Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvaungaita Kuti Ukanganwire Mumwe Wako

Zvaungaita Kuti Ukanganwire Mumwe Wako

DAMBUDZIKO

Iwe newawakaroorana naye pamunotanga kuitisana nharo, kakawanda kacho munotanga kufukunyura nyaya dzakaitika kare dzaifanira kunge dzakagadziriswa. Dambudziko riri papi? Iwe kana mumwe wako kana kuti mose hamuzivi kuti kukanganwira kunyatsoita sei.

Unogona kudzidzira kukanganwira. Asi chokutanga chaunofanira kuziva ndechokuti, sei zvakaomera varume nevakadzi kuregererana.

CHINOZVIKONZERA

Kuda kudzvanyirira mumwe. Vamwe varume nevakadzi havadi kuregerera nokuti vanenge vachida kudzvanyirira mumwe. Saka, pakaita kusanzwisisana vanobva vafukunyura nyaya dzakaitika kare, kuitira kuti mumwe wavo aonekwe saiye anongokanganisa.

Chigumbu. Zvinotora nguva yakareba kuti kurwadziswa kwawakaitwa kukurumidze kupera. Mumwe wako anogona kuti ‘Ndakuregerera’ asi nechomumwoyo anoramba ane chigumbu, dzimwe nguva achitotsvaka mukana wokutsiva.

Kuodzwa mwoyo. Vamwe vanhu vanoroorana vachifunga kuti upenyu hwemba ndehwekufara nguva dzose pasina kutosvorana. Saka pavanotadza kunzwisisana, vanoomesa gotsi vasingadi kuchinja mafungiro avo. Vanenge vachitoshamisika kuti sei munhu wavaifunga kuti ndiye chaiye aine mafungiro akasiyana kudaro. Kutarisira kuti munhu abve aita zvakanaka nguva dzose kunoita kuti munhu apedzisire ava kungotsvaka zvinotadzwa nemumwe uye asada kukanganwira.

Kusanzwisisa. Varume nevakadzi vakawanda havadi kukanganwirana nokuti havanyatsonzwisisa kuti kukanganwira kuita sei. Vamwe vanofunga kuti:

Ndikamuregerera, anozoona sokuti haana chaakanganisa.

Ndikamuregerera, ndinofanira kubva ndatokanganwa nezvenyaya yacho.

Ndikamuregerera, mangwana achazvidzokorora zvekare.

Kutaura chokwadi, zvataurwa pamusoro apa hazvisi izvo zvinoitika pose paunokanganwira munhu. Asi kunyange zvakadaro, kuregererana hakusi nyore kunyanya pakati pemurume nomudzimai.

ZVAMUNGAITA

Zivai kuti kukanganwira kunosanganisirei. MuBhaibheri pane dzimwe nguva shoko rokuti “kanganwira” rinoreva kuti “siyana nazvo.” Saka kukanganwira hakurevi kuti nguva dzose unofanira kubva wakanganwa kuti pane nyaya yakaitika kana kuiona sekanyaya kaduku. Dzimwe nguva unofanira kungosiyana nenyaya yacho kuitira utano hwako uye imba yako.

Zivai zvakaipira kusakanganwira. Vamwe vanoongorora nyaya dzemba vanoti, kugara uine chigumbu kunogona kuita kuti usatana kubatwa nezvirwere zvinosanganisira kusuwa zvakanyanya (depression) uye bp inogara yakakwira uye kuparara kwemba chaiko. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”—VaEfeso 4:32.

Zivai zvakanakira kukanganwira. Kuva vanhu vanokanganwirana mumba menyu kunoita kuti iwe nomumwe wako musafungirana zvinhu zvakaipa uye hauzoti mumwe wako akakanganisa wobva wazvichengeta mumwoyo. Kuita izvi kuchabatsira kuti musachengeta zvigumbu uye rudo rwenyu rucharamba ruchikura.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 3:13.

Onai zvinhu sezvazviri. Zviri nyore kuti uregerere mumwe wako kana ukaziva kuti iyewo munhu anokanganisa pane zvimwe zvinhu. “Kana ukaramba wakangoti nangananga nezvinhu zvausiri kuwana zviri nyore kuti utadze kuona zvauinazvo,” rinodaro bhuku rinonzi Fighting for Your Marriage. Yeuka kuti hapana munhu asingatadzi kusanganisira newe.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jakobho 3:2.

Ivai vanhu vanonzwisisa. Nguva inotevera kana mumwe wako akataura kana kuita chinhu chinokugumbura, zvibvunze kuti: ‘Asi nyaya iyi inyaya yakakura here? Ndingatoda kuti andikumbire ruregerero here kana kuti ndinogona kungosiyana nazvo toenderera mberi noupenyu?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 Petro 4:8.

Kana zvakakodzera, kurukurai nyaya yacho. Taura wakadzikama chakugumbura uye kuti nei usina kufara nazvo. Usati zvawataura ndizvozvo hazvichinji kana kufungira mumwe wako zvakaipa nokuti izvozvo zvinozoita kuti mumwe wako avhike. Ingotaura zvinhu zvaitwa nomumwe wako zvausina kufarira.