Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?

Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?

MUBHAIBHERI hamusi imo munobva mazororo akakurumbira echitendero uye enyika anopembererwa munyika dzakawanda mazuva ano. Saka, mhemberero dzakadaro dzakabva kupi? Kana uchikwanisa kuenda kuraibhurari, uchanakidzwa kuona zvinotaurwa nemabhuku anoshandiswa pakutsvakurudza pamusoro pemazororo akakurumbira kwaunogara. Funga nezvemienzaniso mishomanana.

Isita. “MuTestamende Itsva hamuna chinomboratidza kuchengetwa kwomutambo weIsita,” inodaro The Encyclopædia Britannica. Isita yakatanga sei? Yakabva mukunamata kwechihedheni. Kunyange zvazvo zororo iri richinzi nderokuyeuka kumuka kwaJesu, tsika dzine chokuita nenguva yeIsita hadzisi dzechiKristu. Somuenzaniso, nezve“Tsuro yeIsita,” yakakurumbira, The Catholic Encyclopedia inoti: “Tsuro yacho chiratidzo chechihedheni uye yagara iri chiratidzo chokubereka.”

Kupemberera Gore Idzva. Musi uye tsika zvine chokuita nokupemberera Gore Idzva zvinosiyana munyika nenyika. Nezvekwakabva kupemberera uku, The World Book Encyclopedia inoti: “Mutongi weRoma ainzi Julius Caesar akaita kuti musi waJanuary 1 uve Zuva Regore Idzva muna 46 B.C. VaRoma vakatsaurira zuva iri kuna Janus, mwari wemagedhi, misuo, uye wokutanga kwezvinhu. Mwedzi waJanuary wakapiwa zita raJanus, uyo aiva nezviso zviri—chimwe chakatarira mberi uye chimwe chacho chakatarira shure.” Saka kupemberera Gore Idzva kunobva mutsika dzechihedheni.

Halloween. The Encyclopedia Americana inoti: “Zvimwe zvinhu zvetsika dzine chokuita neHalloween zvinodzokera shure kumutambo wevaDruid [vapristi vekare vechiCelt] waiitwa nguva yechiKristu isati yasvika. VaCelt vaiitira mitambo vanamwari vakuru vaviri—mwari wezuva uye mwari wevakafa . . . , ane mutambo waiitwa pana November 1, kutanga kweGore Idzva revaCelt. Mutambo wacho wevakafa wakazopinzwa mutsika yechiKristu zvishoma nezvishoma.”

Mamwe Mazororo. Hazviiti kukurukura mimwe mitambo yose inoitwa munyika yose. Zvisinei, mazororo anokudza vanhu kana kuti masangano evanhu haagamuchiriki kuna Jehovha. (Jeremiya 17:5-7; Mabasa 10:25, 26) Yeukawo kuti kwakabva mhemberero dzechitendero kune chokuita nokuti dzinofadza Mwari here kana kuti kwete. (Isaya 52:11; Zvakazarurwa 18:4) Chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri chinotaurwa muChitsauko 16 chebhuku rino, chichakubatsira kuziva kuti Mwari anoona sei kubatanidzwa mumazororo enyika.