Enda pane zvauri kuda

Mavhidhiyo eBhaibheri—Dzidziso Huru dzeBhaibheri

Mavhidhiyo aya mapfupi ezvidzidzo zveBhaibheri anopindura mibvunzo inokosha yakadai sekuti: Mwari akasikirei nyika? Chii chinoitika kana munhu afa? uye Nei Mwari achibvumira kutambura?

Denga Nenyika Zvakasikwa Here?

Vanhu vakawanda havanzwisisi zvinotaurwa neBhaibheri nezvekusikwa uye vanoti hazvisi zvechokwadi. Zvarinotaura ndezvechokwadi here?

Mwari Ariko Here?

Ongorora uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko.

Mwari Ane Zita Here?

Mwari ane mazita akawanda okumuremekedza anosanganisira okuti Wemasimbaose, Musiki, uye Ishe. Asi zita rake rinowanika kanopfuura ka7 000 muBhaibheri.

Zvinoita Here Kuti Uve Shamwari yaMwari?

Vanhu vava nemakore akawanda vachida kuziva Musiki wavo. Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tive shamwari yaMwari. Chekutanga chaunofanira kuita, kuziva zita raMwari.

Ndiani Akanyora Bhaibheri?

Kana rakanyorwa nevanhu, tingati iShoko raMwari here? Mashoko aani ari muBhaibheri?

Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

Kana Bhaibheri rakanyorwa naMwari rinofanira kunge rakasiyana nemamwe mabhuku ose akanyorwa nevanhu.

Mwari Akasikirei Nyika?

Nyika ine zvinhu zvakanaka zvakawanda. Kubva pane zuva kuenda pane nyika pane daro rakanyatsokodzera uye nyika inotenderera nespeed yakanaka. Nei Mwari akaisika yakanaka kudaro?

Chinangwa Cheupenyu Ndechei?

Dzidza zvinhu zvichaita kuti ufare uye urarame upenyu hune chinangwa.

Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

Bhaibheri rinoti vanhu vakafa vachazomutswa sezvakangoitwa Razaro.

Mwari Anopisa Vanhu Vakaipa Mumoto Here?

Bhaibheri rinotiudza kuti “Mwari rudo” saka haangamborangi vanhu nekuvapisa nemhaka yezvivi zvavakaita kare.

Jesu Kristu ndiMwari Here?

Jesu Kristu ndiMwari Wemasimbaose here? Iye naMwari munhu mumwe chete here?

Jesu Akafirei?

Bhaibheri rinoratidza kuti rufu rwaJesu rwunokosha. Asi akafirei?

Umambo hwaMwari Chii?

Jesu paaiva panyika nyaya yaainyanya kudzidzisa vanhu ndeyeUmambo hwaMwari. Vanhu vava nemakore akawanda vachinyengetera kuti Umambo ihwohwo huuye.

Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Muna 1914

Makore anopfuura 2 600 apfuura, Mwari akaita kuti mumwe mambo aiva nesimba arote hope dziri kuzadzika mazuva ano.

Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914

Zvinhu zviri kuitika panyika kubva muna 1914 zvinoratidza pachena kuti uprofita hweBhaibheri ‘nezvemazuva ekupedzisira’ huri kuzadzika.

Njodzi Dzinongoitika Dzega Dzinokonzerwa naMwari Here?

Vanhu vaviri vakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega vanotsanangura zvavakadzidza muBhaibheri.

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Vanhu vakawanda vanobvunza kuti nei nyika yakazara kuvengana uye kutambura. Bhaibheri rinopa mhinduro inogutsa uye inonyaradza.

Mwari Anogamuchira Manamatiro Ese Here?

Vakawanda vanofunga kuti hazvina basa kuti unopinda chechi ipi.

Mwari Anoda Here Kuti Tishandise Mifananidzo Pakunamata?

Zvinotibatsira here kuswedera pedyo naMwari watisingaoni?

Mwari Anoteerera Minyengetero Yese Here?

Ko kana munyengetero wemunhu uri weudyire? Ko kana murume achishungurudza mudzimai wake asi onyengetera kuti Mwari amukomborere?

Mwari Anoona Sei Wanano?

Mwari anoda kuti mufare muwanano yenyu. Mhuri dzakawanda dzakabatsirwa nemazano ari muBhaibheri.

Kuona Zvinonyadzisira Kutadzira Mwari Here?

Mashoko ekuti “kuona zvinonyadzisira” arimo muBhaibheri here? Tingaziva sei kuti Mwari anoona sei kuona zvinonyadzisira?