Enda pane zvauri kuda

Kana Munhu Akafa Anoendepi?

Kana Munhu Akafa Anoendepi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5; Pisarema 146:4) Saka patinofa tinenge tisisipo. Vashakabvu havana chinhu chavanogona kufunga, kuita, kana kunzwa.

“Uchadzokera kuguruva”

 Mwari akatsanangura zvinoitika kana tichinge tafa paaitaura naAdhamu, munhu wokutanga. Nemhaka yokuti Adhamu haana kuteerera, Mwari akamuudza kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Mwari asati asika Adhamu “neguruva revhu,” kwakanga kusina munhu anonzi Adhamu. (Genesisi 2:7) Saka Adhamu paakafa akadzokera kuguruva uye akanga asisiko.

 Ndizvowo zvinoitika kuvanhu vari kufa iye zvino. Bhaibheri richitaura nezvevanhu uye mhuka, rinoti: “Zvose zvakabva kuguruva, uye zvose zvinodzokera kuguruva.”—Muparidzi 3:19, 20.

Kana munhu akafa hazvirevi kuti zvatoperera ipapo

 Bhaibheri rinowanzofananidza rufu nokurara. (Pisarema 13:3; Johani 11:11-14; Mabasa 7:60) Munhu akafa nehope haazivi zvinenge zvichiitika. Ndizvowo zvinoitika kune munhu akafa haaziviwo zvinenge zvichiitika. Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anogona kumutsa vakafa senge ari kumutsa munhu akarara obva amupazve upenyu. (Jobho 14:13-15) Kumunhu achazomutswa naMwari, kwaari paanofa hazvirevi kuti zvabva zvatopera.