Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zuva Nenyika Dzaro—Kwazvakabva

Zuva Nenyika Dzaro—Kwazvakabva

Zuva Nenyika Dzaro—Kwazvakabva

PANE zvakawanda zvinobatanidzwa kuti chikamu chedu chezvinhu zvose zvakasikwa chive chakasiyana nezvimwe zvose. Zuva neNyika dzaro zviri pakati pemativi maviri eGwara Renzou munzvimbo ine nyeredzi shomanana. Dzinenge nyeredzi dzose dzatinogona kuona usiku dziri kure zvikuru nesu zvokuti dzinongoramba dzichiratidzika setumadonhwe twechiedza kana dzikatariswa pachishandiswa teresikopu huru zvikuru. Apa pane zuva nenyika dzaro ndipo pazvinofanira kuva here?

Kudai zuva nenyika dzaro zvaiva pedyo nepakati peGwara Renzou, pane zvaizotikuvadza zvinokonzerwa nokuva pakati penyeredzi dzakawanda. Somuenzaniso, kutenderera kunoita nyika zuva kwaizovhiringidzwa, uye kurarama kwevanhu kwaizokanganiswa. Sezvazviri, zvinoita sokuti zuva nenyika dzaro zviri panzvimbo chaipo pazvinofanira kuva kuti izvi zvisaitika uye dzimwe njodzi, dzakadai sokupisa zvikuru padzinenge dzichipfuura nomumakore egasi uye dzichipfuura nomunzvimbo dzine nyeredzi dzinenge dzichiputika uye zvimwe zvinhu zvinokonzera mwaranzi ine ngozi.

Zuva rudzi rwenyeredzi yakatinakira. Rinotsva zvishoma nezvishoma, rinogara kwenguva refu, harina kunyanya kukura uye haripisi zvakanyanyisa. Nyeredzi zhinji dziri muboka redu renyeredzi iduku zvikuru pane zuva redu uye hadzipi chiedza chinodiwa uyewo hadzipisi zvakaringanira kuita kuti nyika yakaita sepasi ive noupenyu. Uyezve, pane simba rinoita kuti nyeredzi zhinji dzirambe dziri pedyo nepedyo kana kuti nedzimwe dzakawanda uye kuti dzitendererane. Asi zuva redu rakazvimiririra. Kunenge kuti zuva nenyika dzaro zvaisazoramba zviri munzvimbo yazvo kudai paiva nesimba rinokweva remazuva maviri kana kuti akawanda akaita sezuva redu.

Chimwe chinhu chinoita kuti zuva nenyika dzaro zvisiyane nedzimwe, inyika hombe dziri kure kure dzinotendererawo asi simba radzo harina ngozi kuzuva nenyika dzaro. * Asi nyika hombe dzacho dzinotodzivirira nokuparadza kana kutsausa zvinhu zvaizova nengozi. Mubhuku ravo rinonzi Rare Earth—Why Complex Life Is Uncommon in the Universe, masayendisiti Peter D. Ward naDonald Brownlee vanotsanangura kuti: “Maasteroids nemakometi anosvika zvawo pasi asi asisina simba rakanyanya, nokuti pane nyika hombe dzegasi dzakaita seJupiter dzatisingaoni.” Zvava kuzivikanwawo kuti kune dzimwewo nyika hombe dzine zuva radzowo radzinotenderera. Asi kutenderera kwedzakawanda dzenyika hombe idzi kwaizokuvadza nyika duku yakaita sepasi redu.

Basa Romwedzi

Kubvira kare, mwedzi wagara uchishamisa vanhu. Wakaita kuti vanhu vadetembe uye vaimbe nezvawo. Somuenzaniso, mumwe mudetembi wekare wechiHebheru anotsanangura mwedzi sechinhu ‘chakasimbiswa kwazvo . . . nokusingagumi, sechapupu chakatendeka chiri mumatenga.’—Pisarema 89:37.

Rimwe basa rinokosha rinoitwa nomwedzi kuzvinhu zvipenyu zviri panyika nderokuti simba rawo rinokweva rinokonzera masaisai uye mafungu emvura. Zvinofungidzirwa kuti mafungu makuru ndiwo anonyanya kukonzera mhepo yomugungwa, iyo inozoitawo kuti tive nemamiriro okunze akasiyana-siyana.

Rimwe basa rinokosha rinoitwa nomwedzi nderokuti simba rawo rinokweva rinodzikamisa nechokumusoro uye nechepasi kwenyika maererano nokutenderera kwaunoita zuva. Maererano nerimwe bhuku rezvesayenzi rinonzi Nature, dai pasina mwedzi, kurereka kwenyika kwaizochinja kwapera nguva yakareba “kubva [pamadhigirii] anenge 0 kusvika ku[madhigirii] 85.” Chimbofungidzira kuti kudai nyika isina kurereka! Kuchinja kwemwaka kunofadza kwaisazoitika uye taizova nedambudziko rokuwana mvura shoma inonaya. Kurereka kwepasi kunoita kuti tembiricha isanyanya kukwira kana kuti kunyanya kuderera zvichiita kuti tirarame. Nyanzvi yenyeredzi Jacques Laskar, inopedzisa ichiti: “Mamiriro edu okunze akadzikama aripo anokonzerwa nechinhu chinoshamisa: kuvapo kwoMwedzi.” Kuti uite basa rawo rokudzikamisa zvinhu, mwedzi wakakura—kupfuura mimwe mwedzi yedzimwe nyika hombe.

