Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchiswedera Pedyo naJehovha

Ramba Uchiswedera Pedyo naJehovha

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—JAK. 4:8.

1, 2. (a) “Mazano” aSatani ndeapi? (b) Chii chichatibatsira kuti tiswedere pedyo naMwari?

JEHOVHA MWARI paakasika vanhu, akaisa mavari chido chokuswedera pedyo naye. Asi Satani anoda kuti tifunge sezvaanoita, kuti hatidi Jehovha muupenyu hwedu. Idzodzo inhema dzave dzichisimudzirwa naSatani kubvira paakanyengedza Evha mumunda weEdheni. (Gen. 3:4-6) Kubvira ipapo, ruzhinji rwevanhu rwave ruchifunga izvozvo.

2 Asi isu hatifaniri hedu kubatwa nomusungo waSatani. “Mazano ake tinoaziva.” (2 VaK. 2:11) Satani anoedza kutiendesa kure naJehovha nokuita kuti tikanganise pakusarudza. Asi sezviri munyaya yakapfuura, tinogona kusarudza zvakanaka panyaya yebasa, zvinotivaraidza uye panyaya dzine chokuita nemhuri. Nyaya ino icharatidza zvatingaita kuti zvigadzirwa zvemazuva ano, utano, mari, uye kudada zvisatiendesa kure naMwari asi kuti zvitibatsire ‘kuswedera pedyo naye.’—Jak. 4:8.

ZVIGADZIRWA ZVEMAZUVA ANO

3. Tsanangura kuti zvigadzirwa zvemazuva ano zvinogona sei kushandiswa zvakanaka kana zvakaipa.

3 Iye zvino, zvigadzirwa zvemagetsi zvemhando yepamusoro zvava kwose kwose munyika. Kana zvikashandiswa zvakanaka, zvinhu izvozvo zvinogona kubatsira. Zvikasashandiswa zvakanaka, zvinogona kutiendesa kure naBaba vedu vokudenga. Funga nezvemakombiyuta. Magazini yauri kuverenga yakanyorwa uye yakabudiswa pachishandiswa makombiyuta. Kombiyuta inogona kubatsira pakutsvakurudza nepakukurukurirana uye dzimwe nguva tinogona kuishandisa zvakanaka pakuzvivaraidza. Asi tinogonawo kupedzisira tanyura mune zvemakombiyuta. Vatengesi vakangwara chaizvo, vanoita kuti vanhu vafunge kuti vanotofanira kuva nechose chichangoburwa. Rimwe jaya raida chaizvo kamwe kakombiyuta kemumaoko zvokuti rakatengesa itsvo yaro kuti rikatenge. Ikoko kusafunga chaiko!

4. Mumwe muKristu akagadzirisa sei dambudziko rake rokushandisa kombiyuta zvakapfurikidza?

 4 Asi zvakatoipa chaizvo kana ukabvumira kuti zvigadzirwa izvozvo zvikanganise ukama hwako naJehovha. “Ndinoziva kuti Bhaibheri rinoti tinofanira ‘kutenga nguva yakakodzera’ yokuita zvokunamata,” anodaro Jon, muKristu ane makore 28. * “Asi panyaya yekushandisa kombiyuta, ndine dambudziko rakakura.” Jon aizokaruka patova pakati pousiku angori paIndaneti. Anoti, “Pandainzwa ndaneta chaizvo, ndipo pazvainyanya kundiomera kurega kutaura neshamwari paIndaneti kana kuona tumavhidhiyo, tumwe twacho tusina kunaka.” Kuti akunde dambudziko racho, Jon akaita kuti kombiyuta yake idzime yega kana nguva yokunorara yakwana.—Verenga VaEfeso 5:15, 16.

Vabereki, batsirai vana venyu kuti vashandise zvigadzirwa zvemazuva ano noungwaru

5, 6. (a) Vabereki vanofanira kuitirei vana vavo? (b) Vabereki vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vane shamwari dzakanaka?

5 Vabereki, musangoti nangananga nekese kanoitwa nevana venyu asi munofanira kuona kuti vari kushandisa sei kombiyuta. Musavarega vachivhura nzvimbo dzepaIndaneti dzine zvounzenza, mitambo yechisimba, zvemidzimu uye pavangashamwaridzana nevanhu vakaipa, muchiitira kuti vasakunetsai. Kana mukavarega, vangati, ‘Baba naAmai zvavasina basa nazvo, saka hapana chakaipa.’ Sevabereki, ndimi munofanira kudzivirira vana venyu, kusanganisira vaya vari kuyaruka, pane chero chingavaendesa kure naJehovha. Ingawani mhuka dzinodzivirira vana vadzo pangozi. Fungai kuti mhuka inonzi bheya inoita sei kana munhu akada kukuvadza vana vayo!—Enzanisa naHosiya 13:8.

