Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 12

Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari Hunopa Upenyu

Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari Hunopa Upenyu

Bhuku reZvirevo muunganidzwa wemazano akafuridzirwa—anotungamirira mukurarama kwezuva nezuva—akanyorwa zvikurukuru naSoromoni

JEHOVHA Mutongi akachenjera here? Imwe nzira inokosha yokupindura mubvunzo iwoyo ndeyokufunga mazano aanopa. Anoshanda here? Kuashandisa kunoita kuti upenyu huve nani uye huve nezvahunoreva here? Mambo Soromoni akachenjera akanyora mazana ezvirevo. Anotaura nezvezvinhu zvine chokuita noupenyu. Ona mimwe mienzaniso.

Kuvimba naMwari. Kuvimba kunokosha zvikuru pakuva noukama hwakanaka naJehovha. Soromoni akanyora kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvirevo 3:5, 6) Kuvimba naMwari nokutsvaka kutungamirirwa naye uye kumuteerera kunoita kuti upenyu huve nezvahunoreva. Kuita izvozvo kunoita kuti munhu afadze mwoyo waMwari zvoita kuti Jehovha awane mhinduro panyaya yakamutswa nomuvengi wake, Satani.Zvirevo 27:11.

Shandisa Uchenjeri Pane Zvaunoita Nevamwe. Mazano anopiwa naMwari kuvarume, madzimai nevana anoenderana nenguva zvikuru mazuva ano kupfuura kare. Mwari anoudza murume kuti: “Fara nomudzimai wouduku hwako,” zvinoreva kuti anofanira kuramba akatendeka kumudzimai wake. (Zvirevo 5:18-20) Mubhuku reZvirevo, vakadzi vakaroorwa vanowana rondedzero yemandorokwati yemukadzi anokwanisa anoyemurwa nomurume wake nevana vake. (Zvirevo, chitsauko 31) Uye vana vanowana mirayiridzo yokuteerera vabereki vavo. (Zvirevo 6:20) Bhuku iri rinoratidzawo kuti ushamwari hunokosha, nokuti kuzviparadzanisa kunoita kuti munhu azvitsvakire zvake oga. (Zvirevo 18:1) Shamwari dzine simba rokuti tiite zvakanaka kana kuti zvakaipa, saka tinofanira kudzisarudza nokuchenjera.Zvirevo 13:20; 17:17.

Kuzvichengetedza nokuchenjera. Bhuku reZvirevo rine mazano anokosha zvikuru okudzivisa kushandisa doro zvisiri izvo, okukudziridza manzwiro anobatsira pautano hwedu uye kukurira manzwiro anokanganisa utano, uye okuva mushandi anobishaira. (Zvirevo 6:6; 14:30; 20:1) Rinonyevera kuti kuvimba nemaonero evanhu akasiyana nemazano anopiwa naMwari kunoita kuti vanhu vapinde munjodzi. (Zvirevo 14:12) Rinotikurudzira kuti tichengetedze zvatiri nechomukati, mwoyo wedu, pazvinhu zvinosvibisa, richitiyeuchidza kuti “mauri [mwoyo] ndimo mune matsime oupenyu.”Zvirevo 4:23.

Mamiriyoni evanhu munyika yose akawana kuti kurarama maererano nemazano akadaro kunoita kuti vave noupenyu huri nani. Saka, vane zvikonzero zvakakwana zvokubvuma kuti Jehovha ndiye Mutongi wavo.

—Kubva mubhuku reZvirevo.