Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?

Kushamwaridzana Kwacho Kwanyanya Here?

DAMBUDZIKO

Pane shamwari yako yechirume inoratidza kuti inonyatsokunzwisisa. Muri vaviri munogona kutaura chero nyaya uye munoita zvinhu zvenyu mose. Unozviudza kuti ‘Tingori shamwari,’ asi murume wako akanzwa kana kuti akabatikidza zvamunenge muchitaura anogona kufunga kuti pane zviri kuitika.

Ukaona zvadaro ziva kuti ushamwari hwenyu hwapfurikidza mwero uye unofanira kutogadzirisa dambudziko iroro. Chokutanga funga kuti, chii chakaita kuti muwirirane kudaro neshamwari yako iyoyo. *

CHINOZVIKONZERA

Kusaitirwa zvaunoda. Zvagara zviri matiri kuti kuwirirana kwemunhurume nemunhukadzi kunonakidza. Zvinonakidza kuziva kuti tinokosheswa uye zvinoita kuti tinzwe kuti tinodiwa. Pashure pekanguva waroorwa unogona kutanga kunakidzwa nokushamwaridzana nomurume asiri wako. Asi ziva izvi: Kunakidzwa nokuva nomurume asiri wako kune ngozi. Paunotanga kufarira mumwe murume, rudo rwako kumurume wako rwunoderera. Kutaura zvazviri, unenge usingachapi murume wako rudo rwaaifanira kuwana.

• Zvibvunze kuti, ‘Zvii zviri kuita kuti ndinakidzwe noushamwari uhwu zvandaifanira kuwana kubva kune murume wangu?’

Kusakosheswa. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vacharoora kana kuroorwa vachava “nedambudziko.” (1 VaKorinde 7:28) Somuenzaniso, unogona kunzwa sokuti murume wako haakudi kana kuti haakukoshesi kana kuti une chigumbu nezvenyaya yamusina kugadzirisa. Zvimwe murume wako haadi kutaura nezvenyaya dzacho, zvoita kuti unetseke uye unzwe uchida mumwe munhu anokuteerera. Vamwe vanoongorora nyaya dzemba vanoti kusada kukurukura nyaya dzakakura dzinenge dzamuka mumba chiratidzo chokuti imba yacho haisi kuzofara uye inogona kuparara.

• Zvibvunze kuti, ‘Pane nyaya isina kugadziriswa mumba medu yakaita kuti ndinzwe ndichida kutsvaka mumwe munhu wokushamwaridzana naye here?’

ZVAUNGAITA

Ziva zvazvakaipira. Bhaibheri rinoti: “Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguo dzake dzikasatsva here?” (Zvirevo 6:27, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Nyaya iripo ndeyokuti kunzwa uchida mumwe munhu wausina kuroorana naye kune ngozi. (Jakobho 1:14, 15) Nyaya yacho haisi yokuti kuwirirana uku kungazoguma nei. Funga kuti zvinhu zvipi zvakatokanganisika nokuwirirana kwacho. Kupa kwauri kuita nguva yako kumunhu wausina kuroorana naye uri kutobira murume wako nguva yawanga uchifanira kunge uinaye.

Usazvinyengera. Kuwirirana uku kunogona kuita kuti utange kuona sokuti upenyu hwenyu dai huchinakidza chaizvo dai wakaroorana nemunhu iyeye. Kuita izvozvo hakuna kunaka nokuti uri kuenzanisa zvinogonekwa neshamwari yako nezvinhu zvinotadzwa nemurume wako! Yeukawo kuti kakufara kauri kuita ukafunga shamwari yako, ndiko kakufara kawaiva nako mazuva okutanga nemurume wako.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jeremiya 17:9.

Isa miganhu. Vanhu vanoisa maaramu kuti vasabirwa motokari uye zvinhu mudzimba dzavo. Itawo izvozvo pawanano yenyu. “Chengetedza mwoyo wako,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 4:23) Ungazviita sei? Edza kuita zvinotevera:

  • Ita zvinhu zvinoratidza kuti unoda murume wako zvimwe nokugara nepikicha yake kubasa kwako.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Genesisi 2:24.

  • Gara waziva zvokuita uye zvausingafaniri kuita nemunhu wausina kuroorana naye. Somuenzaniso, hazvina kunaka kuti utaure nemunhu iyeye nezvematambudziko amuri kuita nemurume wako kana kuenda naye kuresitorendi.

  • Kana uchishamwaridzana nemunhu asiri wawakaroorana naye uye ushamwari hwacho hwapfurikidza, gurai ushamwari hwacho. Kana uchiona zvichikuomera, zvibvunze kuti nemhaka yei. Usatsvaka tuzvikonzero twokuti urambe uchishamwaridzana naye, ratidza kuti unoda murume wako, uye tora matanho okudzivirira imba yenyu.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 5:18, 19.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo nyaya ino yakanangana nemadzimai, mazano arimo anoshanda kunyange kuvarume.