidza kuti anonyatsoda zvaari kunyengeterera uye kuti anotenda kuti Mwari anogona kupindura munyengetero wake. Asi anozivawo kuti Mwari anogona kusarudza kupindura munyengetero wake neimwe nzira yakasiyana neyaanga achitarisira uye kuti anogona kupindura panguva yakasiyana neyaanga achitarisira.—VaEfeso 3:20; VaHebheru 11:6.

 Zvisinei, mashoko aJesu haarevi kuti munhu wese wese anogona kutarisira kuti Mwari amupe chero chaanenge anyengeterera. Jesu aitaura nevateveri vake, avo vaiva varume vane kutenda uye vaiita zvese zvavaigona kuti vanamate Jehovha Mwari nenzira yaanoda. Bhaibheri rinoti Jehovha anongoteerera minyengetero inoenderana nekuda kwake. (1 Johani 5:14) Haateereri minyengetero yevanhu vasingateereri mitemo yake nemaune uye vanoita zvakaipa vasingapfidzi. (Isaya 1:15; Mika 3:4; Johani 9:31) Kuti udzidze zvakawanda nezveminyengetero inoteererwa naMwari, ona kavhidhiyo aka.

Mashoko Akapoteredza Mako 11:24

 Paakanga ava kupedzisa ushumiri hwake hwepanyika, Jesu akataura nevadzidzi vake nezvekukosha kwekuva nekutenda kwakasimba muna Mwari. Akaratidza kukosha kwekuita izvi achishandisa mufananidzo. Pavaienda kuJerusarema, Jesu akaona muonde wakanga wava nemashizha. Asi muonde wacho wakanga usina michero saka Jesu akautuka. (Mako 11:12-14) Muti uyu wairatidzika sekunge waiva nemichero asi wakanga usina. Izvi zvaifananidzira zvakanga zvakaita vaIsraeri. Vainyepedzera kunamata Mwari, asi vakanga vasina kutenda. (Mateu 21:43) Pasina nguva, muonde uya wakaoma, uye izvi zvaifananidzira zvakanga zvava kuda kuitika kuvaIsraeri vasina kutenda.—Mako 11:19-21.

 Jesu aiva nechokwadi chekuti kusiyana nevaIsraeri ivavo, vateveri vake vaikwanisa kuva nekutenda kwaizovabatsira kukunda matambudziko uye kuita mabasa makuru. (Mako 11:22, 23) Zano iri rakataurwa naJesu panyaya yeminyengetero rakauya panguva chaiyo nekuti vateveri vake vakanga vava pedyo kusangana nemiedzo yakakura. Vaifanira kutsungirira rufu rwaJesu uye kupikiswa zvakanyanya kwavaizoitwa pavaiita ushumiri hwavo. (Ruka 24:17-20; Mabasa 5:17, 18, 40) Mazuva ano, vateveri vaJesu vanogonawo kukunda matambudziko kana vakaratidza kuti vanotenda muna Mwari uye vakaratidza kuti vanotenda kuti munyengetero une simba.—Jakobho 2:26.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raMako.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?