Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI UCHIFANIRA KUZIVA VATASVI 4 VEMABHIZA?

Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?

Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?

Paunoverenga nezvevatasvi ava, ungasanzwisisa kuti zviri kurevei uye unogona kutotya. Asi usatya hako uye hazvina kuoma kunzwisisa. Nei? Nekuti zvinotaurwa neBhaibheri uye zviri kuitika munyika zvinotibatsira kunzwisisa kuti mutasvi mumwe nemumwe anenge achimirirei. Kutasva kwavanoita mabhiza aya kunoratidza kuti panyika paizova nematambudziko, uye kuziva izvi kunogona kuita kuti iwe nemhuri yako muve netariro. Sei tichidaro? Ngatitangei nekuziva kuti ndiani akatasva bhiza rimwe nerimwe.

AKATASVA BHIZA JENA

Johani anoti: “Ndakaona, uye, tarira! bhiza jena; uye akanga akaritasva akanga aine uta; akapiwa korona, uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.”—Zvakazarurwa 6:2.

Ndiani akatasva bhiza jena? Chinotibatsira kumuziva ndezvinozotaurwa mubhuku rimwe chete iroro raZvakazarurwa paanonzi “Shoko raMwari.” (Zvakazarurwa 19:11-13) Jesu Kristu ndiye anonzi Shoko, nekuti ndiye nhume yaMwari. (Johani 1:1, 14) Ndiyezve “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe” uye anonziwo “Akatendeka uye weChokwadi.” (Zvakazarurwa 19:11, 16) Saka zviri pachena kuti mambo uyu ane simba rekurwa, uye haaiti uori kana kudzvinyirira vamwe. Asi izvi zvinomutsa mimwe mibvunzo.

Ndiani akapa Jesu simba rekuti akunde? (Zvakazarurwa 6:2) Muprofita Dhanieri akarotswa achiona Mesiya, ‘semwanakomana womunhu,’ achipiwa “ushe nokukudzwa noumambo” ‘neAkakwegura Pamazuva,’ Jehovha Mwari. * (Dhanieri 7:13, 14) Saka Mwari Wemasimbaose ndiye akapa Jesu simba uye kodzero yekutonga. Bhiza jena chiratidzo chakakodzera chehondo inorwiwa zvakarurama ichitungamirirwa neMwanakomana waMwari, nekuti Magwaro anowanzotaura nezveruvara ruchena sechiratidzo chekururama.—Zvakazarurwa 3:4; 7:9, 13, 14.

Vatasvi vemabhiza vakatanga kutasva mabhiza avo riini? Jesu ndiye mutasvi wekutanga, uye akatanga kutasva bhiza rake paakapiwa korona. (Zvakazarurwa 6:2) Akagadzwa kuva Mambo riini kudenga? Paakadzokera kudenga pashure perufu rwake, haana kusvika achiitwa Mambo. Bhaibheri rinoratidza kuti aifanira kumbomirira. (VaHebheru 10:12, 13) Jesu akaudza vateveri vake zvinhu zvaizoita kuti vazive kuti atanga kutonga kudenga. Akataura kuti paaizotanga kutonga, zvinhu zvaizowedzera kuipa panyika. Kwaizova nehondo, nzara, uye zvirwere. (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:10, 11) Pashure peHondo Yenyika I, iyo yakatanga muna 1914, zvakanga zvava kuoneka kuti nguva yaitaurwa naJesu yainge yasvika, nguva yenhamo nematambudziko inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.”—2 Timoti 3:1-5.

Asi nei zvinhu zviri kuramba zvichitowedzera kushata, iye Jesu akaitwa Mambo mugore ra1914? Nekuti kubva panguva iyoyo, Jesu akatanga kutonga kudenga, kwete panyika. Kudenga kwakabva kwaitika hondo, uye Jesu uyo anonziwo Mikaeri, akabva akanda Satani nemadhimoni ake panyika. (Zvakazarurwa 12:7-9, 12) Kubvira paakakandwa panyika, Satani akatsamwa zvisingaiti nekuti anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi. Saka kwangosara nguva shoma chaiyo kuti Mwari abvise Satani. (Mateu 6:10) Iye zvino ngatichionai kuti vamwe vatasvi 3 vemabhiza vanoratidza sei kuti tava “mumazuva okupedzisira.” Vatasvi vatatu ava vakasiyana newekutanga, pakuti vanenge vachimiririra matambudziko ari kuitika pasi rose.

AKATASVA BHIZA DZVUKU

“Rimwe rakabuda, riri bhiza dzvuku; uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa rugare panyika kuti vanhu vaurayane; uye akapiwa bakatwa guru.”—Zvakazarurwa 6:4.

Mutasvi uyu anomiririra hondo. Anobvisa rugare, kwete panyika shomanana, asi pasi rose. Gore ra1914 ndiro rakatanga hondo yakaitika pasi rose, uye izvi zvakanga zvisati zvamboitika. Kwakazouya hondo yenyika yechipiri, uye yakauraya vanhu vakawanda kudarika yekutanga. Dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoti nhamba yevanhu vakafa muhondo kubvira muna 1914 inopfuura 100 miriyoni! Uyezve vakawanda vakasara varemadzwa.

