Enda pane zvauri kuda

Takakumirira

Takakumirira

Zvii zvaungaitira vanin’ina vako kana kuti hanzvadzi dzako? Ngationei zvimwe zvaungaita.

Vabereki, verengai nevana venyu VaRoma 12:10 mokurukura navo vhesi iyi.

Dhaunirodhai pepa iri mobva mariprinda.

Vana vanogona kubatsira vanin’ina vavo kana kuti hanzvadzi dzavo. Onai vhidhiyo yakanzi Takakumirira, mobva mabatsira vana venyu kufunga zvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana zvavanogona kuitira munin’ina wavo kana kuti hanzvadzi yavo. Chekai mapikicha ari pasi apa mobva makurukura nevana venyu mibvunzo iri papeji 1. Kana mapedza namirai mapikicha amacheka papeji 2.

Zvimwe Zvaunogona Kufarira

NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA

Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Mabasa Ekuita

Shandisai mabasa ekuita aya kuti mudzokorore zvamakadzidza pamavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha, mokurukura pfungwa dzirimo nevana venyu.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Mavhidhiyo Uye Mabasa Ekuita Evana

Shandisa mabasa aya ekuita anonakidza anodzidzisa zvemuBhaibheri kuti ubatsire mwana wako kuziva tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari.