Enda pane zvauri kuda

Kukurukura

Ivai Nenguva Yakawanda Muri Pamwe Chete

Murume nemudzimai vanogona kutadza kunyatsokurukura kunyange pavanenge vari vese. Vangaitei kuti vashandise nguva yavo zvakanaka pavanenge vari vese?

Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?

Mafoni anogona kubatsira kana kuti kukanganisa wanano. Zvakamira sei muwanano yenyu?

Zvamungaita Pakukurukura Matambudziko

Maitiro evanhurume nevanhukadzi pakukurukura anosiyana. Kuziva izvi kunogona kukubatsira kuti usakurumidza kugumbuka.

Nyatsoteerera Mumwe Wako

Kudzokorora zvataurwa kuratidza kuti wazvinzwa, hunotova unyanzvi asi chinokosha zvinoratidza kuti une rudo. Ona kuti ungavandudza sei kuteerera kwaunoita.

Zvamungaita Kuti Muwirirane

Zvinhu 4 zvinogona kukubatsira kuti iwe newawakaroorana naye musakakavadzana asi mutaurirane murugare.

Musanyararirana Kana Magumburana

Chii chinoita kuti vamwe vakaroorana vasvike pakusataudzana, uye vangagadzirisa sei dambudziko iroro?

Zvaungaita Kuti Udzore Hasha

Hasha dzinogona kukanganisa utano hwako, uye kunyepedzera kuita seusina kugumbuka kunokuvadzawo. Saka ungaitei kana mumwe wako akakugumbura?

Zvamungaita Kuti Musapopotedzana

Iwe nemumwe wako munogara muchipopotedzana here? Onai kuti mazano eBhaibheri angakubatsirai sei mumba menyu.

Zvaungaita Kuti Usataura Mashoko Anorwadza

Zvii zvamungaita kana imba yenyu yava kukanganiswa nekukandana kwamunoita mashoko anorwadza?

Zvaungaita Kuti Ukanganwire

Sei zvisiri nyore kukanganwira? Ona kuti Bhaibheri ringabatsira sei.

Kudyidzana Kwamungaita Nevamwe Kana Muri Mumhuri Yokurera

Mazano eBhaibheri angabatsira sei vabereki vokurera kuti vadyidzane neshamwari, hama kunyangewo newavakanga vakaroorana naye?