Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?

Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
  • Zviitiko zvipi zvomunguva yedu zvakafanotaurwa muBhaibheri?

  • Shoko raMwari rinoti vanhu vaizova vakaita sei mu“mazuva okupedzisira”?

  • Nezve“mazuva okupedzisira,” Bhaibheri rinofanotaura zvinhu zvipi zvakanaka?

1. Tingadzidza nezvenguva yemberi kupi?

WAKAMBOONA here nhau paterevhizheni, ukashamisika kuti, ‘Nyika ino yakananga kupi?’ Njodzi dzinongoerekana dzaitika zvokuti hapana munhu anogona kufungidzira kuti chii chichaitika mangwana. (Jakobho 4:14) Zvisinei, Jehovha anoziva zvichaitika mune ramangwana. (Isaya 46:10) Kare kare, Shoko rake Bhaibheri, rakafanotaura zvinhu zvakanaka kwazvo zvichaitika munguva yemberi iri pedyo kwete zvinhu zvakaipa chete zviri kuitika munguva yedu.

2, 3. Vadzidzi vakabvunza Jesu mubvunzo upi, uye iye akapindura sei?

2 Jesu Kristu akataura nezvoUmambo hwaMwari, uhwo huchagumisa uipi uye huchaita kuti nyika ive paradhiso. (Ruka 4:43) Vanhu vaida kuziva nguva yaizouya Umambo. Chokwadi, vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Achipindura, Jesu akavaudza kuti Jehovha Mwari chete ndiye aiziva nguva chaiyo yaizosvika kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. (Mateu 24:36) Asi Jesu akafanozivisa zvinhu zvaizoitika panyika nguva pfupi Umambo husati hwaunzira vanhu rugare rwechokwadi nokuchengeteka. Zvaakafanozivisa zviri kuitika iye zvino!

3 Tisati taongorora uchapupu hwokuti tiri kurarama munguva yo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” ngatimbokurukurei zvishoma nezvehondo iyo isina munhu aigona kuiona. Yakaitika kumatenga asingaoneki, uye mugumisiro wayo une chokuita nesu.

HONDO MUDENGA

4, 5. (a) Chii chakaitika kudenga nguva pfupi Jesu agadzwa kuva Mambo? (b) Maererano naZvakazarurwa 12:12, hondo yakaitika kudenga yaizoguma nei?

4 Chitsauko chakapfuura mubhuku rino chakatsanangura kuti Jesu Kristu akava Mambo kudenga mugore ra1914. (Dhanieri 7:13, 14) Nguva pfupi ava Mambo, Jesu akaita chimwe chinhu. “Hondo yakavapo mudenga,” rinodaro Bhaibheri. “Mikaeri [rimwe zita raJesu] nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni [Satani Dhiyabhorosi], dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa.” * Satani nengirozi dzake dzakaipa, madhimoni, vakakundwa muhondo iyoyo uye vakakandirwa pasi vachibva kudenga. Vanakomana vaMwari vakatendeka vomudzimu vakafarira kuti Satani nemadhimoni ake vakanga vadzingwa. Zvisinei, vanhu vaisazofara saizvozvo. Asi, Bhaibheri rakafanotaura kuti: ‘Une nhamo iwe nyika nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwauri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.’—Zvakazarurwa 12:7, 9, 12.

5 Tapota ona zvaizoguma zvaitika nehondo yakaitika kudenga. Akashatirwa, Satani aizounza nhamo, kana kuti dambudziko, pane vaya vari panyika. Sezvauchaona, iye zvino tiri kurarama munguva iyoyo yenhamo. Asi ichange iri pfupi zvikuru—“nguva pfupi” chete. Kunyange Satani anozviziva izvozvo. Bhaibheri rinotaura nezvenguva iyi se“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Tinogona kufara zvikuru kuti Mwari achakurumidza kubvisa kukanganisa nyika kwaDhiyabhorosi! Ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvakafanotaurwa muBhaibheri zviri kuitika iye zvino. Izvi zvinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira uye kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuunza zvikomborero zvisingaperi kune vaya vanoda Jehovha. Kutanga, ngationgororei zvikamu zvina zvechiratidzo chakataurwa naJesu kuti chaizozivisa nguva yatiri kurarama.

ZVIITIKO ZVIKURU ZVEMAZUVA OKUPEDZISIRA

6, 7. Mashoko aJesu pamusoro pehondo nokushomeka kwezvokudya ari kuzadzika sei mazuva ano?

