Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?

Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?

NYAYA yekuroorana kwengochani ichiri kunetsa munyika dzakawanda. Asi muna 2015, Dare Repamusoro-soro rekuUnited States rakadzika mutemo wekuti ngochani dzasununguka kuroorana munyika iyoyo. Kubvira ipapo, kune vanhu vakawanda vakaverenga nezvenyaya iyi paIndaneti. Mubvunzo wainyanya kubvunzwa ndewekuti, “Bhaibheri rinoti kudii nezvekuroorana kwengochani?”

Bhaibheri haritauri haro zvakajeka nezvekodzero dzevanhu panyaya dzokuroorana kwengochani. Asi mubvunzo unokosha ndewekuti, Bhaibheri rinoti kudii nezveungochani?

Vanhu havanyatsotarisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi, zvekuti vakawanda vanofunga kuti vanoziva mhinduro yacho, asi zvavanotaura zvinopikisana. Vamwe vanoti Bhaibheri rinovenga chingochani. Vamwewo vanoti mutemo uri muBhaibheri wekuti “ida muvakidzani wako” unoratidza kuti munhu wese akasununguka kusarudza zvaanoda panyaya iyi.VaRoma 13:9.

BHAIBHERI RINOTI KUDII?

Unofunga kuti chokwadi ndechipi pane zviri pasi apa?

  1. Bhaibheri rinorambidza chingochani.

  2. Bhaibheri harirambidzi chingochani.

  3. Bhaibheri rinokurudzira vanhu kuvenga ngochani.

MHINDURO:

  1. ICHOKWADI. Bhaibheri rinoti: “Varume vanorara nevarume, . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Mashoko aya anoshandawo kuvanhukadzi.VaRoma 1:26.

  2. INHEMA. Bhaibheri rinoti murume nemukadzi vakaroorana chete ndivo vanobvumirwa kuita bonde.Genesisi 1:27, 28; Zvirevo 5:18, 19.

  3. INHEMA. Kunyange zvazvo Bhaibheri richirambidza chingochani, haritikurudziri kuvenga kana kuitira utsinye ngochani.VaRoma 12:18. [1]

Zvapupu zvaJehovha Zvinotiwo Kudii?

Zvapupu zvaJehovha zvinoti Bhaibheri ndiro rinokwanisa kutitungamirira muupenyu uye zvinoteerera zvarinotaura. (Isaya 48:17) [2] Izvi zvinoreva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumiri mararamiro ekusazvibata, kusanganisira zveungochani. (1 VaKorinde 6:18) [3] Saka Zvapupu zvinotevedzera zviri muBhaibheri muupenyu.

Zvapupu zvaJehovha zvinobata vamwe semabatirwo azvinodawo kuitwa

Asiwo Zvapupu zvaJehovha zvinoedza ‘kuva nerugare nevanhu vose.’ (VaHebheru 12:14) Kunyange zvazvo vasingabvumiri zvechingochani, havamanikidzi vamwe kuti vave nemafungiro seavo, uye havaitiri ngochani utsinye kana kuti kufara padzinoitirwa zvinhu zvakaipa. Zvapupu zvaJehovha zvinobata vamwe semabatirwo azvinodawo kuitwa.Mateu 7:12.

Bhaibheri Rinokurudzira Kuvenga Vamwe Here?

Vamwe vanogona kuti Bhaibheri rinokurudzira kuvenga ngochani uye kuti vanhu vanotevedzera zvarinotaura vakaoma musoro. Vanoti, ‘Panguva yakanyorwa Bhaibheri vanhu vakanga vasingadi kunzwawo mafungiro evamwe. Mazuva ano tinoda vanhu vese pasinei nekuti vanobva kupi, ndevedzinza ripi uye kuti ingochani here kana kuti havasi.’ Kwavari, kuvenga zveungochani kwakafanana nekuvenga vanhu verumwe rudzi. Zvavari kutaura zvine musoro here? Hazvina. Sei tichidaro?

Nekuti kuvenga chingochani uye kuvenga ngochani dzacho zvinhu zviviri zvakatosiyana. Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti varemekedze vanhu vese. (1 Petro 2:17) [4] Asi hazvirevi kuti vaKristu vanofanira kungobvuma zvese zvese zvinoitwa nevanhu.

Funga nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii unoona kusvuta fodya sekunokuvadza uye kunosemesa asi kubasa unoshanda nemunhu anosvuta. Unganzi here wakaoma musoro nemhaka yekuti iwe hausvuti? Zvingabva zvatonzi unomuvenga here? Kana waunoshanda naye akakumanikidza kuti uchinje mafungiro aunoita, handizvo here kuti iye wacho ndiye anenge ava kuita kuti uite zvaanoda?

Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Havabvumi kuita zvinhu zvinorambidzwa neBhaibheri. Asi havashori kana kuitira utsinye vanhu vanoita zvakasiyana nezvavanoita.

Bhaibheri Rinoomesera Vanhu Here?

Kune vanhu vanonzwa vachida kuita zvechingochani. Vakazvarwa vakadaro here? Kana vakazvarwa vakadaro, hausi utsinye here kuvati zvavanoita zvakaipa?

Kunyange zvazvo Bhaibheri richiti kune vamwe vanhu vane maitiro akadzika midzi, harina zvarinotaura nezvekuti munhu anogona kuberekwa achida zvechingochani. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti kana tichida kufadza Mwari pane zvimwe zvinhu zvatisingafaniri kuita kusanganisira chingochani.2 VaKorinde 10:4, 5.

Vamwe vanogona kuti zvinotaurwa neBhaibheri utsinye. Vanoti munhu anofanira kuita zvinoda mwoyo wake uye kuti zvido zvedu panyaya dzebonde zvinokosha uye hazvidzoreki. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti takasiyana nemhuka pakuti tinogona kuzvidzora. Mhuka hadzikwanisi kuzvidzora.VaKorose 3:5. [5]

Funga nezvemuenzaniso uyu: Vamwe vanoongorora vanoti munhu anogona kuzvarwa aine unhu hwakadai sehasha. Bhaibheri harina zvarinotaura panyaya iyoyo, asi rinoti vamwe vanhu ‘havatani kutsamwa’ uye ‘vane hasha.’ (Zvirevo 22:24; 29:22) Kunyange zvakadaro rinotiwo: “Rega kutsamwa, usiye hasha.”Pisarema 37:8; VaEfeso 4:31.

Vanhu vakawanda vanobvumirana nezano iri reBhaibheri uye vanoti hakusi kuomesera vanhu vasingatani kutsamwa. Kunyange vamwe vaongorori vachitaura kuti munhu anogona kuzvarwa aine hasha, vanotoshanda nesimba kuti vabatsire vanhu vakadaro kuti vadzore hasha dzavo.

Ndizvo zvinoitwawo neZvapupu zvaJehovha pamaitiro ose anopesana neBhaibheri, akadai sekuita bonde kwemunhurume nemunhukadzi vasina kuroorana. Vanoshandisa zano reBhaibheri rinoti: ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva.’1 VaTesaronika 4:4, 5.

“Vamwe Venyu Ndizvo Zvamakanga Makaita”

Vanhu vaida kutendeuka panguva yakatanga chiKristu vaibva kwakasiyana-siyana uye mararamiro avo ainge akatosiyana. Vane zvinhu zvavaitofanira kuchinja muupenyu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura ‘nezvevanonamata zvidhori, zvifeve, mhombwe, varume vanorara nevarume,’ asi rinobva rati: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.”1 VaKorinde 6:9-11.

Bhaibheri parinoti “vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita,” zvinoreva here kuti vaya vakarega zvechingochani havana kuzova nechido ichocho zvekare? Aiwa, nekuti Bhaibheri rinotikurudzirawo kuti: “Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.”VaGaratiya 5:16.

Bhaibheri hariti muKristu haazombovi nechido chisina kunaka. Asi rinoti achasarudza kurega kuita zvido zvakaipa. VaKristu vanodzidzira kuti vazvidzore, vorega kuramba vachifunga nezvazvo kuti vasazozviita.Jakobho 1:14, 15. [6]

Bhaibheri rinoratidza kuti kunzwa kuda kuita chimwe chinhu kwakasiyana nokuchiita. (VaRoma 7:16-25) Munhu anonzwa achida zvechingochani anogona kuzvidzora kuti asanyanya kufunga nezvazvo kungofanana nezvaaizoita kana akanzwa achida kuita hasha, upombwe kana kuchiva.1 VaKorinde 9:27; 2 Petro 2:14, 15.

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi, havamanikidzi vamwe kuti vabvume maonero avo. Uye vanoremekedza kodzero dzinodzivirira vanhu vane mararamiro akasiyana neavo. Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira kuparidza mashoko akanaka kune vose vanoda kuteerera.Mabasa 20:20.

^ 1. VaRoma 12:18: “Ivai norugare nevanhu vose.”

^ 2. Isaya 48:17: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.”

^ 3. 1 VaKorinde 6:18: “Tizai ufeve!”

^ 4. 1 Petro 2:17: “Kudzai vanhu vemarudzi ose.”

^ 5. VaKorose 3:5: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu.”

^ 6. Jakobho 1:14, 15: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”