Bhuku raZvakazarurwa 11:1-19

  • Zvapupu zviviri (1-13)

    • Kuprofita kwemazuva 1 260 zvakapfeka masaga (3)

    • Zvinourayiwa zvorega kuvigwa (7-10)

    • Zvinova zvipenyu pashure pemazuva matatu nehafu (11, 12)

  • Dambudziko rechipiri rapfuura, rechitatu riri kuuya (14)

  • Bhosvo rechinomwe (15-19)

    • “Umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake” (15)

    • Vari kuparadza nyika vachaparadzwa (18)

11  Ndakapiwa tsanga yakaita setsvimbo*+ uye ndakaudzwa kuti: “Simuka uyere nzvimbo tsvene yetemberi yaMwari neatari nevaya vanonamatira mairi.  Asi kana chiri chivanze chiri kunze kwenzvimbo tsvene yetemberi, chisiye uye usachiyera nekuti chakapiwa mamwe marudzi, uye iwo achatsika-tsika guta dzvene+ kwemwedzi 42.+  Ndichaita kuti zvapupu zvangu zviviri zviprofite kwemazuva 1260 zvakapfeka masaga.”  Zvapupu izvi ndizvo miorivhi miviri+ nezvigadziko zvemarambi+ zviviri uye zvakamira pamberi paShe wenyika.+  Kana pakaita anoda kuzvikuvadza, mumiromo yazvo munobuda moto woparadza vavengi vazvo. Iwayo ndiwo maurayirwo anofanira kuitwa munhu wese anoda kuzvikuvadza.  Zvine simba rekuvhara denga+ kuti mvura irege kunaya+ mumazuva azvinenge zvichiprofita, uye zvine simba rekuchinja mvura kuti ive ropa,+ nerekurova nyika nematambudziko emarudzi ese pazvinenge zvangoda.  Pazvinenge zvapedza kupupura, chikara chinobuda mugomba rakadzikadzika chicharwa nazvo chozvikunda, chozviuraya.+  Zvitunha zvazvo zvichava mumugwagwa mukuru weguta guru rinofananidzwa neSodhomu neIjipiti; muguta racho ndimowo makarovererwa Ishe wavo padanda.  Vaya vanobva kumarudzi nemadzinza nendimi* nenyika vachatarisa zvitunha zvazvo kwemazuva matatu nehafu,+ uye havazobvumi kuti zvitunha zvacho zvivigwe muguva. 10  Vaya vanogara panyika vachafarira kufa kwazvo uye vachapembera nemufaro, uye vachatumirana zvipo, nekuti vakarwadziswa nevaprofita vaviri ava. 11  Pashure pemazuva matatu nehafu mweya weupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mazviri,+ zvikasimuka zvikamira, uye vaya vakazviona vakatya zvikuru. 12  Zvakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti kwazviri: “Kwirai kuno.” Zvakabva zvakwira kudenga zviri mugore, uye vavengi vazvo vakazviona.* 13  Panguva iyoyo pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, chikamu chimwe chete pazvikamu gumi zveguta chikawa; vanhu 7 000 vakaurayiwa nekudengenyeka kwacho, uye vamwe vese vakatya vakakudza Mwari wekudenga. 14  Dambudziko rechipiri+ rapfuura. Uye rechitatu riri kukurumidza kuuya. 15  Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Uye manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu+ nehwaKristu wake,+ uye iye* achatonga samambo nariini nariini.”+ 16  Vakuru 24+ vakanga vakagara pazvigaro zvavo zveushe pamberi paMwari vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari, 17  vachiti: “Tinokutendai Jehovha* Mwari Wemasimbaose, imi muripo+ uye makanga muripo, nekuti matora simba renyu guru, mukatanga kutonga samambo.+ 18  Asi marudzi akava nehasha, uye hasha dzenyu dzakauyawo, uye nguva yakasarudzwa yakasvika yekuti vakafa vatongwe uye yekupa mubayiro+ varanda venyu vaprofita+ nevatsvene nevaya vanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuti muparadze vari kuparadza nyika.”+ 19  Nzvimbo tsvene yetemberi yaMwari iri kudenga yakavhurwa, uye areka yesungano yake yakaonekwa iri munzvimbo tsvene yetemberi yake.+ Uye kwaiva nemheni nemanzwi nemabhanan’ana nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “setsvimbo yekuyeresa.”
Kana kuti “nemitauro.”
Kana kuti “vainge vakatarisa.”
Panoita separi kureva Mwari.