Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 28:1-20

  • Jesu anomutswa (1-10)

  • Varwi vanobhadharwa kuti vanyepe (11-15)

  • Murayiro wekunoita vanhu vadzidzi (16-20)

28  Pashure peSabata, pazuva rekutanga revhiki, kunze kwava kuedza, Mariya Magadharini nemumwe Mariya vakaenda kunoona guva racho.+  Kudengenyeka kwenyika kukuru kwakanga kwaitika, nekuti ngirozi yaJehovha* yakanga yaburuka ichibva kudenga, ikakungurutsa dombo, uye yakanga yakagara pariri.+  Yakanga ichiratidzika semheni, uye zvipfeko zvayo zvakanga zvakachena sechando.+  Varindi vakaitya, zvekuti vakadedera, vakaita sevanhu vakafa.  Asi ngirozi yakati kuvakadzi vacho: “Musatya, nekuti ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu uyo akarovererwa.+  Haapo pano, nekuti akamutswa, sekutaura kwaakaita.+ Uyai muone paakanga akarara.  Mobva makurumidza kuenda kunoudza vadzidzi vake kuti iye akamutswa kuvakafa, uye ari kutofanotungamira kuGarireya.+ Muchanomuona ikoko. Yeukai zvandakuudzai.”+  Saka vakabva paguva nekukurumidza, vachitya uye vachifara zvikuru, uye vakamhanya kunoudza vadzidzi vake.+  Jesu akabva asangana navo akati: “Kwaziwai!” Ivo vakasvika paari, vakamupfugamira, vakabata tsoka dzake. 10  Jesu akabva ati kwavari: “Musatya! Endai munoudza hama dzangu kuti dziende kuGarireya, uye dzichandiona ikoko.” 11  Pavakanga vachienda, vamwe vevarindi+ vakapinda muguta vakaudza vatungamiriri vevapristi zvese zvakanga zvaitika. 12  Ava vakabva vaungana nevakuru, vakarangana, ndokupa varwi masirivha akawanda, 13  vakati: “Munoti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba takarara.’+ 14  Kana izvi zvikasvika munzeve dzagavhuna, tichamutsanangurira nyaya yacho,* saka munenge musisina chekutya.” 15  Saka vakatambira masirivha acho vakaita zvavakanga vaudzwa, uye nyaya iyi yakaparadzirwa kwese kwese pakati pevaJudha kusvikira nhasi. 16  Asi vadzidzi 11 vakaenda kuGarireya+ kugomo uko Jesu akanga arangana navo kuti vaizosangana.+ 17  Pavakamuona, vakamupfugamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi kuti ndiye. 18  Jesu akaswedera pedyo navo akati kwavari: “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.+ 19  Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,+ muchivabhabhatidza+ muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, 20  muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.+ Uye yeukai kuti ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”*+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “tichamunyengetedza.”
Kana kuti “kusvikira kumagumo kwemamiriro ezvinhu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.