Zvombo zvehondo zviriko mazuva ano zvawanda zvakadii? Zvinogona kutoparadza munhu wese ari panyika. Kunyange masangano anonzi anochengetedza runyararo akadai seUnited Nations ari kutadza kumisa mutasvi uyu webhiza dzvuku.

AKATASVA BHIZA DEMA

“Ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake. Ndakanzwa inzwi raiita sokuti riri pakati pezvisikwa zvina richiti: ‘Rita regorosi richaita dhinari, uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta omuorivhi newaini.’”—Zvakazarurwa 6:5, 6.

Mutasvi uyu anomiririra nzara. Pano tinoona kuti zvekudya zvaizoshomeka zvekuti zvaizoita zvekuyerwa; rita regorosi (0.7 kg) raizotengwa nedhinari. Mumazuva akararama Jesu panyika, munhu aihoreswa dhinari pashure pekushanda kwezuva rimwe chete. (Mateu 20:2) Dhinari raigonawo kutenga marita matatu ebhari (2.1 kg), nekuti bhari rainge risingakoshi sezvaiita gorosi. Kana munhu aiva nemhuri yakakura, zvekudya izvi hapana kwazvaimbosvika. Mafuta emuorivhi newaini ndizvo zvaishandiswa nevanhu kare ikako mazuva ese, saka vanhu vari kunyeverwa kuti vachengetedze zvekudya zvezuva nezuva.

Kubvira muna 1914, tiri kuzviona here kuti mutasvi webhiza dema haasi kumira? Ehe! Vanhu vanenge 70 miriyoni vakaurayiwa nenzara mumakore ekuma1900. Imwe ongororo yakati “pasi rese kubva muna 2012-2014, munhu mumwe chete pa9 vega vega, ainge asina utano nenyaya yekushayiwa zvekudya zvinovaka muviri.” Imwewo yakati, “Nhamba yevanhu vanourayiwa nenzara gore rimwe nerimwe inopfuura nhamba yevanhu vose vanofa neAIDS, malaria uye TB.” Pasinei nezvakawanda zviri kuedza kuitwa kuti vanhu vane nzara vabatsirwe, mutasvi webhiza dema haasi kumira.

AKATASVA BHIZA RAKACHENERUKA

‘Ndakaona, uye, tarira! bhiza rakachenuruka; uye akanga akaritasva akanga aine zita rokuti Rufu. Guva rakanga richimutevera riri pedyo. Vakapiwa simba pamusoro pechikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu nokushomeka kwezvokudya nedenda rinouraya uye nezvikara zvepanyika.’—Zvakazarurwa 6:8.

Mutasvi wechi4 anomiririra kufa kwevanhu kunokonzerwa nezvirwere nezvimwewo. Pashure pegore ra1914, Spanish flu yakauraya mamiriyoni evanhu. Vanhu vanenge 500 miriyoni vanonzi vakabatwa nechirwere ichi, kureva kuti munhu mumwe chete pavatatu vega vega pasi rose akabatwa nacho!

Asi kune zvimwe zvirwere zvaizouya. Vamwe vaongorori vanofungidzira kuti vanhu vanopfuura 300 miriyoni vakafa nechirwere chesmallpox mumakore ekuma1900. Nhasi uno, mamiriyoni evanhu ari kuurayiwa neAIDS, TB, nemalaria, pasinei nemishonga iri kugadzirwa.

Dzingave dziri hondo, nzara kana kuti zvirwere, zvese zvinoguma nerufu. Guva harisi kuguta, riri kuramba richitora vakawanda.

UPENYU HWAVA KUDA KUZONAKA!

Matambudziko atiri kuona ava kuda kuzopera. Yeuka kuti: Jesu “akabuda achikunda” muna 1914, paakakanda Satani panyika, asi achazopedzisa kukunda kwake. (Zvakazarurwa 6:2; 12:9, 12) Pahondo inonzi Amagedhoni yava pedyo kusvika, Jesu achasunga Satani uye achaparadza vose vanotsigira Satani. (Zvakazarurwa 20:1-3) Jesu haasi kuzongogumira pakumisa vatasvi vemabhiza matatu, asi achagadzirisa matambudziko akakonzerwa nevatasvi ava. Achazviita sei? Inzwa zvinovimbiswa neBhaibheri.

Kuchange kusisina hondo. Jehovha “anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo.” (Pisarema 46:9) Vaya vanoda rugare, “vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Kuchange kusisina nzara; zvekudya zvichange zvawanda. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

Kwasara nguva pfupi kuti Jesu agadzirise matambudziko akakonzerwa nevatasvi vatatu vemabhiza

Kuchange kusisina zvirwere uye rufu; vanhu vese vachange vaine utano uye vachararama nekusingaperi. Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4.

Jesu paaiva panyika, akanyatsoratidza zvaachazoita paachange ava kutonga. Aigarisana nevamwe zvakanaka, akaita chishamiso chekupa zviuru zvevanhu zvekudya, akarapa vairwara, uye akatomutsa vanhu vainge vafa.—Mateu 12:15; 14:19-21; 26:52; Johani 11:43, 44.

Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza muBhaibheri rako kuti ungaita sei kuti uzopona pachaguma nyika. Ungada here kudzidza zvimwe?

^ ndima 7 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.