Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 10

Soromoni Anotonga Nouchenjeri

Soromoni Anotonga Nouchenjeri

Jehovha anopa Mambo Soromoni mwoyo wouchenjeri; pakutonga kwaSoromoni vaIsraeri vanova norugare uye vanobudirira zvikuru

UPENYU hwaizova hwakaita sei dai nyika yose nomutongi wayo vaizotevera Jehovha saChangamire wavo uye voteerera mitemo yake? Mhinduro yacho yakaratidzwa pakutonga kwaMambo Soromoni kwemakore 40.

Dhavhidhi asati afa, akagadza mwanakomana wake Soromoni kuti amutsive. Soromoni akarota Mwari achimuudza kuti akumbire zvaaida kupiwa. Soromoni akakumbira uchenjeri nezivo zvokutonga vanhu zvakanaka uye nouchenjeri. Jehovha akafara ndokupa Soromoni mwoyo wakachenjera uye unonzwisisa. Jehovha akamuvimbisawo pfuma, kukudzwa uye kurarama kwenguva yakareba kana aizoramba achiteerera.

Soromoni akazivikanwa kwazvo pamusana pokutonga kwake kwouchenjeri. Pane imwe nyaya, vakadzi vaviri vairwira mwana mukomana, mumwe nomumwe wavo achiti aiva mwana wake. Soromoni akati mwana wacho adimburwe nepakati uye mumwe nomumwe opiwa hafu yacho. Mumwe wacho akabvuma, asi amai vemwana chaivo vakabva vateterera kuti mwana wacho apiwe hake kune mumwe mukadzi. Soromoni akabva anyatsoona kuti mukadzi aiva netsitsi ndiye aiva amai vemwana ndokumupa mwana wacho. Pasina nguva, vaIsraeri vose vakanzwa nezvokutonga uku, uye vanhu vakaziva kuti Soromoni akanga aine uchenjeri hwaMwari.

Chimwe chezvinhu zvikuru zvakaitwa naSoromoni kwaiva kuvaka temberi yaJehovha—chivako chakanga chakanaka zvikuru muJerusarema chaizoshandiswa semusimboti wekunamata muIsraeri. Pakatsaurirwa temberi yacho, Soromoni akanyengetera achiti: “Tarirai! Hamungakwani mumatenga, iko kumatengatenga; zvino, zvakadini neimba ino yandavaka!”1 Madzimambo 8:27.

Mukurumbira waSoromoni wakasvika kune dzimwe nyika, wakatosvika kure kure kuShebha, yaiva kuArabhiya. Mambokadzi weShebha akaenda kuti anoona ukuru uye upfumi zvaiva naSoromoni uye kuedza kuti akanga akachenjera zvakadini. Mambokadzi wacho akaomeswa mate mukanwa nouchenjeri hwaSoromoni uye nokubudirira kweIsraeri zvokuti akarumbidza Jehovha pamusana pokugadza mambo akachenjera kudaro pachigaro chokutonga. Zvechokwadi, nechikomborero chaJehovha, kutonga kwaSoromoni kwakabudirira zvikuru uye kwakaita kuti muIsraeri yekare muve nerugare rukuru kupfuura chero nguva ipi zvayo.

Zvinosuruvarisa kuti Soromoni akakundikana kuramba achiita maererano nouchenjeri hwaJehovha. Haana kuteerera murayiro waMwari uye akaroora mazana evakadzi, kusanganisira vakawanda vainamata vanamwari vokune dzimwe nyika. Zvishoma nezvishoma, madzimai ake akatsausa mwoyo wake kubva pana Jehovha ndokumuita kuti anamate zvidhori. Jehovha akaudza Soromoni kuti aizotorerwa chimwe chikamu choumambo hwake. Mwari akati chikamu chiduku chaizoramba chiri chemhuri yake pamusana pezvaakanga apikira kuna baba vaSoromoni, Dhavhidhi. Pasinei nokutsauka kwakanga kwaita Soromoni, Jehovha akaramba akavimbika kusungano yoUmambo yaakanga aita naDhavhidhi.

Kubva pana 1 Madzimambo zvitsauko 1 kusvika ku11; 2 Makoronike zvitsauko 1 kusvika ku9; Dheuteronomio 17:17.