Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 10:13—“Dana Kuzita raIshe”

VaRoma 10:13—“Dana Kuzita raIshe”

 “Munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13, Shanduro yeNyika Itsva.

 “Aninani anodana kuzita raIshe, achaponeswa.”—VaRoma 10:13, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvinorehwa naVaRoma 10:13

 Mwari haasaruri, uye anopa vanhu vese mukana wekuti vaponeswe uye vawane upenyu husingaperi, pasinei nekuti ndeverudzi rupi kana kuti vane upenyu hwakaita sei. Asi kuti zvidaro, tinofanira kudana zita raJehovha, zita chairo raMwari Wemasimbaose. aPisarema 83:18.

 MuBhaibheri, mashoko ekuti “dana zita raJehovha” anoreva zvinopfuura kungoziva zita raMwari uye kurishandisa pakunamata. (Pisarema 116:12-14) Zvinosanganisira kuvimba naMwari uye kukumbira kubatsirwa naye.—Pisarema 20:7; 99:6.

 Jesu Kristu aikoshesa zita raMwari. Mashoko ekutanga mumunyengetero wake wemuenzaniso aiva ekuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe,” kana kuti riitwe dzvene. (Mateu 6:9) Jesu akaratidzawo kuti tinofanira kusvika pakuziva, kuteerera, uye kuda Jehovha kuti tizowana upenyu husingaperi.—Johani 17:3, 6, 26.

 Nei tingati Jehovha ndiye “Ishe” anotaurwa pana VaRoma 10:13 muBhaibheri reUnion Shona? Nekuti mashoko evhesi yacho akatorwa pana Joeri 2:32, apo pane zita raMwari muchiHebheru, kwete zita rekuremekedza rekuti “Ishe.” b

Mashoko akapoteredza VaRoma 10:13

 Muchitsauko 10 chaVaRoma, Bhaibheri rinoratidza kuti kufarirwa naMwari kunobva pakuti tinotenda here muna Jesu Kristu. (VaRoma 10:9) Pfungwa iyi inotsigirwa nemashoko akawanda akatorwa muTestamende Yekare. Chimwe chinhu chinoratidza kuti munhu ane kutenda kuudzawo vamwe vasingazivi Mwari mashoko akanaka. Izvi zvinoita kuti vamwe vawane mukana wekuva nekutenda kunopa upenyu.—VaRoma 10:10, 14, 15, 17.

Verenga VaRoma chitsauko 10 pamwe chete nemashoko emuzasi uye mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

a Zita raMwari rinowanika kanenge ka7 000 muzvinyorwa zvekare zveBhaibheri. MuchiHebheru, zita raMwari rine mabhii 4, anozivikanwa seTetragrammaton. Zita racho rinowanzoshevedzwa kuti “Jehovha” asi vamwe vanoongorora Bhaibheri vanoti “Yahwe.”

b Vanyori veBhaibheri vechiKristu pavaitora mashoko kubva muTestamende Yekare vanofanira kunge vaitora nezita raMwari. The Anchor Bible Dictionary rinoti: ‘Pane uchapupu hunoratidza kuti kakawanda kacho Testamende Itsva payaitora mashoko kubva muTestamende Yekare anenge aine Tetragrammaton, kureva zita raMwari rinoshandurwa kuti Yahwe, yaibva yashandisawo Tetragrammaton.’ (Volume 6, peji 392) Kuti uwane mamwe mashoko, verenga chikamu chakanzi “Zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki” muMashoko Ekuwedzera A5 muShanduro yeNyika Itsva. Mashoko Ekuwedzera C2 muBhaibheri rekudzidza reShanduro yeNyika Itsva anoratidza mamwe maBhaibheri anoshandisa zita raMwari pana VaRoma 10:13.