Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 1:1-25

  • Dzinza raJesu Kristu (1-17)

  • Kuzvarwa kwaJesu (18-25)

1  Bhuku renhoroondo yaJesu* Kristu,* mwanakomana waDhavhidhi,+ mwanakomana waAbrahamu:+   Abrahamu akabereka Isaka;+Isaka akabereka Jakobho;+Jakobho akabereka Judha+ nevakoma nevanin’ina vake;   Judha akabereka Perezi naZera,+ amai vavo vari Tamari;Perezi akabereka Hezroni;+Hezroni akabereka Ramu;+   Ramu akabereka Aminadhabhi;Aminadhabhi akabereka Nashoni;+Nashoni akabereka Sarimoni;   Sarimoni nemudzimai wake Rakabhi+ vakabereka Bhoazi;Bhoazi nemudzimai wake Rute+ vakabereka Obhedhi;Obhedhi akabereka Jese;+   Jese akabereka Mambo Dhavhidhi.+ Dhavhidhi nemudzimai waUriya vakabereka Soromoni;+   Soromoni akabereka Rehobhoamu;+Rehobhoamu akabereka Abhija;Abhija akabereka Asa;+   Asa akabereka Jehoshafati;+Jehoshafati akabereka Jehoramu;+Jehoramu akabereka Uziya;   Uziya akabereka Jotamu;+Jotamu akabereka Ahazi;+Ahazi akabereka Hezekiya;+ 10  Hezekiya akabereka Manase;+Manase akabereka Amone;+Amone akabereka Josiya;+ 11  Josiya+ akabereka Jekoniya+ nevamwe vanakomana panguva yakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi.+ 12  Pashure pekutapwa kwevanhu vachiendeswa kuBhabhironi, Jekoniya akabereka Sheatiyeri;Sheatiyeri akabereka Zerubhabheri;+ 13  Zerubhabheri akabereka Abhiudhi;Abhiudhi akabereka Eriyakimu;Eriyakimu akabereka Azori; 14  Azori akabereka Zadhoki;Zadhoki akabereka Akimu;Akimu akabereka Eriudhi; 15  Eriudhi akabereka Eriyezari;Eriyezari akabereka Matani;Matani akabereka Jakobho; 16  Jakobho akabereka Josefa murume waMariya, uyo akabereka Jesu,+ anonzi Kristu.+ 17  Saka zvizvarwa zvese kubvira pana Abrahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa 14; kubvira pana Dhavhidhi kusvikira pakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi, zvizvarwa 14; kubvira pakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu, zvizvarwa 14. 18  Asi izvi ndizvo zvakaitika pakuberekwa kwaJesu Kristu. Panguva yakanga yakavimbiswa amai vake Mariya kuroorwa naJosefa, vakawanikwa kuti vaiva nepamuviri pemweya mutsvene+ vasati vabatanidzwa. 19  Asi sezvo murume wake Josefa akanga akarurama uye asingadi kumunyadzisa, akada kumuramba pachivande.+ 20  Asi paakanga afungisisa zvese izvi, ngirozi yaJehovha* yakazviratidza kwaari kuhope, ichiti: “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuenda naMariya mudzimai wako kumba, nekuti pamuviri paainapo ndepemweya mutsvene.+ 21  Achabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu,*+ nekuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”+ 22  Zvese izvi zvakaitika kuti zviya zvakanga zvataurwa naJehovha* achishandisa muprofita wake zvizadzike, paakati: 23  “Inzwai! Mhandara ichava nepamuviri uye ichabereka mwanakomana, yomutumidza kuti Emanueri,”+ zvinoreva kuti, “Mwari Anesu.”+ 24  Josefa akabva amuka, akaita zvaakanga anzi aite nengirozi yaJehovha,* akaenda nemudzimai wake kumba. 25  Asi haana kurara naye kusvikira abereka mwanakomana,+ uye akamutumidza kuti Jesu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mesiya; Muzodziwa.”
Kana kuti “redzinza raJesu.”
Apa ndipo pekutanga panzvimbo 237 dzinowanika zita raMwari rekuti Jehovha, muMagwaro echiKristu echiGiriki mundima chaimo muBhaibheri rino. Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
Rinoenderana nezita rechiHebheru rekuti Jeshua kana kuti Joshua, iro rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.”