6 Batsirai vana venyu kuti varonge kushamwaridzana nevamwe vaKristu, vechiduku uye vakuru vanoita zvakanaka. Uye yeukai vana venyu vanoda kuti imi muve nenguva navo! Saka wanai nguva yokuseka navo, kutamba, kuita basa, uye ‘yokuswedera pedyo naMwari.’ *

UTANO

7. Nei tose tichida kuva neutano hwakanaka?

7 “Iri sei miviri?” Mashoko aya anogara achitaurwa anoratidza chokwadi chinorwadza. Tose tinorwara nokuti vabereki vedu vokutanga vakabvumira Satani kuti avaendese kure naJehovha. Satani anoda kuti tirware, nokuti kana tichirwara, zvinotiomera kushumira Jehovha. Uye kana tikafa hatizombokwanisi kumushumira. (Pis. 115:17) Saka tinoda kuita zvose zvatinogona kuti tive neutano hwakanaka. * Uye tinodawo kuti hama dzedu dzive neutano hwakanaka.

8, 9. (a) Tingaitei kuti tisapfurikidze pane zvatinoita panyaya yeutano? (b) Zvakanakirei kugara tichifara?

8 Zvisinei, zvinokosha kuti tisapfurikidze pane zvatinoita panyaya yeutano. Vamwe vakabishaira chaizvo kushambadza zvokudya,  marapirwo, zvizorwa kana kuti mishonga kupfuura kubishaira kwavanoita pakuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vangave vachifunga kuti vari kubatsira vamwe. Kunyange zvakadaro, hazvina kunaka kushambadza zvinhu zvakadaro misangano isati yatanga kana kuti yapera, pangava paImba yoUmambo kana kuti pamagungano. Zvakaipirei?

9 Tinoungana kuti tikurukure zvokunamata uye kuti tiwedzere mufaro wedu, watinowana nemhaka yemudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22) Pasinei nokuti tabvunzwa kana kuti hatina, kukurukura mazano ezvoutano kana mishonga pakadaro kunogona kuita kuti tisaise pfungwa pakunamata uye kuita kuti vamwe vasafare. (VaR. 14:17) Munhu anofanira kuzvisarudzira zvokuita neutano hwake. Uyezve hapana anogona kurapa zvirwere zvose. Kunyange vanachiremba vane unyanzvi vanochembera, vanorwara uye vanofa. Uye kuzvidya mwoyo nenyaya yeutano hakurebesi upenyu hwedu. (Ruka 12:25) Asi “mwoyo unofara unorapa.”—Zvir. 17:22.

10. (a) Chii chinotariswa naJehovha kuti munhu anzi akanaka? (b) Tichava neutano hwakakwana riini?

10 Zvakakodzerawo kuti tive nehanya nechitarisiko chedu. Asi hatifaniri kubva tanyanyisa kuedza kubvisa zvose zvinoratidza kuchembera. Izvozvo zvinoratidza kuti tava munhu akura, anoremekedzeka uye ane runako rwomukati. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” (Zvir. 16:31) Ndiwo maonerwo atinoitwa naJehovha uye tinofanira kuzvionawo saizvozvo. (Verenga 1 Petro 3:3, 4.) Saka kuchenjera here kuisa upenyu pangozi nokunovhiyiwa kana kuti kushandisa mishonga ine ngozi uchingoitira kuti utaridzike zvakanaka? “Mufaro waJehovha” ndiwo unoita kuti tive norunako rwechokwadi, runobva nechomukati, pasinei nezera redu kana utano. (Neh. 8:10) Munyika itsva ndimo matichazova neutano hwakakwana uye runako rwepauduku. (Job. 33:25; Isa. 33:24) Asi iye zvino, kuratidza uchenjeri uye kutenda zvichatibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha tichiita zvatinogona mumamiriro ezvinhu aripo.—1 Tim. 4:8.

MARI

11. Mari ingava sei musungo?

11 Mari haina kuipa uye hapana chakaipa nokuita bhizimisi risina chitsotsi. (Mup. 7:12; Ruka 19:12, 13) Zvisinei, “kuda mari” kuchatotiendesa kure naJehovha. (1 Tim. 6:9, 10) ‘Kuzvidya mwoyo nezvinhu zvepanguva ino’ uye kuti tingawana sei zvokurarama nazvo zvinogona kutivhunga pakunamata. Ndizvo zvinoitawo “simba rinonyengera repfuma,” pfungwa isiriyo yokuti pfuma ichaita kuti tigare tichifara tisina chokutya. (Mat. 13:22) Jesu akataura kuti “hapana munhu” anogona kuti uku ari kushumira Mwari uku achishumira pfuma.—Mat. 6:24.

