Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

B1

Dingindira reBhaibheri

Jehovha Mwari ane kodzero yekutonga. Matongero ake ndiwo akanakisisa. Chinangwa chake chaakasikira nyika uye vanhu chichazadziswa.

Pashure pa4026 B.C.E.

“Nyoka” inoratidza kusava nechokwadi chekodzero yaJehovha yekutonga uye matongero ake. Jehovha anovimbisa kuti paizova ‘nembeu’ kana kuti “mwana” aizopwanya nyoka yacho, Satani. (Genesisi 3:1-5, 15, mashoko emuzasi) Asi Jehovha anobvumira kuti pave nenguva yekuti vanhu vazvitonge vari pasi penyoka.

1943 B.C.E.

Jehovha anoudza Abrahamu kuti “mwana” akataurwa nezvake aizova mumwe wevazukuru vake.—Genesisi 22:18.

Pashure pa1070 B.C.E.

Jehovha anovimbisa Mambo Dhavhidhi, ozovimbisazve mwanakomana wake Soromoni kuti “mwana” akataurwa nezvake achauya nekudzinza ravo.—2 Samueri 7:12, 16;1 Madzimambo 9:3-5; Isaya 9:6, 7.

29 C.E.

Jehovha anozivisa kuti Jesu ndiye “mwana” waakataura nezvake kuti aizogara nhaka chigaro chaDhavhidhi.—VaGaratiya 3:16; Ruka 1:31-33; 3:21, 22.

33 C.E.

Nyoka, Satani, inomboti vhiringei “mwana” akavimbiswa nekuita kuti Jesu aurayiwe. Jehovha anomutsa Jesu kuti ararame kudenga uye anogamuchira ukoshi hweupenyu hwaJesu husina chivi zvichiita kuti vanhu vakwanise kuregererwa zvivi uye kupa vana vaAdhamu upenyu husingaperi.—Genesisi 3:15; Mabasa 2:32-36; 1 VaKorinde 15:21, 22.

Munenge muna 1914 C.E.

Jesu anokandira pasi nyoka, Satani, kuti agare ipapo kwenguva pfupi.—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.

Ramangwana

Jesu anosunga Satani kwemakore 1 000 ozomuparadza, izvo zvinofananidzirwa nekumupwanya musoro. Chinangwa chaJehovha chepakutanga chaakasikira nyika nevanhu chinozadziswa, zita rake rocheneswa pakuzvidzwa kwese kwaraiitwa, uye matongero ake obudiswa pachena kuti akarurama.—Zvakazarurwa 20:1-3, 10; 21:3, 4.