Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 9

VaIsraeri Vanokumbira Kuva naMambo

VaIsraeri Vanokumbira Kuva naMambo

Sauro, mambo wokutanga wevaIsraeri haateereri Jehovha. Anotsiviwa naDhavhidhi, uyo Mwari anoita sungano naye youmambo husingaperi

PASHURE pemazuva aSamsoni, Samueri akashumira somuprofita uye mutongi muna Israeri. VaIsraeri vakaramba vachimuudza kuti vaida kuita semamwe marudzi vova namambo aiva munhu. Kunyange zvazvo chikumbiro ichi chisina kufadza Jehovha, iye akarayira Samueri kuti aite zvavaikumbira. Mwari akasarudza Sauro, murume aizvininipisa kuti ave mambo. Zvisinei, nokufamba kwenguva, Mambo Sauro akatanga kuzvikudza uye kusateerera. Jehovha akamuramba pakuva mambo ndokuudza Samueri kuti agadze mumwe—jaya rainzi Dhavhidhi. Kunyange zvakadaro, zvakatora makore akawanda kuti Dhavhidhi azova mambo.

Zvimwe paakanga achiri kuyaruka, Dhavhidhi akashanyira vakoma vake vaiva muuto raSauro. Uto rose raitya murwi mumwe chete wevavengi, hofori yainzi Goriyati, yairamba ichivashora naMwari wavo. Ashatirwa, Dhavhidhi akabvuma kurwisana nehofori yacho. Richingova nechipfuramabwe nematombo mashomanana chete, jaya racho rakaenda kunosangana nemuvengi waro, akanga akareba anenge mamita matatu. Goriyati paakamunyomba, Dhavhidhi akapindura kuti akanga aine zvombo zvinopfuura zvehofori yacho, nokuti Dhavhidhi airwa muzita raJehovha Mwari! Dhavhidhi akauraya Goriyati nedombo rimwe chete achibva amudambura musoro achishandisa bakatwa rehofori yacho. Uto revaFiristiya rakatya rikatiza.

Pakutanga, Sauro akakangwa mate mukanwa noushingi hwaDhavhidhi achibva aita kuti jaya racho ritungamirire uto rake. Asi kubudirira kwaDhavhidhi kwakaita kuti Sauro abayiwe negodo. Dhavhidhi aifanira kutiza kuti asaurayiwa ndokunorarama somupoteri kwemakore. Zvisinei, Dhavhidhi akaramba akavimbika kuna mambo wacho akanga achiedza kumuuraya, achizvitorera pakuti Mambo Sauro akanga agadzwa naJehovha Mwari. Pakupedzisira, Sauro akazofira muhondo. Pasina nguva, Dhavhidhi akava mambo, sezvakanga zvavimbiswa naJehovha.

“Ndichasimbisa kwazvo chigaro choumambo hwake nokusingagumi.”2 Samueri 7:13

Samambo, Dhavhidhi aida zvikuru kuvakira Jehovha temberi. Asi, Jehovha akaudza Dhavhidhi kuti mumwe wevana vake ndiye aizoita izvozvo. Soromoni mwanakomana waDhavhidhi ndiye akazovaka temberi yacho. Zvisinei, Mwari akakomborera Dhavhidhi nokuita naye sungano inofadza: Dzinza rake raizobereka mhuri youmambo isina yayakafanana nayo. Pakupedzisira, raizobereka Mununuri, kana kuti Mwana, akavimbiswa muEdheni. Aizova Mesiya, kureva kuti “Muzodziwa,” akagadzwa naMwari. Jehovha akavimbisa kuti Mesiya aizova Mutongi wehurumende, kana kuti Umambo, hwaizotonga nokusingaperi.

Achiratidza kuonga zvikuru, Dhavhidhi akaunganidza zvinhu zvakawanda uye sirivha nendarama zvokuvakisa temberi yacho. Akanyorawo mapisarema akawanda akafuridzirwa. Ava pedyo nokufa, Dhavhidhi akazivisa kuti: “Mudzimu waJehovha ndiwo wakataura uchindishandisa, shoko rake raiva parurimi rwangu.”2 Samueri 23:2.

Kubva pana 1 Samueri; 2 Samueri; 1 Makoronike; Isaya 9:7; Mateu 21:9; Ruka 1:32; Johani 7:42.