12. Mazuva ano misungo ipi iri kwose kwose panyaya yemari uye tingaidzivisa sei?

12 Kunyanya kuda mari kungaita kuti tiite zvakaipa. (Zvir. 28:20) Vamwe vakasvika pakutenga matikiti erotari kana kuti vakapinda muzvirongwa zvokukurumidza kuwana mari nokuti vainge vavimbiswa kuti vaizowana mari zviri nyore, uye vakatokurudzirawo dzimwe hama muungano kuti dziite izvozvo. Vamwe vakanyengedzwa kuisa mari yavo mubhizimisi vachinzi yaizobereka zvakanyanya. Usarega makaro achiita kuti ubiridzirwe. Shandisa pfungwa. Kana ukavimbiswa mari yakanyanya kuwanda, ziva kuti ungangobirwa.

13. Maonero anoita Jehovha mari akasiyana sei neevanhu vari munyika?

13 Kana tikaisa “umambo nokururama” kwaJehovha pokutanga, iye achatikomborera patinenge tichiedza kuwana  zvokurarama nazvo. (Mat. 6:33; VaEf. 4:28) Haadi kuti tirare pamisangano nokuti tinenge tanyanya kushanda kana kuti tigare muImba yoUmambo tichinetseka nenyaya yemari. Asi vakawanda vari munyika vanofunga kuti, kuti sika sika nokutsvaka mari ndiko kuchaita kuti vasazonetseka mune ramangwana. Vanotokurudzirawo vana vavo kuti vave nechinangwa ichocho. Jesu akaratidza kuti mafungiro iwayo haana musoro. (Verenga Ruka 12:15-21.) Izvi zvingatiyechidza nezvaGehazi, uyo aifunga kuti pasinei nemakaro ake aizoramba aine ukama hwakanaka naJehovha.—2 Madz. 5:20-27.

14, 15. Nei tisingafaniri kufunga kuti mari ichaita kuti tigare zvakanaka tisina chokutya? Taura muenzaniso.

14 Mamwe makondo anonzi akasvika pakunyura mumvura achiedza kusimudza hove dzaaisakwanisa kutakura. Zvakada kudaro zvingaitika here kumuKristu? “Ndine rutsuta chaizvo,” anotsanangura kudaro mumwe mukuru anonzi Alex. “Kana ndikadira sipo yomusoro yakawandisa ndinodzosera imwe yacho mubhodhoro.” Zvisinei, Alex akapinda mumusungo wokuita zvemusika wemari (stock market) achifunga kuti aizokurumidza kurega basa rake ova piyona. Akapedzisira anyura mukuongorora zvokutenga nokutengeswa kwemasheya. Achishandisa mari yaainge achengeta neimwe yaakakwereta, akatenga masheya ainzi navanamazvikokota aizokurumidza kubereka mari yakawanda. Asi ukoshi hwemasheya acho hwakatodzika zvakanyanya. “Ndainge ndatsunga kuti mari yangu idzoke,” anodaro Alex. “Ndaifunga kuti kana ndikashingirira, masheya angu aizowedzerazve ukoshi.”

15 Kwemwedzi yakawanda, Alex ainge ava kungofunga masheya ake. Zvainge zvava kumuomera kuisa pfungwa pane zvokunamata uye ainge ava kushaya hope. Asi masheya ake haana kuwedzera ukoshi. Alex akarasikirwa nemari yake uye aitofanira kutengesa imba. “Ndakarwadzisa chaizvo mhuri yangu,” anobvuma kudaro. Asi akawana chidzidzo chinokosha. “Iye zvino ndava kuziva kuti munhu wose anovimba nenyika yaSatani achaodzwa mwoyo chaizvo.” (Zvir. 11:28) Zvechokwadi, kuvimba nemari yatinayo, upfumi, kana kuti unyanzvi hwokuita mari munyika ino, zvakangofanana nokuvimba “namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” Satani. (2 VaK. 4:4; 1 Tim. 6:17) Alex akabva aita kuti upenyu hwake husava netwakawanda-wanda “nokuda kwemashoko akanaka.” Ukamubvunza, achakuudza kuti kuita izvozvo kwakaita kuti iye nemhuri yake vanyatsofara uye vaswedere pedyo naJehovha.—Verenga Mako 10:29, 30.

KUDADA

16. Kudada kwakanaka kunosiyana papi nekwakaipa?

16 Dzimwe nguva kudada nezvinhu zvakarurama kwakanaka. Somuenzaniso, tinofanira kudada nokuti tiri Zvapupu zvaJehovha. (Jer. 9:24) Kuva nekakuzviremekedza kunoita kuti tisarudze kuita zvakanaka uye tisashatise tsika dzedu. Asi kunyanya kukoshesa maonero edu kana kuti chinzvimbo chedu kunogona kutiendesa kure naJehovha.—Pis. 138:6; VaR. 12:3.

