Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tisingafaniri Kunyanyisa?

Nei Tisingafaniri Kunyanyisa?

Nei Tisingafaniri Kunyanyisa?

JEHOVHA ndiye muenzaniso mukuru womunhu asinganyanyisi. “Nzira dzake dzose ndedzokururamisira,” uye kururamisira kwake kune mutsa sezvo kuine ngoni nguva dzose. (Dheuteronomio 32:4) Rudo rwake runodzorwa nomutemo, nokuti anoita maererano nemitemo yakakwana. (Pisarema 89:14; 103:13, 14) Vabereki vedu vokutanga vakasikwa vakakwana pane zvose. Vakanga vasingaiti zvinhu nokunyanyisa. Zvisinei, chivi chakaita kuti pave no“urema”—kusakwana—zvichiita kuti pave nokuita zvinhu nokunyanyisa.—Dheuteronomio 32:5.

Kungoenzanisira: Wakambokwira motokari kana kuti bhasikoro rakanga riine tayi rine zibundu here? Hapana mubvunzo kuti zibundu racho rakaita kuti rwendo rwacho ruve nemabhambo uye rusina kuchengeteka. Tayi rakadaro rinoda kugadziriswa risati raputika. Saizvozvowo, kusakwana kwedu kunoita kuti tikanganise. Kana tikabvumira “mazibundu” akadaro achikura, rwendo rwedu muupenyu runova nemabhambo, kunyange kutova nengozi.

Dzimwe nguva tingaratidza kunyanyisa muunhu hwedu hwakanaka uye pane zvatinokwanisa kuita. Somuenzaniso, kunyange zvazvo Mutemo waMosesi wairayira vaIsraeri kupfeka masa panguo dzavo, vachida kusiyana neboka, vaFarisi vomuzuva raJesu ‘vaikudza masa dzaiva panguo dzavo’ zvakanyanyisa. Vavariro yavo yaiva yokuti vaoneke sevatsvene kudarika vamwe.—Mateu 23:5; Numeri 15:38-40.

Nhasi vamwe vanhu vanoedza nepavanogona napo kuti vamwe vavaone, kunyange kutoita zvinhu zvinoita kuti vashamisike. Chaizvoizvo apa vanenge vachiti: “Muri kundiona here? Ndiri munhuwo!” Asi kunyanyisa mumapfekero, mafungiro, uye mune zvaunoita hakugutsi zvinhu chaizvo zvinodiwa nomuKristu.

Kuona Basa Zvakanaka

Pasinei nokwatinogara uye kuti tiri vanaani, basa rakanaka rinobatsira kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. Takasikwa kuti tigutsikane nebasa rakadaro. (Genesisi 2:15) Ndokusaka Bhaibheri richishora usimbe. Muapostora Pauro akataura zvakajeka kuti: “Kana paine munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.” (2 VaTesaronika 3:10) Chokwadi kuva nousimbe kungaunza kwete nhamo chete nokusagutsikana asiwo kungaita kuti munhu asafarirwa naMwari.

Vakawanda vanobva vaita zvinhu nokunyanyisa, vova vanhu vanongogara vachishanda, vozviita varanda vebasa ravo. Zvavanobva pamba mangwanani-ngwanani uye vachizodzoka manheru chaiwo, vangafunga kuti kushanda kwavo kwakanakira mhuri dzavo. Asi chaizvoizvo mhuri dzavo dzinenge dzichitokanganiswa nokuzvipira kubasa zvakadaro. Mumwe mukadzi ane murume anowanzopedza maawa akawanda ari kubasa anoti: “Ndingafara chaizvo kusarudza kuva nomurume wangu nevana vedu pano kudarika kuva nezvinhu zvose zvoumbozha zviri muimba ino.” Vaya vanosarudza kushanda zvokudarika mwero vanofanira kufungisisa zvakaitika kuna Mambo Soromoni paakati: “Ini, iyeni, ndakatendeukira kumabasa angu ose akanga aitwa nemaoko angu uye kubasa rakaoma randakanga ndashanda zvakaoma kuti ndiite, asi tarira! zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo.”—Muparidzi 2:11.

Chokwadi nezvebasa, hatifaniri kunyanyisa kana kuti kuva nousimbe. Tinogona kushanda nokushingaira asi tichiyeuka kuti kuva varanda vebasa kuchatitadzisa kufara uye zvichida zvimwe zvakawanda.—Muparidzi 4:5, 6.

