Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?

Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?

 Mafoni anogona kubatsira kana kuti kukanganisa wanano. Zvakamira sei muwanano yenyu?

 Zvaunofanira kuziva

  •   Kana foni ikashandiswa zvakanaka zvinogona kubatsira muwanano. Semuenzaniso vamwe varume nemadzimai vanoashandisa kuti vagare vachitaura vese pavanenge vasiri pamwe chete.

     “Meseji yekungoti, ‘Ndinokuda’ kana kuti ‘Ndiri kukufunga’ inogona kureva zvakawanda.”—Jonathan.

  •   Kana foni ikasashandiswa zvakanaka zvinogona kukanganisa wanano. Semuenzaniso, vamwe vanongogara vari pafoni, izvo zvinoita kuti vashaye nguva newavakaroorana naye.

     “Ndinofunga kuti pamwe pacho murume wangu anotadza kutaura neni nekuti ndinenge ndiri pafoni.”—Julissa.

  •   Vamwe vanofunga kuti vanogona kutaura newavakaroorana naye, uku vari pafoni. Sherry Turkle, uyo anoongorora magariro evanhu akati izvozvo “zvinobva pamafungiro ekuti munhu anogona kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete.” Vamwe vanofunga kuti kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete chinhu chinodadisa asi hachisi. Anoti, “kana tikaedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete chimwe chacho hachibudi zvakanaka.” a

     “Ndinofarira kutaura nemurume wangu, asi kwete paanenge achiita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Zvinobva zvaita sekuti haana kana basa neni.”—Sarah.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Mashandisiro aunoita foni anogona kubatsira kana kuparadza wanano yenyu.

 Zvaunogona kuita

 Ziva zvinhu zvinokosha. Bhaibheri rinoti: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaFiripi 1:10) Zvibvunze kuti, ‘Foni haisi kutitorera nguva yatiri kufanira kupedza tiri pamwe chete here?’

 “Zvinosuwisa kuona murume nemudzimai vakangoti maziso udyu pamafoni, apa vaenda kumbonodyira dyira paresitorendi. Hatifaniri kuitwa varanda vemafoni zvekuti tinobva takanganwa kuti wanano yedu ndiyo inonyanya kukosha.”—Matthew.

 Ziva pekugumira. Bhaibheri rinoti: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.” (VaEfeso 5:15, 16) Zvibvunze kuti, ‘Pane kuti ndingotarisa meseji yese yese inenge yangopinda, ndinokwanisa here kusarudza nguva yakakodzera yekuzopindura mameseji acho?’

 “Ndakaona zvichibatsira kudzima vhoriyumu yefoni yangu kuitira kuti ndizopindura mameseji anenge apinda pane imwe nguva yakakodzera. Kashoma kuti papinde meseji kana kuti email inenge ichida kukurumidzirwa.”—Jonathan.

 Kana zvichikwanisika, basa ngariperere kubasa. Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.” (Muparidzi 3:1) Zvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Foni yangu iri kuita kuti ndipedzisire ndava kuita zvinhu zvebasa ndiri kumba here? Kana zvakadaro, haisi kukanganisa wanano yangu here? Mumwe wangu anotii nazvo?’

 “Mafoni anoita kuti tikwanise kushanda nguva dzese. Ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndisarambe ndichitarisa foni yangu uye kutarisa zvinhu zvine chekuita nebasa kana ndiine mudzimai wangu.”—Matthew.

 Taura newawakaroorana naye nezvemashandisiro amunoita mafoni. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.” (1 VaKorinde 10:24) Tauriranai kuti mumwe nemumwe wenyu anoshandisa sei foni yake uye motaura kuti zvii zvinoda kugadziriswa kana zviripo. Unogona kushandisa chikamu chakanzi zvamungakurukura nezvazvo chiri munyaya ino kuti muwane pekutangira.

 “Ini nemurume wangu tinonyatsobudirana pachena, uye tinoudzana kana paine ava kunyanya kushandisa foni. Tinoziva kuti izvi zvinogona kukonzera dambudziko, saka tinokoshesa zvinenge zvataurwa nemumwe.”—Danielle.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Iva nechokwadi chekuti hauitwe muranda wefoni.

a Kubva mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation—The Power of Talk in a Digital Age.