Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Upenyu Hwenyenze

Upenyu Hwenyenze

NYENZE, tupembenene twakaita semhashu uye dzinowanikwa munyika dzakawanda, kunze kwenzvimbo dzine chando chakanyanya dziri kuAntarctica. Asi pane dzimwe nyenze dzinowanikwa kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAmerica, uye masayendisiti ava nenguva achishamiswa nezvadzinoita.

Funga izvi: Nyenze idzi dzinobuda kwemavhiki mashoma munguva yekupisa, mvura yava kuda kunaya. Panguva shoma iyoyo ndipo padzinenge dzichibvunura, dzichirira zvekuvhara nzeve, dzichibhururuka, dzichiberekana, uye dzozofa. Zvinoshamisa ndezvekuti, vana vadzo vanozooneka papera makore 13 kana kuti 17 zvichienderana nemhando yenyenze dzacho. Saka makore ose aya dzinenge dziripi?

Kuti tipindure mubvunzo uyu, tinofanira kutanga taziva kuti dzinorarama sei. Pashure perinenge vhiki dzabuda, nyenze hadzi imwe neimwe inobva yakandira mazai 400 kusvika ku600 mumiti. Kana dzapedza dzinobva dzatofa. Mumavhiki anotevera, mazai acho anobva achochonywa uye tuvana twacho twodonhera pasi twopinda muvhu twotanga kura- rama turi pasi pevhu. Tunoita makore tuchisveta mvura inenge iri mumidzi yemiti. Kana makore 13 kana kuti 17 apera dzinobva dzabuda panze uye ndidzo dzinenge dzava hombe dzacho.

Imwe magazini inonzi Nature, yakati ‘masayendisiti ava nemakore akawanda achitadza kunzwisisa kuti nyenze idzi dzinombozviita sei. Nanhasi vachiri kuedza kutsvaka kuti zvakambotanga sei kuti dzirarame saizvozvo.’ Pachitariswa mararamiro anoita dzimwe mhuka nezvimwe zvipembenene, mararamiro enyenze anoshamisa.

Unofungei? Nyenze dzakangoerekana dzavapo here kana kuti pane akadzisika?