Usaona Mafaro Nenzira Yokunyanyisa

Bhaibheri rakafanotaura nezvenguva yedu richiti: “Vanhu vachava . . . vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:2, 4) Iye zvino Satani ari kubudirira kwazvo kutsausa vanhu pana Mwari achishandisa mafaro. Kunyanyisa muzvinhu zvinonyevenutsa muviri uye muvaraidzo, zvakadai somumitambo yokunyanyisa kana kuti “ine ngozi,” kuri kuwedzera. Mitambo yakadai iri kuramba ichiwanda, uyewo nevanoitamba. Nei iri kukurumbira zvakadaro? Vanhu vakawanda zvavasiri kugutsikana noupenyu hwavo hwezuva nezuva, vava kutsvaka kuzvifadza zvikuru. Asi kuti varambe vachifara kudaro zvinoda kuti vanyanye kuita mitambo ine ngozi. VaKristu vakangwarira havaiti mitambo ine ngozi nokuti vanoremekedza chipo choupenyu uye naiye Akahupa.—Pisarema 36:9.

Mwari paakasika vanhu vaviri vokutanga akavaisa kupi? Mumunda weEdheni, riri zita rinoreva kuti “Mufaro” maererano nomutauro wokutanga. (Genesisi 2:8) Zviri pachena kuti chaiva chinangwa chaJehovha kuti vanhu vararame vachifara.

Jesu akatisiyira muenzaniso wakakwana wokusanyanyisa mune zvemafaro. Akanga akazvipira zvizere kuti aite kuda kwaJehovha, uye haana kumborega kurarama achishandisa mitemo nemirayiro yaMwari. Aiwanira nguva vaya vaishaya, kunyange paainge akaneta. (Mateu 14:13, 14) Chokwadi, Jesu aibvuma kukokwa kunodya uye aizvipa nguva yokuzorora uye yokudya nokunwa. Kutaura zvazviri, aiziva kuti vamwe vavengi vake vaimushora nokuti aiita zvinhu izvi. Vaiti nezvake: “Tarirai! Munhu anokara uye anonwisa waini.” (Ruka 7:34; 10:38; 11:37) Asi Jesu akanga asingadaviri kuti kuzvipira kwechokwadi hakusanganisiri mafaro ose muupenyu.

Zviri pachena kuti tinenge takachenjera kana tikarega kunyanyisa munyaya dzokunyevenutsa muviri. Kunyanya kukoshesa mafaro nokuzvivaraidza muupenyu hakumbounzi mufaro chaiwo. Kungaguma kwaita kuti tiregeredze zvinhu zvinonyanya kukosha, kusanganisira ukama hwedu naMwari. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kubva tarega zvachose kufara, kana kushora vamwe vanozvifadza muupenyu vasinganyanyisi.—Muparidzi 2:24; 3:1-4.

Wana Mufaro Nokurarama Upenyu Hwokusanyanyisa

Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Tose tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Tingazviwana tichimbozviitawo patinenge tichiedza kusanyanyisa. Chii chingatibatsira kuti tisanyanyise? Chokwadi tinofanira kuziva zvatinokwanisa uye zvatisingakwanisi. Kuziva izvi hakusi nyore. Tinogona kuita zvinhu nokunyanyisa tisingazvizivi. Saka, tinenge takachenjera kana tikaramba tiri pedyo nevamwe vaKristu vane ruzivo rwakakura uye kuteerera zano ravo risiri rokunyanyisa. (VaGaratiya 6:1) Tingakumbira shamwari yatinovimba nayo kana kuti mumwe mukuru ane ruzivo ari muungano kuti atipe zano. Tichishandisawo Magwaro, tinogona kushandisa zano rakadaro rinobva muBhaibheri se“girazi” kuti tione kuti Jehovha anotiona sei.—Jakobho 1:22-25.

Zvinofadza kuti hatifaniri kurarama tichiita zvinhu nokunyanyisa. Tikaedza nepatinogona napo uye nokukomborera kwaJehovha, tinogona kuva vanhu vanoita zvinhu nokusanyanyisa tobva tafara. Ukama hwedu nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu hunganatsiridzika, uye tingava mienzaniso yakanaka kune vaya vatinoparidzira. Kudarika zvose, tichanyatsotevedzera Mwari wedu ane rudo, asinganyanyisi, Jehovha.—VaEfeso 5:1.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

©Greg Epperson/age fotostock