Enda pane zvauri kuda

Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda?

Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ehe, nokuti Mwari anoda kuti vanhu vaungane vachimunamata. Bhaibheri rinoti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.”​—VaHebheru 10:24, 25.

 Jesu akaratidza kuti vateveri vake vaizova boka rakarongeka paakavaudza kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Imwe nzira inokosha yavaizoratidza nayo rudo urwu yaizova yokuungana nevavainamata navo. Vaizorongwa kuva ungano dzakasiyana-siyana uye vaizofanira kugara vachiungana kuti vanamate. (1 VaKorinde 16:19) Ungano dzose idzi dzaizova sangano rimwe chete rakabatana pasi rose.​—1 Petro 2:​17.

Kungova nechechi yaunopinda hakuna kukwana

 Kunyange zvazvo Bhaibheri richiti vanhu vanofanira kuungana vachinamata Mwari, haridzidzisi kuti kuva nhengo yechechi ndiko kunoita kuti munhu afadze Mwari. Kuti munhu afarirwe naMwari, chechi yaanopinda inofanira kunge ichiita kuti ararame zvinoenderana nemitemo yaMwari. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo, uye kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.”​—Jakobho 1:27.