Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ndiani?

Mwari Ndiani?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Mwari Ndiani?

Nyaya ino ine mibvunzo yaungave wakabvunza uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Mwari ndiani?

Mwari wechokwadi ndiye Musiki wezvinhu zvose. Bhaibheri rinomudana kuti “Mambo asingagumi,” kureva kuti haana mavambo uye haazombovi nemagumo. (Zvakazarurwa 15:3) Sezvo Mwari ari Tsime roupenyu, ndiye chete watinofanira kunamata.—Verenga Zvakazarurwa 4:11.

2. Mwari akaita sei?

Hapana munhu akamboona Mwari nokuti iye Mudzimu, kureva kuti ane muviri wakakwirira kusiyana nowezvisikwa zviri pano panyika. (Johani 1:18; 4:24) Tinoona zvakaita Mwari kubva mune zvaakasika. Somuenzaniso, patinoongorora mhando dzemichero uye dzemaruva, tinobva taona rudo uye uchenjeri hwake. Kuwanda kwakaita zvinhu zvakasikwa kunotiratidza simba rina Mwari.—Verenga VaRoma 1:20.

Tinogona kudzidza zvakawanda nezveunhu hwaMwari kubva muBhaibheri. Somuenzaniso, rinotiudza zvaanoda nezvaasingadi, mabatiro aanoita vanhu, uye zvaanoita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.—Verenga Pisarema 103:7-10.

3. Mwari ane zita here?

Jesu akati: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Kunyange zvazvo Mwari ane mazita akawanda okuremekedza, ane zita rake chairo rimwe chete. Rinotaurwa zvakasiyana-siyana mumutauro mumwe nomumwe. MuchiShona tinoti “Jehovha.”—Verenga Pisarema 83:18.

Zita raMwari rakabviswa mumaBhaibheri akawanda rikatsiviwa nemazita okuremekedza akadai saIshe kana kuti Mwari. Asi panguva yakanyorwa Bhaibheri, zita raMwari raiwanikwa kanenge ka7 000. Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe paaitsanangurira vanhu Shoko raMwari. Akabatsira vanhu kuti vasvike pakuziva Mwari.—Verenga Johani 17:26.

4. Jehovha ane hanya nesu here?

Jehovha anoratidza kuti anotida nokuteerera minyengetero yomumwe nomumwe wedu. (Pisarema 65:2) Kutambura kwose kwatinoona kunoratidza kuti Mwari haana hanya nesu here? Vamwe vanhu vanoti Mwari anotitambudza kuti atiedze, asi idzi inhema. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa.”—Jobho 34:10; verenga Jakobho 1:13.

Mwari akaremekedza vanhu nokuvapa rusununguko rwokusarudza. Hationgi here rusununguko rwatinarwo rwokusarudza kushumira Mwari? (Joshua 24:15) Kutambura kwakazara nokuti vanhu vakawanda vari kusarudza kuitira vamwe zvakaipa. Jehovha anorwadziwa paanoona zvinhu zvakaipa zvakadaro.—Verenga Genesisi 6:5, 6.

Munguva pfupi, Jehovha achashandisa Jesu kubvisa kutambura uye honzeri dzacho. Iye zvino Jehovha ane chikonzero chakanaka chokubvumira kuti vanhu vatambure kwenguva pfupi. Imwe yenyaya dzinotevera ichazotsanangura chikonzero nei Mwari achibvumira kutambura.—Verenga Isaya 11:4.

5. Mwari anoda kuti tiitei?

Jehovha akatisika tichikwanisa kusvika pakumuziva uye kumuda. Anoda kuti tidzidze chokwadi pamusoro pake. (1 Timoti 2:4) Kana tikadzidza Bhaibheri tinogona kupedzisira tava kuona Mwari seShamwari.—Verenga Zvirevo 2:4, 5.

Sezvo Jehovha ari iye akatisika ndiye chete watinofanira kuda kupfuura vamwe vanhu. Tinogona kuratidza Mwari kuti tinomuda nokunyengetera kwaari uye kuita zvaanoda. (Zvirevo 15:8) Jehovha anoda kuti tiratidzewo vamwe rudo.—Verenga Mako 12:29, 30; 1 Johani 5:3.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 1 chebhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pangava nechikonzero chakanaka chokubvumira kutambura kwenguva pfupi here?