6 “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Mamiriyoni evanhu akaurayiwa muhondo muzana remakore rapfuura. Mumwe munyori wezvakaitika kare wokuBritain akanyora kuti: “Zana remakore rechi20 ndiro rakanga rakazara nokuteura ropa kupfuura mamwe ose akanyorwa pane zvakaitika kare. . . . Range riri zana remakore rehondo isingaperi, richingova nenguva pfupi uye shomanana dzange dzisina hondo yakarongwa kune dzimwe nzvimbo.” Mashoko akabva kuWorldwatch Institute anoti: “Vanhu vakawanda nekatatu vakafira muhondo muzana remakore [rechi20] kupfuura dzimwe hondo dzose dzakarwiwa kubva muzana remakore rokutanga AD kusvika muna 1899.” Vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakafa nemhosva yehondo kubvira muna 1914. Kunyange zvazvo tichiziva kurwadziwa kunokonzerwa nokuurayirwa munhu watinoda muhondo, hatimbogoni kufungidzira nhamo uye kurwadziwa zvemamiriyoni evanhu vakaurayirwa vadiwa vavo nehondo.

7 “Kuchava nokushomeka kwezvokudya.” (Mateu 24:7) Vanotsvakurudza vanoti kugadzirwa kwezvokudya kwakawedzera zvikuru mumakore 30 akapfuura. Kunyange zvakadaro, kushomeka kwezvokudya kuri kuenderera mberi nokuti vanhu vakawanda havana mari yakakwana yokutenga zvokudya kana kuti havana munda wokurima. Munyika dzichiri kusimukira, vanhu vanopfuura bhiriyoni vanotofanira kurarama nemari yavanotambira pazuva inokwana US$1 (Z$6 200) kana kuti shoma. Vakawanda vevanhu ava vanotambura nenzara kwenguva refu. World Health Organization inofungidzira kuti kushaya zvokudya zvinovaka muviri ndicho chinhu chikuru chinokonzera kufa kwevana vanopfuura mamiriyoni mashanu gore roga roga.

8, 9. Chii chinoratidza kuti uprofita hwaJesu pamusoro pokudengenyeka kwenyika uye matenda huri kuzadzika?

8 “Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru.” (Ruka 21:11) Maererano neU.S. Geological Survey, gore roga roga panoitika kudengenyeka kwenyika kune simba kunenge 19. Kudengenyeka kwacho kune simba zvikuru zvokuparadza zvivako uye kutsemura nyika. Uye paavhareji, kudengenyeka kwenyika kune simba zvokugona kuparadza zvivako zvachose kwave kuchiitika gore roga roga. Zvinyorwa zviripo zvinoratidza kuti kudengenyeka kwenyika kwakauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni maviri kubva muna 1900. Dzimwe nhau dzinoti: “Kunatsiridzwa kworuzivo rwokugadzira zvinhu kwakangoderedza zvishoma nhamba yevanhu vanofa.”

9 ‘Kuchava nematenda.’ (Ruka 21:11) Pasinei nokubudirira mune zvokurapa, zvirwere zvagara zviripo uye zvitsva zviri kutambudza vanhu. Mamwe mashoko akataurwa anoti zvirwere 20 zvinonyatsozivikanwa—zvinosanganisira tibhii, marariya, uye korera—zvakanyanya kuvapo mumakumi emakore achangopfuura, uye zvimwe zvirwere zviri kuramba zvichiva zvakaoma kurapa nemishonga. Kutaura zvazviri, zvirwere zvitsva zvinenge 30 zvavapo. Zvimwe zvacho hazvirapiki uye zvinouraya.

VANHU VOMUMAZUVA OKUPEDZISIRA

10. Maitiro api akafanotaurwa pana 2 Timoti 3:1-5 auri kuona muvanhu mazuva ano?

10 Kunze kwokutsanangura zvimwe zviitiko zvikuru zvenyika, Bhaibheri rakafanotaurawo kuti mazuva okupedzisira aizozivikanwa nokuchinja kwevanhu. Muapostora Pauro akarondedzera kuti vanhu vaizova vakaita sei. Pana 2 Timoti 3:1-5, tinoverenga kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” Muchikamu, Pauro akati vanhu vaizova

  • vanozvida

  • vanoda mari

  • vasingateereri vabereki

  • vasina kuvimbika

  • vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo

  • vasingazvidzori

  • vanotyisa

  • vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari

  • vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo

11. Pisarema 92:7 rinotsanangura sei zvichaitika kune vakaipa?

11 Kwaunogara vanhu ndizvo zvavava here? Hapana mubvunzo kuti ndizvo zvavava. Kwose kwose kune vanhu vane maitiro akaipa. Izvi zvinoratidza kuti Mwari achakurumidza kuita chimwe chinhu, nokuti Bhaibheri rinoti: “Vakaipa pavanomera sezvinomera uye vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza pavanotumbuka, zvinoitirwa kuti vatsakatiswe nokusingaperi.”—Pisarema 92:7.

ZVIITIKO ZVAKANAKA!

12, 13. “Zivo yechokwadi” yakawanda sei muino “nguva yokuguma”?

12 Zvechokwadi mazuva okupedzisira azere nenhamo, sezvakafanotaurwa neBhaibheri. Zvisinei, munyika ino yatambura, pane zviitiko zvakanaka pakati pevanamati vaJehovha.

