Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 1:1-51

  • Shoko rakava nyama (1-18)

  • Uchapupu hwakapiwa naJohani Mubhabhatidzi (19-28)

  • Jesu, Gwayana raMwari (29-34)

  • Vadzidzi vaJesu vekutanga (35-42)

  • Firipi naNatanieri (43-51)

1  Pakutanga Shoko rakanga riripo,+ uye Shoko rakanga riina Mwari,+ uye Shoko rakanga riri mwari.+  Pakutanga uyu akanga aina Mwari.  Zvinhu zvese zvakavapo pachishandiswa iye,+ uye kunze kwake hapana kunyange chinhu chimwe chete chakavapo.  Upenyu ndihwo hwakavapo pachishandiswa iye, uye upenyu hwakanga huri chiedza chevanhu.+  Uye chiedza chiri kupenya murima,+ asi rima harina kuchikunda.  Kwaiva nemumwe murume akatumwa semumiririri waMwari; iye ainzi Johani.+  Murume uyu akauya sechapupu, kuti apupure pamusoro pechiedza,+ kuti aite kuti vanhu vemarudzi ese vatende.  Akanga asiri chiedza chacho,+ asi aifanira kupupura pamusoro pechiedza chacho.  Chiedza chechokwadi, icho chinovhenekera vanhu vemarudzi ese, chakanga chava kuda kuuya munyika.+ 10  Iye akanga ari munyika,+ uye nyika yakavapo pachishandiswa iye,+ asi nyika haina kumuziva. 11  Akauya kumusha kwake, asi vanhu vekwake havana kumugamuchira. 12  Asi akapa vese vakamugamuchira kodzero yekuva vana vaMwari,+ nekuti vaitenda muzita rake.+ 13  Uye havana kuberekwa neropa kana kuti nekuda kwenyama kana kuti kwemunhu, asi naMwari.+ 14  Saka Shoko rakava nyama+ rikagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya kwakaita sekuya kwemwanakomana akaberekwa ari mumwe oga+ akabva kuna baba; uye akanga akazara nenyasha dzaMwari nechokwadi. 15  (Johani akapupura nezvake, uye aishevedzera achiti: “Uyu ndiye wandakataura nezvake kuti, ‘Uyo anouya shure kwangu ndiye akatanga, nekuti akavapo ini ndisati ndavapo.’”)+ 16  Nekuti tese takagamuchira nyasha pamusoro pedzimwe nyasha, kubva panyasha dzake nechokwadi zvakazara. 17  Nekuti Mutemo wakapiwa pachishandiswa Mozisi,+ nyasha+ nechokwadi zvikavapo pachishandiswa Jesu Kristu.+ 18  Hapana munhu akambobvira aona Mwari;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari parutivi paBaba*+ ndiye akamutsanangura.+ 19  Izvi ndizvo zvakataurwa naJohani pakauya vapristi nevaRevhi vatumwa nevaJudha kubva kuJerusarema kuzomubvunza kuti: “Ndiwe ani?”+ 20  Iye akabuda pachena uye haana kuramba kutaura. Akati: “Handisi Kristu.” 21  Uye vakamubvunza kuti: “Saka uri ani? Eriya here?”+ Iye akati: “Handisi.” “Ndiwe Muprofita here?”+ Iye akapindura kuti: “Aiwa!” 22  Saka vakati kwaari: “Ndiwe ani? Tiudze kuitira kuti tikwanise kunopindura vakatituma. Ungatiudza kuti chii nezvako?” 23  Iye akati: “Ndiri inzwi remumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Itai kuti nzira yaJehovha* iti twasu,’+ sezvakataurwa nemuprofita Isaya.”+ 24  Vaya vakanga vatumwa vaibva kuvaFarisi. 25  Saka vakamubvunza vachiti: “Saka nei uchibhabhatidza kana iwe usiri Kristu kana kuti Eriya kana kuti Muprofita?” 26  Johani akavati: “Ini ndinobhabhatidza nemvura. Pakati penyu pakamira mumwe munhu wamusingazivi, 27  uyo ari kuuya pashure pangu, ane tambo dzeshangu dzandisina kukodzera kusunungura.”