Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mapapiro eCabbage White Butterfly

Mapapiro eCabbage White Butterfly

 Mabhatafurayi anobatsirwa nekudziya kwezuva kuti awane simba rekuzokwanisa kubhururuka. Asi pakunenge kuine makore, cabbage white butterfly ndiro rinotangira mamwe kubhururuka. Chii chinoita kuti ridaro?

 Funga izvi: Asati atanga kubhururuka, mabhatafurayi akawanda anotanga ambodziya mushana mapapiro awo akavharwa uye mamwe anenge akabhedhenura mapapiro awo. Asi cabbage white butterfly rinovhura mapapiro aro zvishoma zvekuti panobuda shepi yakaita V. Vaongorori vakaona kuti rinovhura mapapiro aro 17° kuti rinyatsowana mushana wakakwana. Izvi zvinoita kuti zuva rinyatsopinda mumuviri kuitira kuti rigokwanisa kunyatsobhururuka.

 Vaongorori vepaUniversity of Exeter, kuEngland, vari kugadzira masolar panel vachitevedzera zvinenge zvakaita shepi yemabhatafurayi aya. Vakatoona kuti izvi zvinoita kuti masolar panel atore simba rakawanda kubva kuzuva.

 Vaongorori vakaonawo kuti mapapiro ebhatafurayi iri anoteya. Vakatevedzera shepi yeV yemabhatafurayi aya uye kuteya kwaanoita, vachibva vagadzira masolar panel asingaremi asi achibudisa simba rakawanda. Izvi zvakaita kuti Professor Richard ffrench-Constant, mumwe wevaongorori vacho, ati cabbage white butterfly “riri kutotidzidzisa kuti tingagadzira sei masolar panel anotora simba rakawanda.”

 Unofungei? Cabbage white butterfly rakangoerekana rava kubudisa shepi yeV rega here, kana kuti ndiMwari akaita kuti ridaro?