Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuberekwa kwaJesu Kwakaitika Sei uye Nei Kwakaitika

Kuberekwa kwaJesu Kwakaitika Sei uye Nei Kwakaitika

Kuberekwa kwaJesu Kwakaitika Sei uye Nei Kwakaitika

“HAZVIBVIRI!” Vasiri vaKristu vakawanda vangataura izvi pavanonzwa nyaya yokuberekwa kwaJesu. Vanofunga kuti kudavira kuti mhandara yaigona kubata pamuviri ndokubereka mwanakomana isingazivi murume hakuenderani nesayenzi. Iwe unofungei?

Muna 1984, The Times yeLondon yakabudisa tsamba yaitaura nyaya iyi, ichiti: “Hazvina musoro kushandisa sayenzi sechikonzero chokuramba zvishamiso. Kudavira kuti zvishamiso hazvigoni kuitika chiito chokutenda chakafanana nokudavira kuti zvinogona kuitika.” Tsamba yacho yakasainwa nevanamuzvinadzidzo 14 vesayenzi mumayunivhesiti omuBritain. Vakati: “Tinobvuma nomufaro kubereka kwemhandara, zvishamiso zvinotaurwa muEvhangeri, uye kumuka kwaKristu senhau dzakaitika kare.”

Asi, zvinonzwisisika kuti munhu anoshamisika paanotanga kunzwa nyaya yokuberekwa kwaJesu nemhandara. Ivo amai vaJesu vacho vaiva mhandara vakashamisika ngirozi yaMwari payakati: “Tarira! uchanamba mudumbu mako wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu.” Mukupindura, Mariya akabvunza kuti: “Izvi zvingaitika sei, sezvo ndisiri kurara nomurume?” Ipapo ngirozi yacho yakatsanangura kuti Mwari aizoita chishamiso ichi achishandisa mudzimu mutsvene Wake, yakatizve: “Kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.” (Ruka 1:31, 34-37) Chokwadi Uyo akaita nzira inoshamisa yokuberekwa kwevanhu aigonawo kukonzera kunambwa uye kuberekwa kwaJesu nemhandara yaisaziva murume. Kana Mwari akasika zvinhu zvose nemitemo yazvo yakanyatsonanga, aigonawo kushandisa sero rezai muchizvaro chaMariya kuti aite Mwanakomana womunhu akakwana.

Nei Zvakanga Zvakakodzera

Josefa, murume aida Mwari, akanga avimbisa kuroora Mariya panguva yaakabata pamuviri. Muchiroto, ngirozi yaMwari yakatsanangurira Josefa chikonzero chakaisvonaka nei musikana wake aiva mhandara akanga ava nepamuviri. Ngirozi yacho yakati: “Usatya kuendesa Mariya mukadzi wako kumba, nokuti icho chakanambwa maari chakaitwa nomudzimu mutsvene. Iye achabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu, nokuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.” (Mateu 1:20, 21) MuchiHebheru zita rokuti Jesu rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.” Rinotiyeuchidza nezvokudiwa kwokununurwa muchivi norufu uye nezvourongwa hwaJehovha Mwari hwokununura ikoko achishandisa Jesu.

Nemhaka yokuti munhu wokutanga Adhamu akatadza, vana vake vose vakaberekwa vasina kukwana, vakarerekera kukuputsa mitemo yaMwari. (VaRoma 5:12) Vana vaAdhamu vaigona sei kusunungurwa pachivi ndokusvika pakukwana? Humwe upenyu hwakakwana, hwaikosha zvinoenderana nohwaAdhamu, hwaifanira kubhadharwa kuti chikero cheruramisiro chienzaniswe. Ndokusaka Mwari akakonzera kuberekwa kunoshamisa kwomunhu akakwana, Jesu, uye ndokusaka Jesu akabvumira vavengi vake kuti vamuuraye. (Johani 10:17, 18; 1 Timoti 2:5, 6) Jesu amuka uye akwira kuupenyu hwokudenga, aigona kutaura nechivimbo kuti: “Ndakafa, asi, tarira! ndiri mupenyu nokusingaperi-peri, uye ndine kiyi dzorufu nedzeHadhesi [guva revanhu vose].”—Zvakazarurwa 1:18.