+ 28  Zvinhu izvi zvakaitika muBhetani mhiri kwaJodhani, kwaibhabhatidzira Johani.+ 29  Zuva rakatevera racho akaona Jesu achiuya kwaari, uye akati: “Onai, Gwayana+ raMwari rinobvisa chivi+ chenyika!+ 30  Uyu ndiye wandakati nezvake: ‘Anouya shure kwangu ndiye akatanga, nekuti akavapo ini ndisati ndavapo.’+ 31  Neniwo ndakanga ndisingamuzivi, asi chakaita kuti ndiuye kuzobhabhatidza nemvura ndechekuti iye aratidzwe pachena kuna Israeri.”+ 32  Johani akapupurawo, achiti: “Ndakaona mweya uchidzika senjiva uchibva kudenga, uye wakaramba uri pamusoro pake.+ 33  Neniwo ndakanga ndisingamuzivi, asi iye wacho akandituma kuzobhabhatidza nemvura akati kwandiri: ‘Munhu waunoona mweya uchidzika paari woramba uripo,+ iyeye ndiye anobhabhatidza nemweya mutsvene.’+ 34  Uye ini ndakazviona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”+ 35  Zvakare, zuva rakatevera racho Johani akanga akamira aine vadzidzi vake vaviri, 36  uye paakaona Jesu achifamba, akati: “Onai, Gwayana+ raMwari!” 37  Vadzidzi vacho vaviri pavakamunzwa achitaura izvi, vakabva vatevera Jesu. 38  Jesu akabva acheuka, uye paakaona vachimutevera akati kwavari: “Muri kutsvagei?” Ivo vakati kwaari: “Rabhi (zvinoreva kuti, “Mudzidzisi”), muri kugara kupi?” 39  Iye akati kwavari: “Uyai muone.” Saka vakaenda naye vakaona kwaaigara, uye vakagara naye zuva iroro; yakanga yava kusvika awa yechi10.* 40  Andreya,+ munin’ina waSimoni Petro, akanga ari mumwe wevaviri vakanzwa zvakataurwa naJohani, akatevera Jesu. 41  Akatanga anotsvaga mukoma wake Simoni, akati kwaari: “Tawana Mesiya”+ (zvinoreva kuti, “Kristu”), 42  uye akaenda naye kuna Jesu. Jesu paakamuona, akati: “Ndiwe Simoni,+ mwanakomana waJohani; iwe uchanzi Kefasi” (zvinoshandurwa kuti “Petro”).+ 43  Mangwana acho Jesu aida kuenda kuGarireya. Akabva aona Firipi,+ akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” 44  Firipi aibva kuBhetisaidha, guta raibva Andreya naPetro. 45  Firipi akaona Natanieri,+ akati kwaari: “Tawana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMutemo neVaprofita: Jesu, mwanakomana waJosefa,+ wekuNazareta.” 46  Asi Natanieri akati kwaari: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” Firipi akati kwaari: “Uya uone.” 47  Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari, akati nezvake: “Onai, muIsraeri wechokwadi asina unyengeri.”+ 48  Natanieri akati kwaari: “Munondiziva sei?” Jesu akamupindura kuti: “Usati watomboshevedzwa naFiripi, pawanga uri pasi pemuonde, ndakuona.” 49  Natanieri akabva ati: “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Mambo waIsraeri.”+ 50  Jesu akamupindura kuti: “Uri kutenda nekuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pemuonde here? Uchaona zvinhu zvikuru kupfuura izvi.” 51  Iye akabva ati kwaari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muchaona denga richizaruka uye ngirozi dzaMwari dzichikwira nekudzika dzichiuya kuMwanakomana wemunhu.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “panzvimbo yepachipfuva chaBaba.” Izvi zvinoreva kuva pachinzvimbo chinoratidza kufarirwa chaizvo.
Kureva, kuma4:00 dzemasikati.