Bhuku raZvakazarurwa 21:1-27

  • Denga idzva nenyika itsva (1-8)

    • “Hapazovi nerufu” (4)

    • Zvinhu zvese zvinoitwa zvitsva (5)

  • Kutsanangurwa kweJerusarema Idzva (9-27)

21  Uye ndakaona denga idzva nenyika itsva;+ nekuti denga rekare nenyika yekare zvakanga zvisisipo,+ uye gungwa+ rakanga risisipo.  Ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kubva kudenga kuna Mwari,+ rakagadzirira semwenga akashongera murume wake.+  Ndakabva ndanzwa inzwi guru richibva kuchigaro cheumambo richiti: “Tarisa uone! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.+  Achapukuta misodzi yese pamaziso avo,+ uye hapazovi nerufu,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.+ Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”  Uya akanga agere pachigaro cheumambo+ akati: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.”+ Akatiwo: “Nyora, nekuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”  Uye akati kwandiri: “Zvaitika! Ndini Arufa naOmega,* mavambo nemagumo.+ Munhu wese anonzwa nyota ndichamupa mvura inobva muchitubu chemvura yeupenyu asingatengi.+  Munhu wese anokunda achawana zvinhu izvi, uye ndichava Mwari wake iye ova mwanakomana wangu.  Asi kana vari vaya vanotya nevaya vasina kutenda+ nevaya vane tsvina uye vanosemesa nemhondi+ nemhombwe*+ nevanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori nevarevi venhema+ vese, vachakandwa mugungwa rinopfuta moto nesarufa,+ iro rinoreva rufu rwechipiri.”+  Imwe yengirozi nomwe dzaiva nendiro nomwe dzakanga dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira+ yakauya ikati kwandiri: “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weGwayana.”+ 10  Saka yakanditakura mumweya ikandiendesa kugomo guru refu refu, uye yakandiratidza guta dzvene Jerusarema richiburuka kubva kudenga kuna Mwari,+ 11  riine kubwinya kwaMwari.+ Raipenya sedombo rinokosha kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sedombo rekristaro.+ 12  Raiva nerusvingo rwakakura uye rwakareba, nemagedhi 12, uye pamagedhi acho paiva nengirozi 12, uye pakanga pakanyorwa mazita emadzinza 12 evanakomana vaIsraeri. 13  Kumabvazuva kwaiva nemagedhi matatu, kuchamhembe magedhi matatu, kumaodzanyemba magedhi matatu, uye kumavirira magedhi matatu.+ 14  Rusvingo rweguta rwaivawo nematombo 12 efaundesheni,* uye pamatombo acho paiva nemazita 12 evaapostora 12+ veGwayana. 15  Uya ainge achitaura neni akanga akabata tsanga yegoridhe yekushandisa kuyera guta nemagedhi aro nerusvingo rwaro.+ 16  Guta racho rine mativi mana akaenzana, uye kureba kwaro kwakaenzana nekufara kwaro. Uye akayera guta netsanga yacho, rikaita mastadhiya 12 000;* kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana. 17  Akayerawo rusvingo rwaro rukaita makubhiti 144,* achishandisa chekuyeresa chinoshandiswa nemunhu, icho chakashandiswawo nengirozi. 18  Rusvingo rwacho rwaiva rwejaspa,+ uye guta racho raiva regoridhe rakanatswa rakaita segirazi rinoonesa zviri kuseri. 19  Faundesheni* yerusvingo rweguta racho yakanga yakashongedzwa nematombo anokosha emarudzi ese: faundesheni yekutanga yaiva yejaspa, yechipiri safaya, yechitatu karesidhoni, yechina emaradhi, 20  yechishanu sadhonikisi, yechi6 sadhiyo, yechi7 krisoriti, yechi8 bheriri, yechi9 topazi, yechi10 krisoprasi, yechi11 hiyasindi, yechi12 ametesti. 21  Uyewo, magedhi acho 12 aiva emaparera 12; gedhi rimwe nerimwe rainge rakagadzirwa neparera rimwe chete. Mugwagwa mukuru weguta racho waiva wegoridhe rakanatswa, wakaita segirazi rinoonesa zviri kuseri. 22  Handina kuona temberi mariri, nekuti Jehovha* Mwari Wemasimbaose+ neGwayana ndivo temberi yaro. 23  Guta racho haridi chiedza chezuva kana mwedzi, nekuti raivhenekerwa nekubwinya kwaMwari,+ uye Gwayana ndiro raiva rambi raro.+ 24  Marudzi achafamba achivhenekerwa nechiedza charo,+ uye madzimambo enyika achaunza kubwinya kwawo mariri. 25  Magedhi aro haazombovharwi masikati, nekuti mariri munenge musina usiku.+ 26  Uye vachaunza kubwinya nekukudzwa kwemarudzi mariri.+ 27  Asi zvinhu zvese zvisina kuchena nevanhu vese vanoita zvinhu zvinosemesa uye vanonyengera havazombopindi mariri;+ muchangopindwa chete nevaya vakanyorwa mugwaro reupenyu reGwayana.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
Kana kuti “enheyo.”
Makiromita anenge 2 220. Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Mamita anenge 64. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “Nheyo.”