Tsamba kuvaEfeso 5:1-33

  • Kutaura kwakachena uye mabasa akachena (1-5)

  • Fambai sevana vechiedza (6-14)

  • Zadzwai nemweya (15-20)

    • Shandisai nguva yenyu nekuchenjera (16)

  • Mazano kuvarume nemadzimai (21-33)

5  Saka ivai vatevedzeri vaMwari,+ sevana vanodiwa,  uye rambai muchifamba murudo,+ sekungodiwa kwatakaitwawo*+ naKristu, akazvipa kuti atifire* semupiro uye sechibayiro, kunhuhwirira kwakanaka kuna Mwari.+  Upombwe* nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kana kutombotaurwa nezvazvo pakati penyu,+ sezvo zvisina kukodzera vanhu vatsvene;+  kana kuzvibata zvinonyadzisa kana kutaura kweupenzi kana kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira.+ Kuita izvi hakuna kukodzera, asi panzvimbo pekudaro ongai Mwari.+  Nekuti imi munonyatsozviziva kuti hapana mhombwe*+ kana munhu asina kuchena kana munhu ane makaro,+ izvo zvinoreva kuva munhu anonamata zvidhori, ane nhaka muUmambo hwaKristu nehwaMwari.+  Ngaparege kuva nemunhu anokufurirai nemashoko asina basa, nekuti pamusana pezvinhu zvakadaro, hasha dzaMwari dziri kuuya pavanakomana vasingateereri.  Saka musabatana navo;  nekuti maimbova rima, asi iye zvino mava chiedza+ munaShe.+ Rambai muchifamba sevana vechiedza,  nekuti chiedza chinobereka zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese nekururama nechokwadi.+ 10  Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika+ kunaShe; 11  uye musabatana navo pakuita mabasa erima asina zvibereko;+ panzvimbo pekudaro, fumurai mabasa avo. 12  Nekuti zvavanoita pachivande zvinonyadzisa kunyange kuzvitaura chaiko. 13  Zvinhu zvese zviri kufumurwa zvinoiswa pachena nechiedza, nekuti zvinhu zvese zviri kuiswa pachena zvinova chiedza. 14  Saka zvinonzi: “Muka, iwe wakarara, muka kuvakafa,+ uye Kristu achakuvhenekera.”+ 15  Saka rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, 16  muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera,*+ nekuti mazuva akaipa. 17  Saka regai kuita sevanhu vasingafungi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha* ndekupi.+ 18  Uyewo, musadhakwa newaini,+ nekuti pakudhakwa ndipo pane kusazvibata, asi rambai muchizadzwa nemweya. 19  Taurai nemumwe nemumwe nemapisarema, nekurumbidza Mwari, nekuimba+ nziyo dzemweya, muchiimba+ muchiridzira Jehovha* nziyo mumwoyo menyu,+ 20  muchigara muchitenda+ Mwari wedu uye Baba vedu nezvinhu zvese zvavanotiitira, muzita raShe wedu Jesu Kristu.+ 21  Zviisei pasi pemumwe nemumwe+ muchitya Kristu. 22  Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo+ sezvaanoita kunaShe, 23  nekuti murume ndiye musoro wemudzimai wake,+ sezvo Kristu ari iye musoro weungano,+ ari iye muponesi wemuviri uyu. 24  Tingatoti, sezvo ungano ichizviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvese. 25  Varume, rambai muchida madzimai enyu,+ sekuda kwakaita Kristu ungano, akazvipira kuifira,+ 26  kuti aitsvenese, achiichenesa nekuigeza nemvura achishandisa shoko,+ 27  kuti atore ungano ive yake iine runako rwayo, isina pane ruvara kana pakaunyana kana chimwe chinhu chakadaro,+ asi kuti ive tsvene isina pakashatiswa.+ 28  Varume vanofanirawo kuita saizvozvo, vachida madzimai avo semiviri yavo. Murume anoda mudzimai wake anozvida, 29  nekuti hapana murume akambovenga muviri wake,* asi anoupa zvekudya uye anouchengeta, sezvinoitwa ungano naKristu, 30  nekuti tiri nhengo dzemuviri wake.+ 31  “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake,* vaviri vacho vova nyama imwe.”+ 32  Chakavanzika chitsvene*+ ichi chikuru. Apa ndiri kutaura nezvaKristu neungano.+ 33  Kunyange zvakadaro, mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai+ wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “kwamakaitwawo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akufirei.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
ChiGir., “muchitenga nguva yakakodzera.”
ChiGir., “nyama yake.”
Kana kuti “acharamba aine mudzimai wake.”