Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 9

Mungaitei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

Mungaitei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

1. Nei kuva negwaro remuchato kuchiita kuti mhuri ifare?

Jehovha ndiMwari anofara uye anodawo kuti mhuri dzifare. Ndiye anotipa mashoko akanaka. (1 Timoti 1:11) Ndiye akatanga wanano. Kuva negwaro remuchato rehurumende kunoita kuti mhuri ifare nekuti kunoita kuti murume nemudzimai nevana vagare vasina chavanotyira. VaKristu vanofanira kunyoresa wanano yavo vachitevedzera mitemo yehurumende.​—Verenga Ruka 2:1, 4, 5.

Mwari anoona sei wanano? Anoda kuti murume nemudzimai varambe vari vese. Jehovha anoda kuti murume nemudzimai vave vanhu vakavimbika muwanano yavo. (VaHebheru 13:4) Anovenga kurambana. (Maraki 2:16) Asi anongobvumidza kuti vaKristu varambane uye kuti vachate nemumwe munhu kana pauviri hwavo paine aita upombwe.​—Verenga Mateu 19:3-6, 9.

2. Murume nemudzimai vanofanira kugarisana sei?

Jehovha akasika murume nemudzimai kuti vabatsirane muwanano. (Genesisi 2:18) Murume ndiye musoro wemba saka ndiye anofanira kuriritira mhuri yake uye kuidzidzisa nezvaMwari. Anofanira kuda mudzimai wake zvekuti anobvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti zvinakire mudzimai wake. Murume nemudzimai vanofanira kudanana uye kuremekedzana. Vese vari vaviri vanokanganisa, saka kana vachida kufara vanofanira kudzidza kuregererana.​—Verenga VaEfeso 4:31, 32; 5:22-25, 33; 1 Petro 3:7.

3. Unofanira kusiya mumwe wako here kana musiri kugarisana zvakanaka?

Kana zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka muwanano yenyu, munofanira kushanda nesimba kuti musimbise rudo rwenyu. (1 VaKorinde 13:4, 5) Shoko raMwari harikurudziri kuti vanhu vaparadzane kana vaine matambudziko anowanzosangana nevari muwanano.​—Verenga 1 VaKorinde 7:10-13.

4. Vana, Mwari anoda kuti zvikufambirei sei?

Jehovha anoda kuti mufare. Anokupai mazano akanakisisa ekuti munakidzwe neupenyu muchiri vadiki. Anoda kuti mubatsirwe neuchenjeri uye ruzivo rwevabereki venyu. (VaKorose 3:20) Jehovha anodawo kuti muwane mufaro unobva pakuita zvinodiwa neMusiki wenyu neMwanakomana wake.​—Verenga Muparidzi 11:9-12:1; Mateu 19:13-15; 21:15, 16.

5. Vabereki, mungaitei kuti vana venyu vafare?

Munofanira kushanda nesimba kuti mutsvagire vana venyu zvekudya, pekugara nezvekupfeka. (1 Timoti 5:8) Asi kana muchida kuti vana venyu vafare, munofanirawo kuvadzidzisa kuti vade Mwari uye kuti vabvume kudzidziswa naye. (VaEfeso 6:4) Kana mukaratidza kuti munoda Mwari, vana venyu vachamudawo nemwoyo wese. Kana mukadzidzisa vana venyu muchishandisa Shoko raMwari, vachakura vari vana kwavo.​—Verenga Dheuteronomi 6:4-7; Zvirevo 22:6.

Vana vanoda kukurudzirwa uye kurumbidzwa. Vanofanirawo kururamiswa uye kurayirwa. Kana mukavadzidzisa saizvozvo havazoiti zvinhu zvinoita kuti vasafara muupenyu. (Zvirevo 22:15) Asi hamufaniri kuvaitira hasha kana utsinye.​—Verenga VaKorose 3:21.

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku akawanda anonyanya kunyorerwa vabereki nevana. Mabhuku acho anodzidzisa zvinobva muBhaibheri.​—Verenga Pisarema 19:7, 11.