Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Zvapupu zvaJehovha Zvinobvuma Kurapwa Kuchipatara Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinobvuma Kurapwa Kuchipatara Here?

Jesu akati: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.” (Mateu 9:12) Aireva kuti Magwaro haarambidzi kuti munhu aende kuchipatara. Saka Zvapupu zvaJehovha zvinoenda kuchipatara nokunwa mishonga zvakasununguka. Vanoda kuva noutano hwakanaka kwete kugurisira upenyu panzira. Zvimwe Zvapupu zvaJehovha vanotova vanachiremba, sezvakanga zvakaita Ruka, muKristu womuzana remakore rokutanga.—VaKorose 4:14.

Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoramba mamwe marapiro anopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Somuenzaniso, havadi kuwedzerwa ropa nokuti Bhaibheri rinorambidza kudya ropa. (Genesisi 9:4; Revhitiko 17:1-14; Mabasa 15:28, 29) Shoko raMwari rinorambidzawo dzimwe nzira dzokurapa dzinosanganisira kuita ‘zvemashiripiti,’ kana kuti zvemidzimu.—Isaya 1:13; VaGaratiya 5:19-21.

Vanachiremba vakawanda vane nzira dzakasiyana-siyana dzokurapa nadzo dzisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri. Kazhinji nzira idzodzo dzinosarudzwa neZvapupu zvakawanda, dzinotoshanda zviri nani kudarika dziya dzinoshorwa naMwari.

Ichokwadi kuti panyaya yokurapa kune nzira dzakasiyana-siyana. Zvingabatsira mumwe hazvisiri izvo zvinobatsira nhingi. Saka zvinokosha kuti vanhu vari kuda kurapwa kana kuti kuonekwa kuti dambudziko nderei vanofanira kunzwa zvinotaurwawo nevamwe vanachiremba.—Zvirevo 14:15.

Zvapupu zvose hazvizoiti chisarudzo chakafanana panyaya dzokurapwa. Shoko raMwari rinoti kana pasina mutemo weBhaibheri unenge uchinyatsobudisa pachena zvinofanira kuitwa, muKristu ngaashandise hana yake. (VaRoma 14:2-4) Saka mumwe nomumwe anofanira kuongorora nzira yokurapwa kunenge kwataurwa oona kana isingapesani nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri.—VaGaratiya 6:5; VaHebheru 5:14.

Masarudziro achaitwa neChapupu achafanana nezvinoita mutyairi paanosvika pamharadzano ine motokari dzakawanda. Kana akangotevera dzimwe motokari obva apfuura ari mhepo anopinda muna taisireva. Mutyairi akangwara anofamba zvishoma nezvishoma oona kuti kwakamira sei asati apfuura. Ndizvowo zvinongoitwa neZvapupu. Havangobvumiri mudenga nzira dzokurapwa nadzo vachitevedzera zvinoitwa neruzhinji. Asi kuti vanoongorora kuti Bhaibheri rinoti chii vasati vaita chisarudzo.

Zvapupu zvaJehovha zvinotenda chaizvo basa guru uye kuzvipira kunoitwa nevaya vanorapa.