Asi rimwe basa romwedzi nderokuti unovheneka usiku, sezvakataurwa nomunyori webhuku reBhaibheri rekare raGenesisi.—Genesisi 1:16.

Zvakangovapo Zvoga Here Kana Kuti Zvine Chinangwa?

Munhu angatsanangura sei kuitika kwezvinhu zvakasiyana-siyana zvinoita kuti panyika pave noupenyu uyewo kuti hunakidze? Panongova netsananguro mbiri bedzi. Yokutanga ndeyokuti zvinhu zvose izvi zvakangoerekana zvavapo pasina chinangwa. Yechipiri ndeyokuti pane chinangwa chinoratidza uchenjeri.

Zviuru zvemakore zvakapfuura, Magwaro Matsvene akataura kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvakavapo uye zvakaitwa noMusiki—Mwari Wemasimbaose. Kana izvozvo zviri zvechokwadi, zvinoreva kuti zuva nenyika dzaro hazvina kungoerekana zvavapo, asi zvakasikwa nomunhu aiva nechinangwa. Tingatoti Musiki akatinyorera matanho aakatora kuti pasi pave noupenyu. Zvingakushamisa kuti kunyange zvazvo zvakanyorwa izvi zvava nemakore 3 500, zvakaitika izvozvo pakasikwa zvinhu zvose zvinoenderana nezvinodavirwa nemasayendisiti. Zvakaitika izvi zviri mubhuku reBhaibheri raGenesisi. Chimbofunga nezvezvarinotaura.

Zvinotaura Genesisi Nezvokusika

“Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Mashoko okutanga eBhaibheri anotaura nezvezuva, nyika dzaro, kusanganisira nyika yedu, uyewo kusikwa kwenyeredzi dziri mumabhiriyoni emapoka enyeredzi anoumba zvinhu zviri mudenga. Maererano neBhaibheri, pane imwe nguva nyika yakanga “isina kugadzirwa, isina chinhu.” Kwakanga kusina makondinendi uye kwakanga kusina nyika inobereka. Asi mashoko anotevera anoratidza chimwe chinhu chinokosha zvikuru chinotaurwa nemasayendisiti kuti panyika pararamike—mvura yakawanda. “Simba raMwari rinoita basa raifamba-famba pamusoro pemvura.”—Genesisi 1:2.

Kuti mvura inoyerera kana yomumakungwa irambe iri mvura, nyika inofanira kuva chinhambwe chakakodzera kubva pazuva. Mumwe musayendisiti wezuva nenyika dzaro anonzi Andrew Ingersoll anotsanangura kuti: “Mars inotonhora zvikuru, Venus inopisa zvikuru, Nyika iri pakakodzera.” Uyewo kuti zvinomera zvikure, panoda chiedza chakakodzera. Uye zvinokosha kuti Bhaibheri rinoti Mwari achangotanga kusika, akaita kuti chiedza chezuva chipinde nomumakore akasvibira akanga akaputira gungwa sezvinoita ‘jira rokuputirisa’ mwana.—Jobho 38:4, 9; Genesisi 1:3-5.

Mundima dzinotevera dzaGenesisi, tinoverenga kuti Musiki akaita inonzi neBhaibheri “nzvimbo huru.” (Genesisi 1:6-8) Nzvimbo huru iyi yakazara nemagasi anoumba nzvimbo inoita seisina chinhu yakapoteredza pasi redu.

Bhaibheri rinozotsanangura kuti Mwari akachinja nyika isina kugadzirwa kuti ive nyika yakaoma. (Genesisi 1:9, 10) Zviri pachena kuti akaita kuti pasi rive nemakomba makomba. Izvi zvingave zvakaita kuti pave nemigero yakadzika uye makondinendi akavapo achibva munyanza.—Pisarema 104:6-8.

Pane imwe nguva isingataurwi kare pasi pano, Mwari akasika zerere risingaoneki munyanza. Richishandisa simba rinobva kuzuva, zvinhu izvi zvine sero rimwe chete uye zvinoramba zvichiberekana zvakatanga kuchinja carbon dioxide kuti ive zvokudya ukuwo ichibudisa okisijeni inenge ichienda mumhepo. Ichi chiitiko chinoshamisa chakafambira mberi nokukurumidza munguva yokusika yechitatu nokusikwa kwakaitwa zvinomera izvo zvakazozara munyika. Saka okisijeni yaiva mumhepo yakawedzera, izvi zvaizoita kuti mhuka nevanhu vararame.—Genesisi 1:11, 12.

