Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 22:1-46

  • Mufananidzo wemabiko emuchato (1-14)

  • Mwari uye Kesari (15-22)

  • Mubvunzo pamusoro perumuko (23-33)

  • Mirayiro mikuru kupfuura yese (34-40)

  • Kristu mwanakomana waDhavhidhi here? (41-46)

22  Jesu akataurazve navo achishandisa mifananidzo, achiti:  “Umambo hwekudenga hungafananidzwa namambo akaitira mwanakomana wake mabiko emuchato.+  Uye akatuma varanda vake kunoshevedza vanhu vakanga vakakokwa kumabiko emuchato, asi vakanga vasingadi kuuya.+  Akatumazve vamwe varanda, achiti, ‘Udzai vanhu vakakokwa kuti: “Onai! Ndagadzira zvekudya zvangu, mombe dzangu nezvipfuwo zvakakodzwa zvaurayiwa, uye zvinhu zvese zvamirira imi. Uyai kumabiko emuchato.”’  Asi havana kumboita basa nazvo, saka mumwe akaenda kumunda kwake, mumwe kubasa kwake;+  uye vamwe vacho vese, vakatora varanda vake, vakavabata zvisina ruremekedzo uye vakavauraya.  “Mambo akashatirwa, akatuma mauto ake akanouraya mhondi idzodzo uye akapisa guta radzo.+  Akabva ati kuvaranda vake, ‘Zvinhu zvese zvemabiko emuchato zvapedza kugadzirwa, asi vanhu vainge vakakokwa vanga vasina kukodzera.+  Saka endai kumigwagwa inobuda muguta, monokoka chero wamunenge maona kuti auye kumabiko emuchato.’+ 10  Saka varanda ivavo vakaenda kumigwagwa, vakaunganidza vese vavakawana, vakaipa pamwe chete nevakanaka; uye imba yemabiko emuchato yakazadzwa nevanhu vaidya. 11  “Mambo paakapinda kuti aongorore vaenzi, akaona mumwe murume akanga asina kupfeka nguo yemuchato. 12  Saka akamuti, ‘Shamwari, wapinda sei muno usina nguo yemuchato?’ Akashaya chekutaura. 13  Mambo akabva ati kuvashandi vake, ‘Musungei maoko nemakumbo mumukande panze murima. Ikoko ndiko kwaachachema ari achirumanisa mazino.’ 14  “Nekuti kune vazhinji vanokokwa, asi vanosarudzwa vashoma.” 15  VaFarisi vakabva vaenda, ndokurangana kuti vamuwanire mhosva pamashoko ake.+ 16  Saka vakatuma vadzidzi vavo kwaari, pamwe chete nevateveri vebato raHerodhi,+ vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura chokwadi uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, uye hamutsvagi kufadza munhu, nekuti hamutarisi zvakaita munhu nechekunze. 17  Saka tiudzei, munofungei? Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete?” 18  Asi Jesu, achiziva uipi hwavo, akati: “Munondiedzerei, imi vanyengeri? 19  Ndiratidzei mari yacho inoterwa.” Vakauya nedhinari* kwaari. 20  Akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” 21  Ivo vakati: “NdezvaKesari.” Iye akabva ati kwavari: “Saka dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 22  Pavakanzwa izvozvo, vakashamiswa, vakabva vamusiya, vakaenda. 23  Pazuva iroro vaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya vakamubvunza kuti:+ 24  “Mudzidzisi, Mozisi akati: ‘Kana murume akafa asina vana, munin’ina wake anofanira kuroora mudzimai wacho oberekera mukoma wake vana.’+ 25  Zvino kwaiva nevatevedzani vanomwe vaiva nesu. Wekutanga akaroora, akafa asina vana, akasiyira munin’ina wake mudzimai wake. 26  Ndizvo zvakaitikawo kune wechipiri newechitatu, kusvikira vese vanomwe vapera. 27  Mukadzi wacho akazofawo. 28  Saka parumuko, achava mudzimai weupi wacho pavanomwe ava? Nekuti akambova mudzimai wavo vese.” 29  Jesu akavapindura achiti: “Makarasika, nekuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari;+ 30  nekuti parumuko varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kudenga.+ 31  Nezvekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri, achiti: 32  ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.”+ 33  Vanhu pavakanzwa izvi, vakashamiswa nekudzidzisa kwake.+ 34  VaFarisi pavakanzwa kuti akanga aita kuti vaSadhusi vashaye remuromo, vakaungana pamwe chete. 35  Uye mumwe wavo, ainyatsoziva Mutemo, akamuedza nekumubvunza kuti: 36  “Mudzidzisi, ndeupi murayiro mukuru paMitemo yese?”+ 37  Iye akati kwaari: “‘Ida Jehovha* Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese nepfungwa dzako dzese.’+ 38  Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yese uye wekutanga. 39  Wechipiri, wakafanana nawo, ndeuyu: ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ 40  Pamirayiro iyi miviri ndipo panobva Mutemo wese, uye zvakanyorwa nevaprofita.”+ 41  VaFarisi pavakanga vakaungana Jesu akavabvunza kuti:+ 42  “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Ivo vakati kwaari: “WaDhavhidhi.”+ 43  Iye akavabvunza kuti: “Saka sei Dhavhidhi paakanga afemerwa+ akamudana kuti Ishe, paakati, 44  ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’?+ 45  Saka kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”+ 46  Hapana akakwanisa kumupindura, uye kubvira musi iwoyo, hapana akazoshinga kumubvunza zvakare.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Zvakarurama.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.