Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?

Chii chinonyanya kutaurwa nezvacho muBhaibheri?

Nei Uchifanira Kuongorora Bhaibheri?

Ona zvimwe zvinhu zvinobatsira zvine chekuita neBhaibheri, bhuku rinofarirwa kupfuura mamwe ose.

CHIKAMU 1

Musiki Anopa Vanhu Paradhiso

Bhaibheri rinorondedzera sei kusikwa kwakaitwa vanhu? Mwari akapa vanhu vaviri vokutanga mirayiro ipi?

CHIKAMU 2

Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso

Paakapa Adhamu naEvha mutongo wavo, Mwari akapa chikonzero chipi chokuva netariro?

CHIKAMU 3

Vanhu Vanopukunyuka Mafashamo

Uipi hwakapararira sei panyika? Noa akaratidza sei kuti aiva murume akatendeka?

CHIKAMU 4

Mwari Anoita Sungano naAbrahamu

Nei Abrahamu akatamira kuKenani? Jehovha akaita sungano ipi naAbrahamu?

CHIKAMU 5

Mwari Anokomborera Abrahamu Nemhuri Yake

Jehovha akazivisei paakakumbira kuti Abrahamu abayire mwanakomana wake Isaka? Jakobho akaprofitei asati afa?

CHIKAMU 6

Jobho Anoramba Akaperera

Bhuku raJobho rinoratidza sei kuti vanhu vanogona kubatsira pakureverera uchangamire hwaMwari?

CHIKAMU 7

Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri

Mwari akashandisa sei Mosesi pakusunungura vaIsraeri pauranda muIjipiti? Nei vaIsraeri vaiita Paseka?

CHIKAMU 8

VaIsraeri Vanopinda muKenani

VaIsraeri pavakapinda muKenani, nei Jehovha akasiya Rakabhi neveimba yake vari vapenyu muJeriko?

CHIKAMU 9

VaIsraeri Vanokumbira Kuva naMambo

VaIsraeri pavakakumbira kuva namambo Jehovha akasarudza Sauro. Nei Jehovha akatsiva Mambo Sauro naDhavhidhi?

CHIKAMU 10

Soromoni Anotonga Nouchenjeri

Ndeipi mimwe mienzaniso inoratidza uchenjeri hwaSoromoni? Soromoni paakasiya nzira dzaJehovha zvakaguma nei?

CHIKAMU 11

Nziyo Dzakafuridzirwa Dzinonyaradza Uye Dzinodzidzisa

Mapisarema api anoratidza kubatsira uye kunyaradza kunoita Mwari vaya vanomuda? Mambo akaratidzei muRwiyo rwaSoromoni?

CHIKAMU 12

Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari Hunopa Upenyu

Ona kuti mazano akafuridzirwa ari mubhuku raZvirevo neraMuparidzi anogona sei kutibatsira uye kutipa tariro.

CHIKAMU 13

Madzimambo Akanaka Neakaipa

Israeri yakazokamukana sei kuva umambo huviri?

CHIKAMU 14

Mwari Anotaura Achishandisa Vaprofita Vake

Vaprofita vaMwari vakazivisa mashoko akaita sei? Ona nyaya ina dzavakataura nezvadzo.

CHIKAMU 15

Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu

Dhanieri akaziva chii nezvaMesiya uye Umambo hwaMwari?

CHIKAMU 16

Mesiya Anosvika

Jehovha akashandisa sei ngirozi uye Johani Mubhabhatidzi kuzivisa kuti Jesu ndiye Mesiya? Jehovha akazivisa sei zvakajeka kuti Mwanakomana wake ndiye Mesiya?

CHIKAMU 17

Jesu Anodzidzisa Pamusoro poUmambo hwaMwari

Nderipi raiva dingindira rezvaiparidzwa naJesu? Akaratidza sei kuti aizotonga nerudo uye achiruramisira?

CHIKAMU 18

Jesu Anoita Zvishamiso

Zvishamiso zvaJesu zvinoratidzei nezvesimba rake uye kutonga kwaachaita nyika?

CHIKAMU 19

Jesu Anotaura Uprofita Hune Chokuita Nenyika Yose

Chiratidzo chakapiwa vaapostora naJesu chinorevei?

CHIKAMU 20

Jesu Kristu Anourayiwa

Chiitiko chipi chitsva chakatangwa naJesu asati atengeswa ndokurovererwa padanda?

CHIKAMU 21

Jesu Mupenyu!

Vadzidzi vaJesu vakaziva sei kuti Mwari akanga amumutsa?

CHIKAMU 22

Vaapostora Vanoparidza Vasingatyi

Chii chakaitika paMutambo wePendekosti? Vavengi vakaita sei pavakaona vadzidzi vaJesu vachiparidza?

CHIKAMU 23

Mashoko Akanaka Anopararira

Chii chakaitika Pauro paakaporesa mumwe murume muRistra? Zvakafamba sei kuti Pauro azopedzisira ava kuRoma?

CHIKAMU 24

Pauro Anonyorera Ungano

Pauro akapa mirayiridzo ipi nezvekurongwa kunofanira kuitwa ungano? Akatii nezvembeu yakapikirwa?

CHIKAMU 25

Mazano Pamusoro Pokutenda, Mufambiro Uye Rudo

MuKristu angaratidza sei kutenda? Munhu angaratidza sei kuti anoda Mwari zvechokwadi?

CHIKAMU 26

Nyika Inova Paradhiso!

Bhuku raZvakazarurwa rinogumisa sei mashoko eBhaibheri?

Zvinotaurwa neBhaibheri—Pfupiso

Jehovha akazivisa sei zvishoma nezvishoma kuti Jesu aizova Mesiya, uyo achaita kuti paradhiso ivepo zvakare panyika?

Misi Nemakore Ezviri muBhaibheri

Ona misi nemakore zvenhoroondo dziri muBhaibheri, kubva muna 4026 B.C.E. kusvikira munenge muna 100 C.E.