Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 44

Temberi yaJehovha

Temberi yaJehovha

Soromoni paakava mambo waIsraeri, Jehovha akamubvunza kuti: ‘Chii chaunoda kuti ndikupe?’ Soromoni akati: ‘Ndichiri mudiki uye handina zvakawanda zvandinoziva. Ndapota ndipei uchenjeri hwekuti ndigone kutungamirira vanhu venyu.’ Jehovha akati: ‘Nekuti wakumbira kuti uve akachenjera, saka ndichaita kuti uve munhu akachenjera kupfuura vanhu vese panyika. Ndichaitawo kuti uve nepfuma yakawanda. Uye kana ukanditeerera, uchararama makore akawanda.’

Soromoni akabva atanga kuvaka temberi. Akashandisa zvinhu zvakanakisisa zvinoti goridhe, sirivha, mapuranga uye matombo. Varume nevakadzi vaisvika zviuru vaiva neunyanzvi vakashanda pakuvaka temberi. Papera makore 7, temberi yakanga yapera uye yava kufanira kutsaurirwa kuna Jehovha. Yaiva neatari uye paatari yacho pakanga paine zvibayiro. Soromoni akapfugama pamberi peatari akanyengetera achiti: ‘Haiwa Jehovha, temberi ino haina kukura kana kunaka zvakakwana kuti ienderane nemi, asi tapota gamuchirai kunamata kwedu uye teereraiwo minyengetero yedu.’ Jehovha akaona sei temberi uye munyengetero waSoromoni? Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakabva waburuka kubva kudenga ukapisa zvibayiro zvaiva paatari. Izvozvo zvakaratidza kuti Jehovha akafarira temberi. VaIsraeri pavakaona izvi, vakafara chaizvo.

Mambo Soromoni aizivikanwa semunhu akachenjera munyika yese yeIsraeri uye kune dzimwe nzvimbo dzaiva kure chaizvo. Vanhu vaiuya kuna Soromoni kuti avabatsire pamatambudziko avo. Kunyange mambokadzi wekuShebha akauya kuzomuedza nekumubvunza mibvunzo yakaoma. Paakanzwa mhinduro dzake, akati: ‘Pandakanzwa zvaitaurwa nevanhu nezvenyu handina kuzvibvuma, asi iye zvino ndazoona kuti makatochenjera kupfuura zvavaitaura. Mwari wenyu Jehovha, akakukomborerai.’ Upenyu hwevaIsraeri hwakanga hwakanaka, uye vanhu vacho vaifara. Asi zvinhu zvakanga zvava kuda kuchinja.

“Tarirai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.”​—Mateu 12:42