Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kungwarira Pamatauriro Aunoita?

Nei Uchifanira Kungwarira Pamatauriro Aunoita?

Zvinotaura Bhaibheri

Nei Uchifanira Kungwarira Pamatauriro Aunoita?

Rimwe zuva mumwe mutungamiriri wehurumende pashure pokunge apedza kutaura zvakanaka-naka nomumwe muchembere, akataura mashoko akakatyamadza vanhu. Akati chembere iyi yakaoma musoro achibva atuka vaanoshanda navo kuti vanga vasingafaniri kurega chembere iyi ichiuya pedyo naye. Akaita izvi asingazivi kuti maikorofoni yanga isati yadzimwa. Izvi zvakabva zvakanganisa mukurumbira wake zvikaita kuti aruze pasarudzo dzomutungamiriri wehurumende dzakazoitwa pashure pemazuva masere.

HAPANA munhu anonyatsokwanisa kudzora rurimi rwake. (Jakobho 3:2) Asi kubva pane zvataurwa pamusoro apa, munhu haafaniri kungorutsa mashoko. Zvaunotaura uye matauriro aunozviita ndizvo zvichatema kuti mukurumbira wako, basa rako uye ukama hwako nevamwe zvichamira sei.

Asi unoziva here kuti zvaunotaura zvinewo zvimwe zvazvinoratidza? Bhaibheri rinotsanangura kuti zvaunotaura zvinoratidza zvauri nechomukati. Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mateu 12:34) Sezvo zvaunotaura zvichiratidza zvauri chaizvo, zvinokosha kuti unyatsoongorora matauriro ako. Kuti Bhaibheri ringakubatsira here? Tarisa uone mazano anotevera.

Zvaungaita Kuti Unatsiridze Matauriro Ako

Zvaunenge uchifunga ndizvo zvaunotaura. Kuti unatsiridze matauriro ako, unofanira kugadzirisa mafungiro ako. Ona kuti kushandisa zvinotaurwa neShoko raMwari kungakubatsira sei kuti ugadzirise mafungiro ako izvo zvinozoita kuti utaure zvakanaka.

Zadza mwoyo wako nezvinhu zvakanaka. Bhaibheri rinorondedzera zvinhu izvi richiti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.”VaFiripi 4:8.

Kutevedzera zano iroro rakanaka kuchaita kuti udzingire kure pfungwa dzakaipa. Yeuka kuti zvaunoona nezvaunoverenga ndizvo zvinonyanya kuumba mafungiro ako. Saka kuti usafunga zvinhu zvakaipa kana kuti zvisina kuchena, rega kuverenga kana kuti kuona zvinhu zvakashata. Saka usavaraidzwa nezvinhu zvinonyadzisa kana kuti kuona vanhu vachirwa. (Pisarema 11:5; VaEfeso 5:3, 4) Asi, gara uchifunga zvinhu zvakachena uye zvinovaka. Bhaibheri rinogona kukubatsira kuzviita. Somuenzaniso, verenga Zvirevo 4:20-27; VaEfeso 4:20-32 uye Jakobho 3:2-12. Ona kuti kuita zvinotaurwa nemagwaro aya kungakubatsira sei kunatsiridza matauriro ako. *

Nyatsosefa mashoko ako. Zvirevo 12:18 inoti: “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa, asi rurimi rwevakachenjera runoporesa.” Kana uchiona kuti unogara ‘uchibaya’ vamwe kana kuti kugumbura vamwe nezvaunotaura, unofanira kushanda nesimba kuti utange wafunga wozotaura. Teerera zano rakanaka chaizvo riri pana Zvirevo 15:28 iyo inoti: “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure, asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.”

Edza kuita izvi. Mumwedzi unotevera, edza kuti usataura zvangotanga kuuya mumusoro wako kunyanya paunenge wagumburiswa. Asi fungisisa magwaro ari munyaya ino wochenjerera matauriro ako uchizviita nerudo uye wakadzikama. (Zvirevo 15:1-4, 23) Asi hazvigumiri ipapo.

Nyengetera kuti Mwari akubatsire. Mumwe munyori weBhaibheri akanyengetera achiti: “Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha.” (Pisarema 19:14) Udza Jehovha Mwari nezvechido chako chokutaura zvinoita kuti umufadze uye vamwe vafare kana vanewe. Zvirevo 18:20, 21 inoti: “Taura mashoko akanaka uye uchafara. Mashoko anogona kuurayisa kana kuraramisa!”​—Contemporary English Version.

Shandisa Shoko raMwari segirazi. Bhaibheri rakafanana negirazi raunogona kushandisa kuti unyatsozviongorora. (Jakobho 1:23-25) Somuenzaniso sezvaunofungisisa zvinotaurwa nemagwaro matatu anotevera, zvibvunze kuti, ‘Matauriro angu uye mazivikanirwo andinoitwa akamira sei?’

“Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Unotaura nounyoro uye usingapopoti here?

“Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.” (VaEfeso 4:29) Mashoko ako anovaka vanhu vaunenge unavo here?

“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Zvinhu pazvinenge zvakaoma, unoedza kutaura nenyasha here kuitira kuti vari kuteerera vanzwe vakasununguka?

Kana ukagadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka paunotarisa mugirazi, vanhu vachakuyemura uye iwe pachako uchanzwa kuti uri kugona. Ndizvo zvazvinoitawo kana ukanatsiridza matauriro ako nokutarisa mugirazi reShoko raMwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Unogona kuverenga Bhaibheri paIndaneti pawww.watchtower.org.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Matauriro ako anoratidzei?Ruka 6:45.

● Unofanira kutaura nevamwe sei?—VaEfeso 4:29; VaKorose 4:6.

● Zvinhu zvipi zvaungaita kuti unatsiridze matauriro ako?—Pisarema 19:14; VaFiripi 4:8.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Zvatinotaura ndizvo zvichatema kuti mukurumbira uye ukama hwedu nevamwe zvichamira sei