Enda pane zvauri kuda

Mavhidhiyo Emakatuni Okudhirowa

Mavhidhiyo mapfupi aya anokurukura nyaya dzinokosha asi zvichiitwa nenzira inonakidza!

 

Chii Chinonzi Rusarura?

Rusarura rwuri kukanganisa vanhu vakawanda. Dzidza kubva muBhaibheri zvaungaita kuti rusadzika midzi mumwoyo mako.

Chenjerera Mashoko Enhema

Usangobvuma zvese zvaunonzwa kana zvaunoverenga. Dzidza kuti ungaongorora sei mashoko kuti uzive kuti ndeechokwadi here.

Ungaita Sei Kuti Ushandise Mari Zvakanaka?

Pota uchichengeta imwe mari kuitira kuti ugozoishandisa kana pakazomuka zvimwe zvinhu!

Mavideo Game: Ichokwadi Kuti Uri Kuhwinha Here?

Mavideo game anonakidza asi anoda kungwarirwa. Zvii zvaungaita kuti asakukanganisa?

Zvaungaita Kuti Usaramba Wakangosuruvara

Zvii zvaungaita kuti usaramba wakangosuruvara?

Zvaunofanira Kuziva Nezvemitambo

Mitambo inogona kukubatsira pazvinhu zvakadai sekushanda nevamwe uye kukurukurirana. Asi unofanira kubva wanyanya kuikoshesa here?

Funga Zvingazoitika Kana Ukanwa Doro

Vakawanda pavanenge vanwa doro vanotaura uye vanoita zvinhu zvavanozodemba. Ungazvidzivirira sei pamatambudziko anokonzerwa nekudhakwa?

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

Ungaita sei kana uchinzwa kuti hausi kuda kutaura nevabereki vako?

Chii Chiri Kudzora Chimwe​—Ndiwe Here Kana Kuti Ifoni Yako?

Uri kugara munyika ine mafoni asi haafaniri kukudzora. Unoziva sei kana wava kungoti sika-sika nefoni yako? Kana uine dambudziko iroro, ndezvipi zvaungaita kuti urigadzirise?

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakati Wedzerei?

Iwewe unoona sekuti wava kufanirawo kubatwa semunhu akura, asi vabereki vako vangasabvumirana nazvo. Zvii zvaungaita kuti vavimbe newe?

Zvii Zvandingaita Kuti Ndirege Kuita Makuhwa?

Ukangoona pava kutaurwa zvakaipa nezvemumwe munhu, ibva watoona zvekuita!

Rudo Rwechokwadi Here Kana Kuti Harusi?

Inzwa kuti rudo rwechokwadi rwakaita sei uye kuti rudo rwusiri rwechokwadi rwakaita sei.

Ramba Kufurirwa!

Zvinhu 4 zvinogona kukubatsira kuti usafurirwa nevamwe.

Chenjerera Pakushandisa Social-Network

Nakidzwa nokushandisa social-network asi pane zvaunofanira kuchenjerera paunenge uchiishandisa.

Shamwari Yechokwadi Munhu Akaita Sei?

Shamwari dzezita hadzinetsi kuwana, asi yechokwadi ungaiwana sei?

Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi

Ona kuti chii chingaita kuti udhererwe uye zvaungaita kuti usadhererwa.