13 “Zivo yechokwadi ichawanda,” bhuku reBhaibheri raDhanieri rakafanotaura kudaro. Izvozvo zvaizoitika rini? Mu“nguva yokuguma.” (Dhanieri 12:4) Kunyanya kubvira muna 1914, Jehovha akabatsira vaya vanoda zvechokwadi kumushumira kuti vawedzere kunzwisisa Bhaibheri. Vakawedzera kunzwisisa chokwadi chinokosha pamusoro pezita raMwari uye chinangwa chake, chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, mamiriro ezvinhu evakafa, uye rumuko. Uyezve, vanamati vaJehovha vakadzidza kurarama nenzira inovabatsira uye inorumbidza Mwari. Vakanzwisisawo zvakajeka basa roUmambo hwaMwari uye magadzirisire ahuchaita zvinhu panyika. Vanozoitei neiyi zivo? Mubvunzo iwoyo unotisvitsazve pane humwe uprofita huri kuzadzika mumazuva ano okupedzisira.

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.”—Mateu 24:14

14. Kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo kwakapararira zvakadini mazuva ano, uye ndivanaani vari kuaparidza?

14 “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa,” akadaro Jesu Kristu muuprofita hwake pamusoro po“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3, 14) Munyika yose, mashoko akanaka oUmambo—chiri Umambo hwacho, zvahuchaita, uye mawaniro atingaita zvikomborero zvahwo—ari kuparidzwa munyika dzinopfuura 230 uye mumitauro inopfuura 400. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha anoshingairira kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvinobva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Zvapupu zvinodzidza Bhaibheri mumisha nemamiriyoni evanhu vanoda kuziva chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri vasingabhadhari. Zvechokwadi uku kuzadzika kwouprofita kunoshamisa, kunyanya sezvo Jesu akafanotaura kuti vaKristu vechokwadi vaizo“vengwa nevanhu vose”!—Ruka 21:17.

UCHAITEI?

15. (a) Unodavira here kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, uye nei? (b) “Kuguma” kucharevei kune vaya vanoshora Jehovha uye kune vaya vanozviisa pasi pokutonga kwoUmambo hwaMwari?

15 Uprofita hwakawanda hweBhaibheri zvahuri kuzadzika mazuva ano, haubvumi here kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira? Pashure pokunge mashoko akanaka aparidzwa kusvikira Jehovha agutsikana, chokwadi “kuguma” kuchasvika. (Mateu 24:14) “Kuguma” kunoreva nguva apo Mwari achabvisa uipi panyika. Kuti aparadze vose vanomushora nemaune, Jehovha achashandisa Jesu pamwe chete nengirozi dzine simba. (2 VaTesaronika 1:6-9) Satani nemadhimoni ake havazotsausi marudzi zvakare. Pashure paizvozvo, Umambo hwaMwari huchadururira zvikomborero pane vose vanozviisa pasi pokutonga kwahwo kwakarurama.—Zvakazarurwa 20:1-3; 21:3-5.

16. Kwaizova kuchenjera kuti uitei?

16 Kuguma kwemamiriro ezvinhu aSatani zvakwava pedyo, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kunge ndichiitei?’ Kuchenjera kuramba tichidzidza zvakawanda nezvaJehovha uye zvaanoda kuti tiite. (Johani 17:3) Shingairira kudzidza Bhaibheri. Iva netsika yokugara uchishamwaridzana nevamwe vanoedza kuita zvinoda Jehovha. (VaHebheru 10:24, 25) Wana zivo yakawanda iyo Jehovha Mwari akaita kuti iwanikwe nevanhu munyika yose, wochinja mararamiro ako sezvingadiwa kuitira kuti ufarirwe naMwari.—Jakobho 4:8.

17. Nei kuparadzwa kwevakaipa kuchizoshamisa vanhu vakawanda?

17 Jesu akafanotaura kuti vanhu vakawanda vaisazova nehanya nouchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Kuparadzwa kwevakaipa kuchangoerekana kwasvika, vanhu vasingatarisiri. Kufanana nembavha inouya usiku, kuchashamisa vanhu vakawanda. (1 VaTesaronika 5:2) Jesu akanyevera kuti: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateu 24:37-39.

18. Inyevero ipi yakapiwa naJesu yatinofanira kufungisisa?

18 Saka Jesu akaudza vateereri vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira [vachifarirwa] pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Kuchenjera kufungisisa mashoko aJesu. Nei? Nokuti vaya vanofarirwa naJehovha Mwari uye “Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, vanotarisira kupukunyuka kuguma kwemamiriro ezvinhu aSatani uye kurarama nokusingaperi munyika itsva inoshamisa yava pedyo zvikuru!—Johani 3:16; 2 Petro 3:13.

^ ndima 4 Kuti uwane mashoko anoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 218-19.