Nakidzwa noushumiri hwako pane kunetseka nokuda chinzvimbo muungano!

17, 18. (a) Taura mienzaniso iri muBhaibheri yevanhu vaizvininipisa uye vaidada. (b) Imwe hama yakaita sei kuti kudada kusaiendese kure naJehovha?

17 Bhaibheri rine mienzaniso yevanhu vaidada uye vaizvininipisa. Mambo Dhavhidhi akazvininipisa uye akatsvaka kutungamirirwa naJehovha uye Jehovha akamukomborera. (Pis. 131:1-3) Asi Jehovha akaninipisa madzimambo aidada, Nebhukadhinezari naBheshazari. (Dhan. 4:30-37; 5:22-30) Mazuva ano, tingasanganawo nemamiriro ezvinhu angaita kuti zvitiomere kuzvininipisa. Mumwe mushumiri anoshumira ane makore 32 anonzi Ryan akatamira kune imwe ungano. “Ndaitarisira kuti pasina  nguva ndaizoitwa mukuru,” anodaro Ryan, “asi gore rakapera pasina chaitika.” Ryan aizogumbuka here achifunga kuti vakuru vainge vasiri kumuremekedza? Aizorega kupinda misangano, achibvumira kuti kudada kumuendese kure naJehovha nevanhu vake here? Uriwe, ungadai wakaita sei?

18 Ryan anoyeuka kuti, “Ndakaverenga zvose zvandaikwanisa kuwana mumabhuku edu zvaitaura nezvechinhu chatinenge tichitarisira chinenge chanonoka.” (Zvir. 13:12) “Ndakatanga kuona kuti ndaifanira kudzidza kumirira uye kuzvininipisa. Ndaifanira kubvuma kudzidziswa naJehovha.” Ryan akabva aisa pfungwa dzake pakubatsira vamwe muungano uye muushumiri. Pasina nguva ainge ava nevanhu vaaidzidzisa Bhaibheri vaifambira mberi. “Pandakazoitwa mukuru papera gore nehafu, ndaisazvitarisira,” anodaro. “Ndainge ndisisanetseki nazvo nokuti ndainakidzwa chaizvo muushumiri.”—Verenga Pisarema 37:3, 4.

RAMBA URI PEDYO NAJEHOVHA!

19, 20. (a) Tingava sei nechokwadi chokuti zvinhu zvatinoita zuva nezuva hazvitiendesi kure naJehovha? (b) Tingatevedzera vanaani vakaramba vari pedyo naJehovha?

19 Zvose zvakurukurwa munyaya ino neyakapfuura zvine zvazvakanakira muupenyu hwedu. Tinodada nokuti tiri vashumiri vaJehovha. Mhuri inofara uye utano hwakanaka zvimwe zvezvipo zvinokosha zvatakapiwa naJehovha. Tinoziva kuti basa uye mari zvinogona kutibatsira kuti tiwane zvinodiwa pakurarama. Tinoziva kuti kuwana nguva yokuzvivaraidza kunogona kutizorodza uye zvigadzirwa zvemazuva ano zvinogona kubatsira. Asi kana tikapfurikidza pazvinhu izvi, kana kuzvirega zvichikanganisa kunamata kwedu, zvinogona kutiendesa kure naJehovha.

Usarega chero chii zvacho chichikuendesa kure naJehovha!

20 Izvozvo ndizvo zvinotodiwa naSatani. Asi unogona kuita kuti dambudziko iroro risakuwira uye risawira mhuri yako! (Zvir. 22:3) Swedera pedyo naJehovha woramba uri pedyo naye. Tine mienzaniso yakawanda iri muBhaibheri inotibatsira panyaya iyi. Inoki naNoa ‘vakafamba naMwari wechokwadi.’ (Gen. 5:22; 6:9) Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaH. 11:27) Jesu aitsigirwa naMwari nokuti airamba achiita zvaifadza Baba vake vokudenga. (Joh. 8:29) Tevedzera vanhu ivavo. Shoko raMwari rinoti, “Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.” (1 VaT. 5:16-18) Uye usarega chero chii zvacho chichikuendesa kure naJehovha!

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.

^ ndima 6 Ona nyaya inoti, “Ungadzidzisa Sei Vana Kuti Vazozviraramira?” iri muMukai! yaOctober-December 2011.

^ ndima 7 Ona nyaya inoti, “Mazano Mashanu Okuvandudza Utano,” iri muMukai! yaApril–June 2011.