Jesu anozarura nzira yokuti vanhu vanoita zvivi vawanezve zvakaraswa naAdhamu, kuburikidza nekiyi dzokufananidzira dzorufu neHadhesi. Jesu akatsanangura kuti: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu; uye munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi.” (Johani 11:25, 26) Chipikirwa chakazonaka! Asi, pane chikonzero chakatokura chokuberekwa kwaJesu.

Chikonzero Chinokosha Zvikuru

Kunambwa kwaJesu munhumbu yaMariya kwakanga kusiri kutanga kwoupenyu hwake. “Ndakaburuka ndichibva kudenga,” akataura kudaro zvakajeka. (Johani 6:38) Jesu akanga ararama munyika yomudzimu naBaba vake vokudenga kubvira pakatanga kusikwa zvinhu. Bhaibheri rinotomurondedzera se“wokutanga wezvakasikwa naMwari.” (Zvakazarurwa 3:14) Ari kudenga, Jesu akaona kupandukira kwengirozi yakaipa iyo yakaita kuti vanhu vokutanga vapandukire mutemo waMwari. Izvi zvakapa Jesu chikonzero chinokosha zvikuru chokuda kuberekwa soMwanakomana womunhu akakwana waMwari. Chaiva chii?

Kwaiva kuratidza kuti Baba vake vokudenga vane kodzero yokutonga zvinhu zvose. Jesu akaratidza kuda kwake kuzviisa pasi penzira yaJehovha yokutonga zvisikwa Zvake nokuramba akatendeka kubva pakuberekwa kwake kusvikira pakufa kwake pasi pano. Asati aurayiwa nevavengi vaMwari, Jesu akataura zvakajeka chikonzero chokuda kwake kupa upenyu hwake sechibayiro. Akati chaiva chokuti nyika izive kuti aida Baba. (Johani 14:31) Kudai vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, vakanga varatidza rudo rwakadaro, vangadai vakaratidza kutendeka mumuedzo wavo waiva uri nyore zvikuru.—Genesi 2:15-17.

Kutendeka kwaJesu kwakabudisawo pachena kuti ngirozi yakaipa, Satani, yaiva murevi wenhema. Satani akanga achera Mwari nomunhu nokutaura ari pamberi pengirozi kudenga kuti: “Munhu acharasikirwa nezvose zvaanazvo kuti awane upenyu hwake.” (Jobho 2:1, 4, Bhaibheri Rinoera) Satani akataura zvisiri izvo kuti vanhu vose vaizorega kuteerera Mwari kuti vaponese upenyu hwavo.

Nhau dzichangobva kutaurwa dzakadenha kururama kwoutongi hwaMwari. Kuti dzigadziriswe, Jesu akada kuberekwa somunhu ndokuratidza kuti akatendeka kusvikira kurufu.

Saka, chikonzero chikuru chokuberekwa kwaJesu pasi pano chaiva chokuti a“pupurire chokwadi,” sokutaura kwaakaita. (Johani 18:37) Akaita izvozvo nokuratidza nemashoko uye mabasa kuti utongi hwaMwari hwakarurama zvakakwana uye kuti kuzviisa pasi pahwo kunoguma nomufaro usingaperi. Jesu akatsanangurawo kuti akanga auya panyika kuti azopa upenyu hwake hwomunhu so“rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda,” achizarura nzira yokuti vanhu vanotadza vawane kukwana uye upenyu husingaperi. (Mako 10:45) Kuti vanhu vanzwisise nhau idzi dzinokosha, nhoroondo yokuberekwa kwaJesu yaidiwa. Uyezve, zvakaitika pakuberekwa kwaJesu zvine zvimwe zvidzidzo zvinokosha, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Vana vaAdhamu vaigona sei kununurwa muchivi?