Enda pane zvauri kuda

Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Mako Here?

Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Mako Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, Umambo hwaMwari hausi mumwoyo yevaKristu. a Bhaibheri rinohuti “umambo hwokudenga.” (Mateu 4:17, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Ongorora kuti nei Bhaibheri richiti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo inotonga iri kudenga.

 Bhaibheri haridzidzisi kuti Umambo hwokudenga huri mumwoyo mako sokunge kuti hunotonga mumwoyo womunhu. Asi rinodzidzisa kuti “shoko roUmambo” kana kuti “mashoko akanaka oUmambo” anogona uye anofanira kuchinja zvakaita mwoyo yedu.​—Mateu 13:19; 24:14.

Zvinorevei kuti “umambo hwaMwari huri mamuri”?

 Vamwe vanhu vanovhiringidzwa nemanyorerwo akaitwa mamwe maBhaibheri pana Ruka 17:21 panotaurwa nezveUmambo. Somuenzaniso Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi rinoti “umambo hwaMwari huri mamuri.” Kuti tinzwisise zviri kutaurwa nevhesi iyi tinofanira kuziva zvaiitika pakataurwa mashoko iwayo.

Umambo hwaMwari hwakanga husiri mumwoyo yemhondi dzakaoma mwoyo dzaishora Jesu

 Jesu aitaura nevaFarisi, boka revakuru vechitendero raimushora uye rakabatsirawo kuronga kuurayiwa kwake. (Mateu 12:14; Ruka 17:20) Zvine musoro here kufunga kuti Umambo hwaiva mumwoyo yevanhu ivavo yakaoma? Jesu akavaudza kuti: ‘Mukati menyu makazara nounyengeri nokusateerera mutemo.’​—Mateu 23:27, 28.

 Mamwe maBhaibheri anojekesa zvakataurwa naJesu pana Ruka 17:21 achiti: “Umambo hwaMwari huri pamuri.” (Tisu tatsveyamisa mashoko; Contemporary English Version) “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (Shanduro yeNyika Itsva) Umambo hwokudenga hwakanga huri pavaFarisi kana kuti pakati pavo pakuti Jesu saMambo akanga asarudzwa naMwari kuti azotonga, akanga achitova pavari.​—Ruka 1:32, 33.

a Machechi akawanda echiKristu anodzidzisa kuti Umambo hwaMwari huri mumunhu kana kuti mumwoyo womunhu. Somuenzaniso, muUnited States, chechi yeSouthern Baptist Convention inoti Umambo hwaMwari hunosanganisira “kutonga kunoita Mwari mumwoyo uye muupenyu hwomunhu.” Papa weRoma Benedict XVI mubhuku rake rinonzi Jesus of Nazareth, akanyorawo kuti: “Kana mwoyo womunhu ukagamuchira Jesu, akava nokutenda, Umambo hwaMwari hunenge hwatova maari.”