Enda pane zvauri kuda

Ungaitei Kuti Unzwisise Bhaibheri?

Ungaitei Kuti Unzwisise Bhaibheri?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri pacharo rinotaura zvinhu zvakawanda zvaungaita kuti urinzwisise. Pasinei nokuti uri munhu akaita sei, mashoko aMwari ari muBhaibheri ‘haana kunyanya kuoma, uyewo haasi kure.’—Dheuteronomio 30:11.

Zvingakubatsira kunzwisisa Bhaibheri

  1.   Iva nemaonero akanaka. Bvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Iva munhu anozvininipisa nokuti Mwari haafariri vanozvikudza. (1 VaTesaronika 2:13; Jakobho 4:6) Haikona kungotenda zvinhu nokuti zvakanyorwa, Mwari anoda kuti ushandise ‘simba rako rokufunga.’—VaRoma 12:1, 2.

  2.   Nyengetera kuti upiwe uchenjeri. Bhabheri pana Zvirevo 3:5 rinoti: ‘Rega kuvimba nokunzwisisa kwako.’ Asi, ‘ramba uchikumbira Mwari’ kuti akupe uchenjeri hunokubatsira kuti unzwisise Bhaibheri.—Jakobho 1:5.

  3.   Verenga Bhaibheri nguva dzose. Kana ukadzidza Bhaibheri nguva dzose zvichakubatsira panzvimbo pokuti ungodzidza uchiita zvetsuro yamukira mumakumbo.—Joshua 1:8.

  4.   Bata nyaya imwe panguva. Kubata nyaya imwe panguva uchiongorora zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yacho, kunobatsira chaizvo kuti uzive kuti Magwaro anodzidzisei. Tanga ‘nedzidziso dzokutanga’ wozoenderera mberi kune dzakati dzamei. (VaH 6:1, 2, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Uchaona kuti uchakwanisa kuenzanisa zvinotaurwa norumwe rugwaro uchishandisa rumwe rugwaro uye uchaonazve kuti zvimwe zvikamu zviri muBhaibheri zvinotsanangura dzimwe ndima dziri muBhaibheri kunyange ndima dziya ‘dzakaoma kunzwisisa.’—2 Petro 3:16.

  5.   Tsvaka rubatsiro kune vamwe. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibvume kubatsirwa nevanhu vanonzwisisa Bhaibheri. (Mabasa 8:30, 31) Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri zvisingabhadharisi. Kungofanana nezvaiitwa nevaKristu vepakutanga-tanga Zvapupu zvinoshandisa Magwaro kubatsira vanhu kuti vaone kuti Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo.Mabasa 17:2, 3.

Zvinhu zvisingakoshi kuti udzidze Bhaibheri

  1.   Kuva nepfungwa dzakapinza kana kuti dzidzo yepamusorosoro. Vaapostora 12 vaJesu vakanzwisisa Magwaro vakaadzidzisawo vamwe, kunyange zvazvo vainzi nevanhu “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.”—Mabasa 4:13.

  2.   Mari. Unogona kuona zvinodzidziswa neBhaibheri pasina mari yaunobhadhara. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.