Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Ndimwari Here?

Jesu Ndimwari Here?

VANHU vakawanda vanofunga kuti Utatu “idzidziso inokosha muchitendero chechiKristu.” Dzidziso iyi inoti Baba, Mwanakomana uye mudzimu mutsvene vanhu vatatu vari muna Mwari mumwe chete. Mumwe mufundisi anonzi John O’Connor achitaura nezvoUtatu akati: “Tinoziva kuti Utatu idzidziso isingagoni kutsanangurwa nevanhu, yatisiri kunzwisisa.” Nei dzidziso yoUtatu yakaoma kunzwisisa?

Rimwe Duramazwi rinonzi The Illustrated Bible Dictionary rinotaura chimwe chezvikonzero zvacho. Duramazwi iri richitaura nezvedzidziso yoUtatu rinobvuma kuti: “Idzidziso isingabvi muBhaibheri nokuti hapana magwaro anotsanangura dzidziso yacho muBhaibheri.” Sezvo dzidziso iyi “isingabvi muBhaibheri,” vanoidavira vave vachitsvaka nemaziso matsvuku magwaro omuBhaibheri, kunyange kuamonyorora kuti vatsigire dzidziso yavo iyi.

Rugwaro Urwu Runodzidzisa nezvoUtatu Here?

Rumwe rugwaro runowanzoshandiswa zvisiri izvo ndiJohani 1:1. MuBhaibheri reNdimi yeUnion Shona ndima iyi inoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kuna Mwari [chiGiriki, ton the·onʹ], Shoko rakanga riri Mwari [the·osʹ].” Ndima iyi inoshandisa kaviri dzitsi rechiGiriki rokuti the·osʹ rinoreva kuti mwari. Pokutanga pacho, pamberi peshoko iri panenge paine chivakashure chokuti ton zvichiratidza kuti ndiMwari Wemasimbaose. Asi pechipiri, panongova nerokuti the·osʹ pasina chivakashure chiya chokuti ton. Pechipiri apa pakakanganiswa here?

Nei dzidziso yoUtatu yakaoma kunzwisisa?

Evhangeri yaJohani yakanyorwa mumutauro une mitemo yawo, unonzi Koine, kana kuti chiGiriki chaitaurwa noruzhinji. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi A. T. Robertson yakaona kuti kana “zvinhu zviviri zvakaenzana, zvakafanana, zvichireva chinhu chimwe chete, kana kuti zvichigona kuchinjaniswa” panenge paine chivakashure chakafanana pazvinhu zvacho zviviri. Robertson anoshandisa rugwaro rwaMateu 13:38 rwunoti: “Munda [chiGiriki, ho a·grosʹ] inyika [chiGiriki, ho koʹsmos].” Pamberi peshoko rokuti ‘munda’ [a·grosʹ] uye rokuti ‘nyika’ [koʹsmos] pane chivakashure [ho]. Mashoko aya anoreva kuti munda nenyika zvinhu zvakafanana, zvinoreva chinhu chimwe chete, kana kuti zvinogona kuchinjaniswa.

Zvisinei, zvakadini kana rimwe shoko racho riine chivakashure uye rimwe racho risina, sezviri pana Johani 1:1? Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi James Allen Hewett ichishandisa rugwaro irworwu, inoti: “Kana zvangodaro chete mashoko acho maviri haana kufanana, haana kuenzana, haarevi chinhu chimwe chete uye haatombogoni kuchinjaniswa achinzi akafanana.”

Hewett anoshandisa muenzaniso uri pana 1 Johani 1:5 panoti: “Mwari chiedza.” MuchiGiriki, shoko rokuti ho the·osʹ, rinoreva kuti “Mwari” rine chivakashure. Asi pashoko rokuti phos rinoreva kuti “chiedza” hapana chivakashure. Hewett anojekesa kuti: “Munhu . . . anogona kuti Mwari chiedza, kwete kuti chiedza ndiMwari.” Mienzaniso yakaita seiyi iri pana Johani 4:24, panoti, “Mwari Mudzimu,” uye pana 1 Johani 4:16, panoti, “Mwari rudo.” Mumagwaro maviri aya shoko rokuti Mwari rine chivakashure, asi mashoko okuti “Mudzimu” uye “rudo” haana. Saka kana zvakadaro hatigoni kuti “Mudzimu ndiMwari” kana kuti “rudo ndiMwari.”

Aitaura Here Kuti “Shoko” Raiva Ani?

Nyanzvi dzakawanda dzechiGiriki uye vashanduri veBhaibheri vanobvuma kuti Johani 1:1 haisi kutaura kuti “Shoko” raiva ani, asi kuti raiva rakaita sei. Mumwe mushanduri weBhaibheri anonzi William Barclay anoti: “Sezvo [muapostora Johani] asina kuisa chivakashure pamberi peshoko rokuti theos, izvi zvinoratidza kuti nderokurondedzera chete zvaiva zvakaita shoko . . . Johani haasi kutaura kuti Shoko rakafanana naMwari. Tisinganyenyeredzi pane nyaya, haatauri kuti Jesu ndiMwari.” Mumwe purofesa wezvidzidzo zvezvitendero anonzi Jason David BeDuhn anotiwo: “MuchiGiriki tikabvisa chivakashure padzitsi rokuti theos mumutsetse souri pana Johani 1:1c, vaverengi vachafunga kuti uri kureva ‘mwariwo zvake.’ . . . Zvinoita kuti dzitsi rokuti theos rinyatsosiyana nerine chivakashure rokuti ho theos, sokusiyana kwakaita kuti ‘mwariwo zvake’ nokuti ‘Mwari’ muchiShona.” Anotizve: “Pana Johani 1:1, Shoko harisi iro Mwari Wemasimbaose, asi rinongova mwariwo zvaro, kana kuti chisikwa chisingaoneki saMwari.” Kana kuti sokutaura kwakaita imwe nyanzvi yezvitendero inonzi Joseph Henry Thayer, uyo akashanda pakaitwa American Standard Version, anoti: “Logos [kana kuti Shoko] raiva chisikwa chokudenga, kwete Mwari Wemasimbaose.”

Jesu akaratidza kuti iye naBaba vake vakasiyana chaizvo

Mwari anofanira kunzi ‘haanzwisisiki’ here? Handiwo maonero aiita Jesu. Paainyengetera kuna Baba vake, akaratidza kuti iye naBaba vake vakasiyana chaizvo paakati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kana tichitenda zvakataurwa naJesu uye tichinzwisisa dzidziso yakajeka yeBhaibheri, tichamuremekedza sezvaari, soMwanakomana waMwari asingaoneki. Tichanamata Jehovha sa“Mwari wechokwadi chete.”