Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shuramurove

Zvatinodzidza Kushiri

Zvatinodzidza Kushiri

“Ndapota, bvunzai, . . . zvisikwa zvokumatenga zvine mapapiro, uye zvichakuudzai. Ndiani asinganyatsozivi pane izvi zvose kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvi.”—Jobho 12:7, 9.

MAKORE anodarika 3 000 apfuura, Jobho akaona kuti pane zvinhu zvakawanda zvatinogona kudzidza kubva kushiri dzakasikwa naMwari. Zvadzinoita zvinogona kutibatsira pakupa fananidzo kana kuti mienzaniso. Kakawanda Bhaibheri parinotaura nezveshiri, rinenge richitidzidzisa zvinhu zvakakosha nezveupenyu uye ushamwari hwedu naMwari. Ngatimboongororai dzimwe dzacho.

PANOVAKIRA NYENGANYENGA DENDERE RAYO

Nyenganyenga

Vagari vemuJerusarema vainyatsoziva nyenganyenga (mherepere) nekuti dzaivakira matendere adzo nechemuzasi medenga reimba. Dzimwe dzaivaka matendere adzo patemberi yaSoromoni. Gore negore, dzairera vana vadzo ipapo nekuti hapana aidzivhiringidza.

Mumwe wevanakomana vaKora akanyora Pisarema rechi84. Aishanda patemberi vhiki imwe chete pamwedzi 6 yega yega uye akaona matendere enyenganyenga patemberi. Aishuva kuti dai aizogarawo paimba yaJehovha mazuva ose sezvaiita shiri idzi. Akati: “Tebhenekeri yenyu huru yakanaka sei, haiwa Jehovha wemauto! Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo . . . Kunyange shiri yakawana imba, nenyenganyenga yakazviwanira dendere, mayakaisa vana vayo, ipo paatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto, Mambo wangu naMwari wangu!” (Pisarema 84:1-3) Isu pamwe chete nevana vedu tinoshuvawo here kuungana nevanhu vaMwari?—Pisarema 26:8, 12.

SHURAMUROVE INOZIVA NGUVA YAYO

Muprofita Jeremiya akanyora kuti: “Shuramurove iri kumatenga inonyatsoziva nguva yayo yakatarwa.” Ainyatsoziva nezvekutama kwaiita shiri idzi dzichidarika nemuNyika Yakapikirwa. Munguva yechirimo, shuramurove chena dzinopfuura 300 000 dzakaonekwa dzichitama dzichibva kuAfrica dzichienda kuNorthern Europe, dzichidarika nemuBani reJodhani. Dzinowanzotama dzichienda kunodziya. Zvingori madziri kuti dzizive nguva yekudzokera kwadzinokandirira mazai dzovazve nemanyana. Sezvinoita dzimwe shiri dzinotama dzichienda kune dzimwe nyika, shuramurove inoziva nguva yekuzodzoka.—Jeremiya 8:7.

Bhuku rinonzi Collins Atlas of Bird Migration rakati: “Chinoshamisa ndechekuti shiri dzakasikwa dzichitoziva kuti nguva yekutama ndeipi.” Vanhu vakapiwa uchenjeri naJehovha Mwari hwekuti vazive mwaka nenguva, asi shiri zvingori madziri. (Ruka 12:54-56) Kusiyana neshiri, vanhu vanotofanira kudzidza nezvaMwari kuti vanzwisise kuti zvinhu zviri kuitika panguva ino zvinoratidzei. VaIsraeri vemumazuva aJeremiya havana kuziva kuti zvinhu zvavaiona zvairevei. Mwari akatsanangura paiva nedambudziko ravo paakati: “Vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavo kuripi?”—Jeremiya 8:9.

Tiri kuona zvakawanda zvinoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” sezvinotaurwa neBhaibheri. (2 Timoti 3:1-5) Uchatevedzera shuramurove here pakucherechedza ‘nguva yakatarwa’?

GONDO RINOONA ZVIRI KURE KURE

Gondo

Gondo rinotaurwa kakawanda muBhaibheri uye rinowanzooneka kuNyika Yakapikirwa. Gondo “rinotsvaka zvokudya” richibva mudendere raro rinenge riri pamusoro-soro uye ‘maziso aro anotarira kure kure.’ (Jobho 39:27-29) Gondo rinoona zviri kure zvikuru zvekuti vamwe vanoti rinogona kuona tsuro inenge iri kure nekiromita imwe chete.

Jehovha anogona kuona zvinhu zvichaitika munguva yemberi kufanana negondo rinotarira “kure kure.” Ndokusaka Jehovha Mwari akati: “[Ndiri] kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isaya 46:10) Kana tikateerera zvinotaurwa naJehovha zvichatibatsira nekuti hapana akafanana naye pauchenjeri uye pakuziva zvichazoitika.—Isaya 48:17, 18.

Bhaibheri rinofananidzawo vanhu vanovimba naMwari nemakondo parinoti: “Vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba. Vachabhururukira kumusoro nemapapiro sezvinoita makondo.” (Isaya 40:31) Mhepo inodziya inokwira mudenga saka makondo anotsvaka pane mhepo iyi, ovhura mapapiro awo, uye izvi zvinobva zvaita kuti akwanise kuenda mudenga. Saka gondo rinotoda mhepo iyi kuti rikwanise kubhururuka richienda kure. Saizvozvowo vanhu vanovimba naJehovha vanopiwa “simba rinopfuura renguva dzose” naMwari.—2 VaKorinde 4:7, 8.

“KUUNGANIDZA KUNOITA HUKU NHIYO DZAYO”

Huku nenhiyo

Kwasara nguva pfupi kuti Jesu aurayiwe, akatarisa guta guru revaJudha akabva ati, “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari, ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida.”—Mateu 23:37.

Shiri dzinoda chaizvo kuchengetedza vana vadzo. Dzimwe dzakadai sehuku dzinotofanira kugara dzakangwarira kuti dzivachengetedze. Kana sheshe ikaona gondo richingotenderera tenderera mudenga, inobva yatanga kuchema zvekuti nhiyo dzayo dzinobva dzamhanya dzichinohwanda pasi pemapapiro. Mapapiro acho anoitawo kuti nhiyo dzisapiswe nezuva kana kunayiwa. Sezvinoita sheshe, Jesu aidawo kuchengetedza vanhu vemuJerusarema kuti vasatsauke pakunamata. Mazuva ano, Jesu anotikoka kuti tiuye kwaari kuti atizorodze uye atinyaradze pamatambudziko atinosangana nawo zuva nezuva.—Mateu 11:28, 29.

Tinonyatsoona kuti tine zvakawanda zvatinodzidza kushiri idzi. Paunenge uchiongorora zvadzinoita, ibva wayeuka kuti Magwaro anoti kudii nezvadzo. Paunofunga nezvenyenganyenga yeuka nezvekukosha kwekuva paimba yaJehovha. Kumbira Mwari kuti akupe simba richakubatsira kubhururuka sezvinoita gondo. Bvuma kuenda kuna Jesu kuti uwane chokwadi cheBhaibheri chichakudzivirira sezvinoita huku kunhiyo dzayo. Uye paunoona shuramurove, ngazvikuyeuchidze kuramba uchitarisa kuti zvinhu zviri kuitika munyika zvinoratidzei.