Genesisi 21:1-34

  • Kuberekwa kwaIsaka (1-7)

  • Ishmaeri anotsvinyira Isaka (8, 9)

  • Hagari naIshmaeri vanodzingwa pamba (10-21)

  • Sungano yaAbrahamu naAbhimereki (22-34)

21  Jehovha akayeuka Sara sezvaakanga ataura, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.+  Saka Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri,+ akamuberekera mwanakomana, panguva yakanga yavimbiswa naMwari.+  Abrahamu akatumidza mwanakomana wake waakanga aberekerwa naSara kuti Isaka.+  Uye Abrahamu akachecheudza mwanakomana wake Isaka paakanga ava nemazuva 8, sezvaakanga arayirwa naMwari.+  Abrahamu akanga ava nemakore 100 pakaberekwa Isaka mwanakomana wake.  Sara akabva ati: “Mwari aita kuti ndisekwe; vese vanozvinzwa vachaseka neni.”*  Akatizve: “Ndiani aimbofunga kuti Sara mudzimai waAbrahamu achayamwisa vana? Asi ndamuberekera mwanakomana iye akwegura.”  Mwana wacho akakura akazorumurwa, uye Abrahamu akaita mabiko makuru pazuva rakarumurwa Isaka.  Asi Sara aiona kuti mwanakomana waHagari+ muIjipiti, waakanga aberekera Abrahamu, aitsvinyira Isaka.+ 10  Saka akati kuna Abrahamu: “Dzinga murandasikana uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemurandasikana uyu haasi kuzova mugari wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, Isaka!”+ 11  Asi Abrahamu haana kufara nezvakataurwa naSara nezvemwanakomana wake.+ 12  Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Usagumburwa nezvauri kutaurirwa naSara nezvemukomana uyu, uye nezvemurandasikana wako. Teerera zvaari kutaura, nekuti uya achanzi mwana wako* achauya nekuna Isaka.+ 13  Kana ari mwanakomana wemurandasikana,+ ndichaitawo kuti rudzi rubve maari, nekuti mwana wako.”*+ 14  Saka Abrahamu akafumomuka akapa Hagari chingwa, nehomwe yedehwe ine mvura. Akamutakudza papfudzi akamuendesa pamwe chete nemukomana wacho.+ Saka akaenda, akatanga kungodzungaira murenje reBheeri-shebha.+ 15  Mvura yakanga iri muhomwe yedehwe yakazopera, uye Hagari akasundidzira mukomana wacho muzasi megwenzi. 16  Akabva aenda akanogara pasi ari pake ega, chinhambwe chingasvika museve kana wapfurwa, nekuti akati: “Handisi kuda kuona mukomana wacho achifa.” Saka akagara pasi ari kure zvishoma, akatanga kuchema achiridza mhere. 17  Mwari akanzwa inzwi remukomana wacho,+ ngirozi yaMwari ikashevedzera kuna Hagari iri kudenga ichiti:+ “Zvaita seiko nhai Hagari? Usatya, nekuti Mwari anzwa inzwi remukomana paari ipapo. 18  Simuka, simudza mukomana umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.”+ 19  Mwari akabva asvinudza maziso ake, akaona tsime remvura, akaenda akazadza mvura muhomwe yake yedehwe, ndokunwisa mukomana wacho. 20  Mukomana wacho akakura Mwari ainaye.+ Aigara murenje uye aivhima achishandisa uta nemuseve. 21  Akazonogara murenje reParani,+ uye amai vake vakamuwanira mudzimai kunyika yeIjipiti. 22  Panguva iyoyo Abhimereki pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake vakati kuna Abrahamu: “Mwari anewe pazvinhu zvese zvauri kuita.+ 23  Saka ndipikire pano naMwari kuti hauzondinyengeri ini nevana vangu nevazukuru vangu, uye kuti uchandibata ini, nenyika yauri kugara, semabatiro andiri kukuita nerudo rusingachinji.”+ 24  Abrahamu akabva ati: “Ndinopika kuti ndichadaro.” 25  Asi Abrahamu akanyunyuta kuna Abhimereki nezvetsime remvura rakanga ratorwa nevashandi vaAbhimereki nechisimba.+ 26  Abhimereki akapindura kuti: “Handizivi kuti ndiani akazviita; hauna kundiudza nezvazvo, uye hapana akambondiudzawo; ndiwe uri kutonditaurira.” 27  Abrahamu akabva atora makwai nemombe akazvipa Abhimereki, uye vaviri vacho vakaita sungano. 28  Abrahamu paakatsaura makwayana* manomwe kubva pane mamwe, 29  Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Ko makwayana aya manomwe awatsaura ndeeyi?” 30  Akabva ati: “Gamuchirai makwayana acho manomwe andiri kukupai, kuti chive chiratidzo chekuti* ndini ndakachera tsime iri.” 31  Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheeri-shebha,*+ nekuti vaviri vacho vakanga vaita mhiko ipapo. 32  Saka vakaita sungano+ paBheeri-shebha, Abhimereki akazosimuka pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake, vakadzokera kunyika yevaFiristiya.+ 33  Pashure paizvozvo akasima muti wemutamarisiki paBheeri-shebha, uye ipapo akadana zita raJehovha,+ Mwari wekusingagumi.+ 34  Uye Abrahamu akagara* munyika yevaFiristiya kwenguva yakareba.*+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “vachandiseka.”
ChiHeb., “mbeu yako.”
ChiHeb., “imbeu yako.”
ChiHeb., “makwayana makadzi.”
Kana kuti “huve uchapupu hwekuti.”
Kureva kuti “Tsime Remhiko; Tsime Remanomwe.”
Kana kuti “akagara ari mutorwa.”
ChiHeb., “mazuva mazhinji.”