Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 13

Madzimambo Akanaka Neakaipa

Madzimambo Akanaka Neakaipa

Israeri inokamukana. Nokufamba kwenguva, madzimambo akawanda anotonga vaIsraeri, uye akawanda acho haana kutendeka. Jerusarema rinoparadzwa nevaBhabhironi

SOKUFANOZIVISA kwakanga kwaita Jehovha, Israeri yakakamukana pashure pokunge Soromoni asiya kunamata kwakachena. Mwanakomana wake, Rehobhoamu, akamutsiva aiva noutsinye. Nokudaro, madzinza gumi aIsraeri akapanduka akaumba umambo hwekuchamhembe hwaIsraeri. Madzinza maviri akaramba akavimbika kuna mambo aiva pachigaro chaDhavhidhi muJerusarema, achiumba umambo hwekumaodzanyemba hwaJudha.

Umambo hwacho huri huviri hwakanga husina kugadzikana uye hwaiva nematambudziko akawanda pamusana pemadzimambo akanga asina kutendeka uye akanga asingateereri. Umambo hwaIsraeri hwekuchamhembe ndihwo hwaitova nematambudziko akawanda kudarika eJudha, nokuti kubvira pakutanga madzimambo ahwo aitsigira kunamata kwenhema. Pasinei nemabasa esimba evaprofita vakadai saEriya naErisha—vose vakatomutsa vakafa—vaIsraeri vakaramba vachidzokera pakuita zvakaipa. Pakupedzisira, Mwari akabvumira umambo hwekuchamhembe kuti huparadzwe neAsiriya.

Umambo hwaJudha hwakamboti garei kwemakore anodarika zana zvishoma pane hwaIsraeri, asi hwakarangwawo naMwari. Madzimambo mashomanana chete aJudha ndiwo akateerera zvainyeverwa nevaprofita vaMwari uye akaedza kutungamirira rudzi rwacho kuti rudzokere kuna Jehovha. Somuenzaniso, Mambo Josiya akatanga kubvisa kunamata kwenhema muJudha uye akagadzirisa temberi yaJehovha. Bhuku roMutemo waMwari waakapa achishandisa Mosesi parakawanikwa, Josiya akabayiwa mwoyo uye akabva awedzera basa rake rokuchinja zvinhu.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti madzimambo akazotonga pashure paJosiya haana kutevedzera muenzaniso wakanaka wamambo wacho. Saka Jehovha akabvumira nyika yeBhabhironi kuti ikurire Judha, ichiparadza Jerusarema netemberi yaro. Vakapukunyuka vacho vakaendeswa kuBhabhironi senhapwa. Mwari akafanotaura kuti vaizova nhapwa kwemakore 70. Judha yakava dongo kwenguva iyoyo yose—kusvikira rudzi rwacho rwabvumirwa kudzokera kunyika yarwo, sezvakanga zvapikirwa.

Zvisinei, hapana madzimambo omudzinza raDhavhidhi aizotonga kusvikira pakutonga kweMununuri akapikirwa, Mesiya akanga afanotaurwa. Akawanda pamadzimambo akanga agara pachigaro chaDhavhidhi muJerusarema akaratidza kuti vanhu vasina kukwana havakwanisi kutonga. Mesiya chete ndiye aizonyatsokwanisa. Saka Jehovha akati kune wokupedzisira pamadzimambo edzinza raDhavhidhi: ‘Bvisa korona. Hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.’Ezekieri 21:26, 27.

—Kubva pana 1 Madzimambo; 2 Madzimambo; 2 Makoronike 10 kusvika ku36; Jeremiya 25:8-11.