Enda pane zvauri kuda

Pane Angaziva Kuti Ndiani Akanyora Bhaibheri Here?

Pane Angaziva Kuti Ndiani Akanyora Bhaibheri Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vanhu vakawanda vanoudzwa kuti hapana ane chokwadi chokuti ndiani akanyora Bhaibheri. Asi Bhaibheri harivanzi kuti ndivanaani vakarinyora. Zvimwe zvikamu zvinotanga nemashoko akadai sookuti “mashoko aNehemiya,” “zvakaratidzwa Isaya,” uye “shoko raJehovha rakauya kuna Joeri.”​—Nehemiya 1:1; Isaya 1:1; Joeri 1:1.

 Vanyori veBhaibheri vakawanda vanobvuma kuti vainyora muzita raJehovha, Mwari mumwe chete wechokwadi, uye ndiye aivatungamirira. Vaprofita vakanyora Magwaro echiHebheru vakataura kanopfuura ka300 kuti: “Zvanzi naJehovha.” (Amosi 1:3; Mika 2:3; Nahumi 1:​12) Vamwe vanyori vaiita zvokuudzwa nengirozi mashoko aMwari.​—Zekariya 1:​7, 9.

 Bhaibheri rakanyorwa nevarume vanosvika 40 uye izvi zvakatora makore 1600. Vamwe vakashandiswa kuti vanyore mabhuku akawanda ari muBhaibheri. Kutaura zvazviri, Bhaibheri karaibhurari kaduku kane mabhuku 66. Rine mabhuku 39 eMagwaro echiHebheru anonzi nevakawanda Testamende Yekare, uye 27 eMagwaro echiKristu echiGiriki anowanzonzi Testamende Itsva.