Kuti nyika ibereke, Musiki akaita kuti zvinhu zvisingaoneki zvakasiyana-siyana zvigare muivhu. (Jeremiya 51:15) Tupuka utwu tunoodza zvinhu zvakafa, twuchiita kuti zvinomera zviwane zvinhu zvinoita kuti zvikure. Dzimwe mhando dzetupuka twunoita kuti ivhu riorere dzinotora nitrogen mumhepo dzoita kuti iwanike nezvinomera kuti zvikure. Zvinoshamisa kuti, ivhu rakaorera ringangokwana muchanza ringava nemabhiriyoni matanhatu etupuka tusingaoneki!

Genesisi 1:14-19 inotsanangura kusikwa kwezuva, mwedzi, nenyeredzi sezvinhu zvakasikwa munguva yokusika yechina. Pakutanga, izvi zvingaita sezvinopesana nezvinotaurwa neMagwaro. Zvisinei, chimbofunga nezvokuti Mosesi munyori webhuku raGenesisi, akanyora nezvokusika semaonero aizoita munhu ari pasi, dai kuri kuti paiva nomunhu akadaro. Sezvineiwo, zuva, mwedzi nenyeredzi zvakatanga kuonekwa pasi pano panguva iyoyo.

Bhuku raGenesisi rinoti zvisikwa zvomugungwa zvakasikwa munguva yokusika yechishanu uye mhuka dzepanyika nomunhu mune yechitanhatu.—Genesisi 1:20-31.

Mwari Aida Kuti Nyika Inakidze

Hazviratidziki kwauri here kuti upenyu pano panyika, uhwo hwakavapo sezvinotaurwa mubhuku raGenesisi, hwakaitwa kuti hunakidze? Wakambomuka kuine zuva here uchifema mhepo yakanaka, uye uchifara kuti uri mupenyu? Zvimwe wakambotwasanudza makumbo mugadheni ukanakidzwa nokuona maruva akanaka anonhuhwirira. Kana kuti ungave wakambofamba-famba mumunda wemichero ukatanha muchero unonaka zvikuru. Zvinhu zvinofadza zvakadaro zvaisazobvira kudai kwakanga kusina zvinhu zvinotevera: (1) mvura yakawanda iri panyika, (2) kupisa uye chiedza zvakaringanira zvinobva kuzuva, (3) mhepo yepasi redu ine magasi akasiyana-siyana, uye (4) ivhu rakaorera.

Zvinhu zvose izvi—zvisiri kuMars, Venus uye dzimwe nyika dziri pedyo neyedu—hazvina kungoerekana zvavapo. Zvakanyatsogadzirwa kuti panyika pararamike pachifadza. Sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, Bhaibheri rinotiwo Musiki akasika nyika yedu yakanaka kuti igare nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nyika dziri pedyo nezuva—Mercury, Venus, Earth, neMars—dzinonzi terrestrial nokuti dzine ivhu nematombo. Nyika hombe dziri kure—Jupiter, Saturn, Uranus, neNeptune—dzinoumbwa zvikurukuru negasi.

[Bhokisi riri papeji 6]

Muongorori wemabwe Wallace Pratt, anoti: “Kudai ini somuongorori wemabwe ndaizokumbirwa kuti nditsanangure muchidimbu kuti pasi rakavapo sei uye kuti upenyu huri pariri hwaka- vapo sei, ndichitsanangurira vanhu vanopfuya zvipfuwo, vakaita semarudzi akanyorerwa Bhuku raGenesisi, ndaisamboita zviri nani kunze kwokunyatsotevedzera zviri muchitsauko chokutanga chaGenesisi.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

PAIRI PAKANAKIRA VANODZIDZA NEZVENYEREDZI

Kudai zuva rakanga riri kune imwewo nzvimbo, tingadai tisinganyatsooni nyeredzi. Bhuku rinonzi The Privileged Planet, rinoti: “Zuva neNyika Dzaro zviri . . . kure nenzvimbo dzine guruva dzine chiedza chakanyanyisa, zvichiita kuti tikwanise kuona zvakanaka nyeredzi dziri pedyo nedziri kure.”

Uyezve, kukura kwomwedzi uye daro rawo kubva panyika, zvakanyatsokodzera kuti mwedzi uvhare zuva kana raora. Izvi zvinhu zvisingawanzoitiki, zvinoshamisa zvinoita kuti vanodzidza nezvenyeredzi vadzidzewo nezvezuva. Zvidzidzo zvakadaro zvakaita kuti vazive zvinhu zvakawanda zvatakanga tisingazivi nezvokuti nyeredzi dzinopenya sei.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mwedzi unorema zvokuti unogona kudzikamisa kurereka kwakaita nyika

[Mifananidzo iri papeji 7]

Chii chinoita kuti panyika pararamike? Imvura yakawanda iripo, kupisa uye chiedza zvakaringanira, mhepo uye ivhu rakaorera

[Kwazvakatorwa]

Nyika: Based on NASA Photo; wheat: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.