Enda pane zvauri kuda

Utano

Inzwa zvaungaita kuti uve neutano hwakanaka kana kuti utsungirire urwere. Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani.

Challenges

Ungaitei Kana Uchirwara?—Chikamu 1

Vechiduku 4 vanotsanangura zvinovabatsira kuti vatsungirire matambudziko avo ourwere uye kuti vasanyanya kuzvidya mwoyo.

Ungaitei Kana Uchirwara?—Chikamu 2

Verenga unzwe kuti vamwe vechiduku vane urwere hwakaipisisa vari kurarama sei nourwere hwavo uye vari kuzviita sei kuti varambe vaine mafungiro akanaka.

Ndingaitei Kana Ndichirwara? (Chikamu 3)

Zvakaitika kune vechiduku vatatu vanewo zvirwere zviri kuvatambudza zvinogona kukubatsirawo.

Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka?

Verenga nyaya ino unzwe zvinogona kuitika paunenge wava pazera rekuyaruka uye kuti ungaitei paunoona zvimwe zvinhu zvava kutanga kuchinja pauri.

Zvaungaita Paunosangana Nematambudziko Anokonzerwa Nekuyaruka

Pepa iri rinogona kukubatsira kuziva zvekuita paunosangana nematambudziko anokonzerwa nekuyaruka.

Health Threats

Ndingaita Sei Kuti Ndisarukutika?

Chii chinozvikonzera? Zvinogona kuitika kwauri here? Kana zvakadaro chii chaunogona kuita?

Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Yekunwa Doro?

Inzwa zvaungaita kuti udzivise kunetsana nemapurisa, kusvibisa zita rako, kushungurudzwa pabonde, kupindwa muropa, uye kufa.

Ungaita Sei Kana Ukanzi Unwe Doro?

Pepa iri richakubatsira kuti ugadzirire zvaungaita ukaiswa pamuedzo wekunwa doro.

Funga Zvingazoitika Kana Ukanwa Doro

Vakawanda pavanenge vanwa doro vanotaura uye vanoita zvinhu zvavanozodemba. Ungazvidzivirira sei pamatambudziko anokonzerwa nekudhakwa?

Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekuputa Uye Kuvhepa?

Unoona kuti hakusi kungonakidzwawo zvako sezvaunoona zvichiitwa nevanhu vakakurumbira kana kuti nevezera rako.

Utano

Vechiduku Vanotaura Nezvekuva Neutano Hwakanaka

Zvinokuomera here kuti udye zvinovaka muviri uye kuita maekisesaizi? Muvhidhiyo ino vechiduku vanotaura zvavanoita kuti vave neutano hwakanaka.

Ndingaita Sei Kuti Ndiwane Nguva Yakakwana Yekurara?

Zvinhu 7 zvinogona kukubatsira kuti uwane nguva yakakwana yekurara.

Chii Chingandipa Shungu Dzekuekisesaiza?

Kuekisesaiza kunokubatsira kuti ungova neutano hwakanaka chete here?

Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?

Vechidiki vanokura vachidya zvisina utano vanowanzoramba vachingofarira zvekudya zvakadaro kana vakura, saka zvakanaka kuti utange kudya zvinovaka muviri iye zvino.

Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?

Kana uchida kudzikira muviri, usafunga nezvekuzvinyima zvekudya asi tanga kurarama nenzira inoita kuti uve neutano hwakanaka.