Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Kuti Mwari Anokuda Kunogona Kukubatsira

Kuziva Kuti Mwari Anokuda Kunogona Kukubatsira

Mwari akasika miviri yedu ichikwanisa kupora. Kana ukachekwa, ukamarwa kana kubayiwa, muviri “unoita zvinhu zvakawanda-wanda zvinoita kuti ronda racho ripore.” (Johns Hopkins Medicine) Muviri unokurumidza kuita kuti ropa risaramba richibuda, wotanga kuporesa ronda racho.

FUNGA IZVI: Kana Mwari akasika muviri uchikwanisa kuita kuti maronda apore, angatadza here kutibatsira kubvisa marwadzo ekushungurudzika mupfungwa? Munyori wepisarema akanyora kuti, “Anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.” (Pisarema 147:3) Asi kana uchishungurudzika nekuda kwezvakaitika kare kana kuti zviri kuitika, ungava sei nechokwadi chekuti Jehovha achakuporesa iye zvino uye mune ramangwana?

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI NEZVERUDO RWAMWARI

Mwari anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” (Isaya 41:10) Munhu anoziva kuti Jehovha ane hanya naye anogadzikana mupfungwa uye anova nesimba rekutsungirira matambudziko. Muapostora Pauro akatsanangura kugadzikana mupfungwa uku achiti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” Akawedzera kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”​—VaFiripi 4:4-7, 9, 13.

Magwaro anotibatsira kuti tive nekutenda mune zvakavimbiswa naJehovha. Semuenzaniso, Zvakazarurwa 21:4, 5 inotiudza zvichaitwa naJehovha uye kuti nei tiine chokwadi chekuti achazviita:

  • “Achapukuta misodzi yose” pamaziso evanhu. Jehovha achabvisa kutambura kwedu kwese, kunyange zvinhu zvinotinetsa zvinoita sezvidiki kune vamwe.

  • “Agere pachigaro choumambo” mukubwinya kwekudenga, Jehovha achashandisa simba rake kutibatsira pane zvatinoda uye kuti pasava neanotambura.

  • Jehovha anovimbisa kuti mashoko ake “akatendeka uye ndeechokwadi.” Anopika nezita rake kuti achazadzisa zvaakavimbisa.

“‘Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’ Uya akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, akati: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’”​—Zvakazarurwa 21:4, 5.

Zvinhu zvakasikwa uye Bhaibheri zvinotibatsira kunzwisisa zvakaita Baba vedu vekudenga. Zvinhu zvakasikwa zvinoratidza kuti Mwari anoda kuti tive pedyo naye, uye Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Mabasa 17:27 inoti: ‘Haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’

Paunowedzera kuziva Mwari, unowedzerawo kuva nechivimbo chekuti ‘ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Kuvimba naJehovha kunobatsirei?

Inzwa zvakaitika kune mumwe murume wekuJapan anonzi Toru. Akarerwa naamai vake, avo vaiva muKristu, asi akazobatana nechikwata chematsotsi chinonzi yakuza. Anoti, “Ndaifunga kuti Mwari anondivenga, uye ndaiona sekuti kufa kwakaita vanhu vandaiziva uye vandaida kwaiva kurangwa kwandaiitwa naye.” Toru anoti mafungiro iwayo uye vanhu vakaipa vaaitamba navo zvakaita kuti ave munhu “ane utsinye.” Anoti, “Ndaida kufa ndichiri mudiki ndauraya mumwe munhu ane mukurumbira kuti neniwo ndive nemukurumbira.”

Asi Toru nemudzimai wake Hannah, pavakadzidza Bhaibheri, Toru akachinja upenyu hwake uye maonero ake. Hannah anoti, “Murume wangu akachinja ndakatarisa.” Iye zvino, Toru anoti: “Mwari ariko uye anotida semunhu mumwe nemumwe. Hapana waanoda kuti afe, uye anoda kuregerera vanhu vanopfidza zvivi zvavo. Anoteerera zvinhu zvatinogona kutadza kuudza vamwe vanhu uye zvavangatadza kunzwisisa kana tikavaudza. Munguva pfupi iri kutevera, Jehovha achabvisa zvese zvinotishungurudza. Kunyange iye zvino, anotibatsira nenzira dzatisingambofungiri. Anotida uye anotikurudzira patinenge takaora mwoyo.”​—Pisarema 136:23.

Zvakaitika kuna Toru zvinoratidza kuti kuziva kuti Mwari achabvisa matambudziko ese uye marwadzo ese munguva pfupi iri kutevera kunotipa tariro yeramangwana uye kunotibatsira kuti tirarame upenyu hunofadza iye zvino. Kunyange zvazvo nyika yakazara matambudziko, kuziva kuti Mwari anokuda kunogona kukubatsira.