Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 3 2017 | Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?

UNOFUNGEI?

Vanhu vakawanda vanoziva nezvevarume 4 vanenge vakatasva mabhiza vanotaurwa muna Zvakazarurwa. Vamwe vanototyiswa nezvinotaurwamo. Vamwe vanoda kunyatsoziva kuti zvinorevei: Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezveuprofita hwakadai:

“Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu.”Zvakazarurwa 1:3.

Magazini iyi inotsanangura kuti uprofita hwevarume 4 vanenge vakatasva mabhiza hunoratidza kuti pane zvinhu zvakanaka zvava pedyo kuitika.

 

NYAYA IRI PAKAVHA

Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?

Mabhiza 4—jena, dzvuku, dema, uye rakacheneruka. Panyaya dziri mubhuku raZvakazarurwa, yemabhiza 4 ndiyo inonyanya kuzivikanwa.

NYAYA IRI PAKAVHA

Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?

Inzwa zvinorehwa neuprofita uhwu.

Humwe Umboo

Unogona kunge usingazive kuti Tatenai aiva ani, asi pane zvatinodzidza nezvake pane zvakawanikwa nevanochera matongo.

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Hapana Chimwe Chandaida Kupfuura Baseball!

Samuel Hamilton aida baseball zvakanyanya, asi kudzidza Bhaibheri kwakachinja upenyu hwake.

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO

‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’

Vashandi vamambo Farao vakaona runako rwaiva naSara. Zvakazoitika zvinogona kukushamisa.

Bhaibheri Rinotii?

Mwari ane vanhu vaanofarira kudarika vamwe here? Kune vakakomborerwa naMwari here kwozoitawo vamwe vakatukwa?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?

Bhuku racho rinoti vaya vanoriverenga, vorinzwisisa uye voita zvarinotaura vachafara.